BHUKU ROKUTANGA RANEFI KUTONGA NOUFUNDISI HWAKE Nyaya yaRehi nemudzimai wake Saria, navanakomana vake vana, vachidaidzwa, kunzi (tichitangisa nomukuru) Ramani, Remueri, Samu, naNefi. Ishe anoyambira Rehi kuti abve munyika yeJerusaremu, nokuti anoporofita kuvanhu ava pamusana pokuipa kwavo saka vave kutsvaga kuparadza upenyu hwake. Anotora rwendo rwemazuva matatu kupinda murenje nemhuri yake. Nefi anotora vakoma vake vodzokera kunyika yeJerusaremu kunotora zvinyorwa zvinotaura nezvamaJudha. Zvinyorwa zvokutambudzika kwavo. Vanowana vanasikana vaIshimaeri. Vanotora mhuri dzavo voenda murenje. Kutambudzika nokurwadziwa kwavo vari murenje. Nzira yavakateedza. Vanosvika pamvura zhinji. Vakoma vaNefi vanomupandukira. Anovanyadzisa, uye anovaka ngarava. Vanodaidza nzvimbo iyi kuti Nyika yeMaguta. Vanoyambuka mvura zhinji vosvika munyika yechipikirwa, nezvimwewo. Izvi zviri maererano nokunyorwa kwazvakaitwa naNefi; kana kuti nemamwe mazwi, ini, Nefi, ndini ndakanyora zvinyorwa izvi. CHITSAUKO 1 Nefi anotangisa nyaya yevanhu vake-Rehi anoona mukuratidzwa mutswi wemoto uye anoverenga kubva mubhuku rechiporofitaAnorumbidza Mwari, anotaura pamusana pokuuya kwaMesiya, uye anoporofita pamusana pokuparadzwa kweJerusaremu-Anotambudzwa nemaJudha. Zvingangove makore 600 Kristu asati aberekwa. NI, Nefi, somunhu akabereIkwa navabereki vakanaka, naizvozvo ndakafundiswa izvo zvose zvaizivikanwa nababa vangu; uye nekunge ndaona matambudziko akawanda mukufamba kwamazuva angu, asi zvisinei, sezvo ndakanga ndakaropafadzwa naIshe mumazuva ose angu; hongu, nokuva noruzivo rwukuru rwokunaka nezvakavanzika zvaMwari, nokudaro ndinonyora nyaya yezvaiitika mumazuva angu. 2 Hongu, ndinonyora nyaya iyi mururimi rwababa vangu, rwakavakwa kubva mudzidzo yamaJudha nomutauro wamaIjipiti. 3 Zve ndinoziva kuti nyaya yandinonyora ndeyechokwadi; uye ndinoinyora neruoko rwangu; uye ndinoinyora maererano noruzivo rwangu. 4 Nekuti zvakaitika kuti mukutanga kwegore rokutanga rekutonga kwaZedhekia, mambo wamaJudha, (baba vangu, Rehfi, semunhu akagara muJerusaremu mazuva ake ose); uye mugore rimwechetero kwakauya vaporofita vazhinji, vakaporofita kuvanhu vachiti makafanira kutendeuka, kana kuti guta 1 NEFI 1:5-16 2 guru reJerusaremu rakafanirwa kuparadzwa. 5 Naizvozvo zvakaitika kuti baba vangu, Rehi, mukufamba kwavo vakanamata kuna Ishe, hongu, kana nemwoyo wavo wose, vachinamatira vangu wavo. 6 Uye zvakaitika kuti vachinamata kudaro kuna Ishe, kwakauya mutswi womoto ukagara pamusoro pedombo vakanga riri mberi kwavo; vakanzwa vakanga zvakawanda; nokuda kwezvinhu zvavakaona nokunzwa vakabvunda uye vakadedera zvikuru. Uye zvakaitika kuti vakadzokera kumba kwavo kuJerusaremu; vakazvikanda pauriri hwavo, nokuda kwokukurirwa noMweya nezvinhu zvavakanga vaona. 8 Ezvo akabatwa kudaro noMweya, akatakurwa ari muchiratidzo, naizvozvo akaona matenga achizarurwa, akayeuka kuti akanga aona Mtyari akagara pachigaro chake chokutonga, akakomberedzwa navanhu vasingaverengeke vari vatumwa vaiimba nokurumbidza Mtyari wavo. 9 Uye zvakaitika kuti akaona Mumwe achidzika kubva mukati medenga, akaona kuti kupenya kwake kwakanga kwakadarika kupenya kwezuva ramasikati. 10 Uye akaona vamwe gumi navaviri vachimutevera, kupenya kwavo kwakanga kwakadarika kupenya kwenyenyedzi dzedenga. 11 Zve vakadzika pasi vakafamba pamusoro penyika; uye vokutanga vakauya vakamira pamberi pababa vangu, vakavapa bhuku, vakavakumbira kuti vanofanira kuriverenga. 12 Zve zvakaitika kuti panguva yavaiverenga, vakazadzwa noMweya waIshe. 13 Ezvo vakaverenga, vachiti: Hokoyo, kuJerusaremu, nokuti ndaona kuna kwenyu kwakaipisisa! Hongu, uye zvakawanda zvinhu zvakaverengwa nababa vangu pamusana peJerusaremu-kuti rinofanirwa kuzoparadzwa, pamwe navanhu vacho; vazhinji vachafa nomunondo, uye vazhinji vachatakurwa senhapwa vachiendeswa kuBhabhironi. 14 Uye zvakaitika kuti apo baba vangu vakanga vaverenga nokuona zvinhu zvikuru zvakawanda zvinoshamisa, vakashamiswa vakadaidzira zvinhu zvakawanda kuna Ishev zvakadai ~okuti: Makuru uye anoshamisa mabasa enyu, O Ishe Mwari Wamasimba Ose! Chigaro chenyu chiri kumusoro kumatenga, uye simba, nokunaka, netsitsi dzenyu dziri kuvanhu vose vari panyika; saka, nenzira yokuti mune tsitsi, hamuzobvumira kuti avo vanouya kwamuri vaparare! 15 Uye uyu ndiwo waive mutauriro wababa vangu mukurumbidza Mtyari wavo; nokuti mweya wavo wakafara, uye mwoyo wavo wakazadzwa, nokuda kwezvinhu zvavakanga vaona, hongu, izvo vakanga varatidzwa naIshe. 16 Uye zvino ini, Nefi, handisi kunyora zvose zvakanyorwa nababa vangu, nokuti vakanyora zvinhu zvizhinji zvavairatidzwa 3 1 NEFI 1:17-2:4 nezvavairotswa; uye vakanyorawo zvizhinji zvavakaporofita vakataura kuvana vavo, izvo zvandisinganyore zvose pano. 17 Asi ndichanyora zvandaiita mumazuva angu. Tarirai, ini ndinopfupikisa zvinyorwa zvababa vangu, pamahwendefa andakaita namaoko angu; nokudaro, shure kwokunge ndapfupikisa zvinyorwa zvababa vangu ndichazogadzira zvinyorwa zvoupenyu hwangu. 18 Naizvozvo, ini ndinoda kuti muzive, kuti shure kwokunge Ishe aratidza baba vangu Rehfi zvinhu zvakawanda zvinoshamisa, hongu, pamusana pokuparadzwa kweJerusaremu, tarirai akaenda kuvanhu, akatangisa kuporofita nokupupura kwavari pamusana pezvinhu zvaakanga aona nezvaakanzwa. 19 Uye zvakaitika kuti maJudha akamunyomba nokuda kwezvinhu zvaakanga apupura pamusoro pavo; nokuti zvechokwadi akapupura pamusana pokuipa kwavo nezviito wavo zvinonyadzisa; uyezve akapupura kuti zvinhu zvaakanga aona nokunzwa, uye pezvinhu zvaakanga averenga mubhuku, zvakaburitsa pachena kuuya kwaMesiya, norununurowo rwepasi. 20 Zve maJudha zvaakanzwa izvi vakamushatirirwa; uye kana vaporofita vekare, vavaitandanisa, nokutaka namabwe, nokuuraya; saka vakatsvagao, kuti vamuuraye. Asfi tarirai, ini, Nefi, ndinokuratidzai kuti tsitsi dzaIshe dziri kuna vose avo vaakasarudza, nokuda kwokutenda kwavo, kuti avape masimba anovasvitsa mukupona. CHITSAUKO 2 Rehi anoenda nemhuri yake murenje riri pedyo neGungwa Dzvuku-Vanosiya pfuma yavo-Rehi anopira kuna Ishe nokudzidzisa vanakomana vake kuti vaehengetedze mirairo-Ramani naRemueri vanotsutsumwa pamusana pababa wavo-Nefi anoteerera nokunamata nokutenda; Ishe anotaura kwaari, uye anosarudzwa kuti atonge vakoma vake. Zvingangove makore 600 Kristu asati aberekwa. ZmNO tarirai, zvakaitika kuti Ishe akataura kuna baba vangu, hongu, kana muhope, akati kwavari: Wakakomborerwa iwe Rehi, nokuda kwezvinhu zvawakaita; uye nokuti wakava wakatendeseka nokutaurira vangu zvinhu izvo ndakakuraira iwe, tarira, vanotsvaka kuti vaparadze upenyu hwako. 2 Uye zvakaitika kuti Ishe akaraira baba vangu, muhope, kuti anofanirwa kutora mhuri yake aende murenje. 3 Zve zvakaitika kuti vakateerera mazwi aIshe, naizvozvo vakaita sokurairwa kw~ vakange vaitwa naIshe. 4 Uye zvakaitika kuti ~.~akasimuka vakaenda muren~ ~. Zve vakasiya imba yavo, nenyika yamadzitateguru avo, negoridhe yavo nesirivha yavo, pezvinhu wavo zvinokosha, vakaenda vasina chinhu, kunze kwemhuri yavo, nezvekudya, namatende, vakaenda murenje. 1 NEFI 2:5-17 4 5 Zve vakasvika munyasi meGungwa Dzvuku; vakafamba murenje pedyo nenzvimbo dziri munyasi meGungwa Dzvuku; vakafamba murenje nemhuri yavo, iyo yaiti amai vangu, Saria, navakoma vangu, vaiva Ramani, Remueri naSamu. 6 Uye zvakaitika kuti vafamba mazuva matatu murenje, vakamisa tende yavo munhika yakange iri pedyo norwizi rwemvura. 7 Uye zvakaitika kuti vakavaka arita yamatombo, vakapira kuna Ishe, vakatenda Ishe Mwari wedu. 8 Uye zvakaitika kuti vakadaidza rwizi urwu kuti, Ramani, uye rwairasira muGungwa Dzvuku; uye nhika iyi yaive pedyo nepaidira rwizi urwu mugungwa. 9 Uye apo baba vangu vakanna kuti rwizi urwu rwairasira muchidziva cheGungwa Dwuku, vakataura kuna Ramam, vachiti: Dai ukaita serwizi urwu, uchimhanya nguva dzose kupinda mugungwa routsvene! 10 Uye vakataurawo kuna Remueri: Dai ukaita senhika iyi, wakatakamara, wakasimba, uye usingazungunuke pakuchengetedza mirau yaIshe! 11 Zvino vakataura izvi nokuda kweukukutu hwemwoyo waRamani naRemueri; nokuti tarirai vakatsutsumwa muzvinhu zvakawanda pamusana pokuita kwababa vavo, nokuti akanga ari munhu anorotswa, uye akanga avatungamirira kubva munyika yeJerusaremu, kusiya nyika yavo yenhaka, negoridhe yavo, nesirivha yavo, nezvimwe zvinhu zvinokosha kwavari, kuti vafire murenje. Vakati vakaita izvi pamusana pemwoyo wavo unofunga zvinhu zvisina matuxo. 12 Saka uku ndiko kutaura nekutsutsumwa kwaRamani naRemueri, sevana vakuru vababa wavo. Vaitsutsumwa nokuti vakanga vasingazive kuita kwa Mwari uyo akavasika. 13 Havaitendazve kuti Jerusaremu, guta riye guru, raizoparadzwa maererano namazwi avaporofita. Zve vakanga vave samaJudha vakanga vari muJerusaremu, avo vakatsvaga kuparadza upenyu hwababa vangu. 14 Uye zvakaitika kuti baba vangu vakataura kwavari munhika raRemueri, nesimba, vakazadzwa noMweya, kusvikira miviri yavo yakadedera pamberi pavo. Vakavakanganisa, zvokuti havana kukwanisa kutaura chimwe chinhu pamusoro pavo; saka naizvozvo, vakaita sezvavakavaudza. 15 Baba vangu vaigara mutende. 16 Uye zvakaitika kuti ini, Nefi, sezvo ndakanga ndiri rnuduku chaizvo, asi ndakanga ndakakura pamumhu, uye zvakare ndakanga ndine chido chokuziva zvakavanzika zaMwari, naizvozvo, ndakachema kuna Ishev naizvozvo akandishanyira, akava anonyevenutsa mwoyo wangu nokudaro ndikatenda mazwi ose akataurwa nababa vangu; saka, handina kuvapandukira sezvakaita vakoma vangu. 17 Zve ndakataura kuna Samu, ndichimuzivisa zvinhu izvo Ishe 5 1 NEF12:18-3:7 akange andiratidza noMweya Mutsvene wake. Uye zvakaitika kuti akatenda mazwi angu. 18 Asi, tarirai, Ramani naRemueri havana kuteerera mazwi angu; nokuda kwokuoma kwomwoyo yavo ndakavachemera kuna Ishe. 19 Zve zvakaitika kuti Ishe akataura kwandiri, achiti: Wakakomborerwa iwe, Nefi, nokuda kwokutenda kwako, nokuti wakanditsvaga nechido nesimba, nokuzvirereka kwomwoyo. 20 Zve mukuteerera nokuchengeta mirairo yangu, uchabudirira, uye uchatungamirwa kunyika yechipikirwa; hongu, kunyange nyika iyo yandakakugadzirira iwe; hongu, nyika yakanaka kupinda dzimwe dzose. 21 Uye vakoma vako vese vakakupandukira, vachabviswa pamberi paIshe. 22 Uye mukuchengeta mirairo yangu, uchazoitwa mutongi nomudzidzisi pamusoro pavakoma vako. 23 Zvino tarira, nezuva iro ravachandipandukira, ndichavatuka nekutuka kunorwadza, zve havachazove nesimba pamusoro pembeu vako nokuti vakadaro vanenge vatopandukira iniwo. 24 Zve kana kuri kudaro kuti vapandukira ini, vachazove tyava kumbeu yako, zvinozoita kuti varangarire. CHITSAUKO 3 Vanakomana vaRehi vanodzokera kuJerusaremu kuti vandotora ma hwendefa endarira-Rabhani anoramba kupunutsa mahwendefaNefi anokurudzira nokusimbisa vakoma vake-Rabhani anoba zvinhu zvavo oedza kuvauraya-Ramani naRemueri vanorova Nefi naSamu zve vanopopoterwa nengirozi. Zvingangove makore 600 kusvika ku592 Kristu asati aberekwa. ZvE zvakaitika kuti mushure mokutaura naIshe, ini, Neffi, ndakadzokera kutendeyababa vangu. 2 Ezvo zvakaitika kuti vakataura neni, vachiti: Tarira, ndarotswa hope, ndichinzi naIshe iwe nevakoma vako muchadzokera kuJerusaremu. 3 Nokuti tarira, Rabhani ane zvinyorwa zvamaJudha uye nenhoroondo yekuzvarwa kwamadzitateguru angu, zve zvakanyorwa pamahwendefa endarira. 4 Nokudaro, Ishe andiraira kuti iwe navakoma vako muende kuimba yaRabhani, munotsvaga zvinyorwa, muuye nazvo muno murenje. 5 Ezvo zvino tarira, vakoma vako vanotsutsumwa, vachiti chinhu chakaoma chandavati vaite; asi tarira handina kuti vazviite, asi kuti murairo waIshe. 6 Naizvozvo enda, mwanakomana wangu, zve uchadi~~a naIshe, nokuti hauna kutsutsumwa. 7 Zve zvakaitika kuti ini, Neffi, ndakati kuna baba vangu: Ndichaenda ndonoita zvinhu izvo Ishe araira, nokuti ndinoziva kuti Ishe haape mirau kuvana vavanhu, kunze kwokunge 1 NEFI 3:8-22 6 achivagadzirira nzira yokuti vagozobudirira pazvinhu zvaanenge avaraira. 8 Zve zvakaitika kuti baba vangu pavakanga vanzwa mazwi aya vakava nokufara kukuru, nokuti vaiziva kuti ndakanga ndakomborerwa naIshe. 9 Ezvo ini, Nefi, navakoma vangu takasimuka kubva murenje, nematende edu, tikaenda parwendo rwedu rwekunyika yeJerusaremu. 10 Zve zvakaitika kuti apo takanga taenda kunzvimbo yeJerusaremu, ini pamwe navakoma vangu takabvunzana mazano kubva kune mumwe nomumwe. 11 Zve takakanda mijenyakuti ndiani anofanirwa kuenda muimba yaRabhani. Ezvo zvakaitika kuti mijenya yakarova ikandowira pana Ramani; zvino Ramam akaenda muimba yaRabhani, saka akataura naye agere mumba make. 12 Ezvo akakumbira Rabhani zvinyorwa zvakanga zviri pamahwendefa endarira, akange aine nenhoroondo yekuzvarwa kwababa vangu. 13 Ezvo tarirai, zvakaitika kuti Rabhani akashatirwa, akamutandira kunze kubva paari; akaramba kuti atore zvinyorwa. Naizvozvo, akati kwaari: Tarira uri gororo, uye ndichakuuraya. 14 Asi Ramam akatiza, akazotiudza zvinhu zvakanga zvaitwa naRabhani, kwatiri. Takavamba kuva nokusuwa kukuru, uye vakoma vangu vakange voda kudzokera murenje umo maiva nababa. 15 Asi tarirai ndakati kwavari: Kana Ishe achirarama, isu tichirarama, hatisi kuzodzokera kuna baba vedu murenje kana tisina kunge tabudirira pazvinhu izvo Ishe akatituma. 16 Naizvozvo, ngativei tinotendeka mukuchengeta mirairo yaIshe; saka ngatidzike kunzvimbo yechizvarwa chamadzibaba edu, nokuti tarirai vakasiya goridhe nesirivha, nehumwewo upfumi hwakasiyana-siyana. Zve izvi zvose vakazviita nokuda kwemirairo yaIshe. 17 Nokuti aiziva kuti Jerusaremu ichaparadzwa, nenzira yokuipa kwavanhu. 18 Nokuti tarirai, varamba mazwi avaporofita. Naizvozvo, kana baba vangu vagara munzvimbo iyi shure kwokunge vaudzwa kuti vatize kubva mairi, tarirai, vachaparadzwawo. Naizvozvo, zvinofanirwa kuti vatize kubva munzvimbo iyi. 19 Zve tarirai, hungwaru munaMwari kuti titore zvinyorwa izvi, kuti tive tinochengetedzera vana vedu rurimi rwemadzibaba edu; 20 Ezvo kuti zvakare tivachengetere mazwi ayo akataurwa nemiromo yaavo vose vaporofita vatsvene, ayo vakatumidzirwa kwavari noMweya uye nesimba raMwari, kubvira pakutanga kwenyika, kusvikira nhasi uno. 21 Zve zvakaitika kuti mukutaura nemazwi akadai ndakanyengetedza vakoma vangu, kuti vave nokutendeka mukuchengetedza mirau yaMwari. 22 Zve zvakaitika kuti takaenda 1 NEFI 3:23-4:2 kunyika yechizvarwa chedu, tikaunganidza pamwe goridhe, nesirivha yedu, nezvimwewo zvinhu zvinokosha zvedu. 23 Ezvo shure kwokunge taunganidza zvinhu izvi pamwechete, takaenda zvakare kuimba yaRabhani. 24 Zve zvakaitika kuti takaenda kana Rabham, tikamukumbira kuti atipe zvinyorwa zvakange zvakanyorwa pamahwendefa endarira, isu tichimupawo goridhe yedu, nesirivha yedu, nezvose zvinokosha zvedu. 25 Zve zvakaitika kuti Rabham akati aona zvinhu zvedu, nokuwanda kwazvo akabatwa noruchiva, zvokuti akatitanda mumba make, akatumira varanda vake kuti vatiuraye, kuti agowana matorero ezvinhu zvedu. 26 Zve zvakaitika kuti takatiza varanda vaRabhani, tikamanikidzwa kusiya zvinhu zvedu, zvikawira mumaoko aRabhani. 27 Uye takatizira murenje, saka varanda vaRabhani havana kutibata, tikahwanda mubako. 28 Ezvo zvakaitika kuti Ramani akanga ashatirirwa ini, nababa vangu; kana Remueriwo, nokuti aiteerera mazwi aRamani. Naizvozvo, Ramam naRemueri vakataura mazwi akaoma zvikuru kunesu, vanun'una vavo, vakatirova nemubhadha. 29 Zve zvakaitika kuti pavakange vachitirova nemubhadha, tarirai, ngirozi yaIshe yakauya ikamira pamberi pavo, ikati kwavari: Ko sei muchirova munun'una wenyu nemubhadha? Hamuzive here kuti Ishe akamusarudza kuti ave mutongi pamusoro penyu, nenzira yezvitadzo zvenyu? Tarirai muchaenda kuJerusaremu zvakare, uye Ishe achaisa Rabhani mumaoko enyu. 3Q Ezvo shure kwokunge ngirozi yataura nesu, yakaenda. 31 Ezvo shure kwokunge ngirozi yaenda, Ramani naRemueri vakatangisa zvakare kutsutsumwa vachiti: Ko zvingabvire sei kuti Ishe angazviite kuti aise Rabhani mumaoko edu? Tarhai, munhu ane masimba ose, uye anokwanisa kutuma makumi mashanu, hongu, uye zvakare anokwanisa kuuraya makumi mashanu; ko zvino isu angatitadze nei? CHITSAUKO 4 Nefi anouraya Rabhani atumwa naShe ezvo obva atora mahwendefa ndarira nen jere-Zoramu anosarudza kubatana nemhuri yaRehi murenje. Zvingangove makore 600 kusvika ku592 Kristu asati aberekwa. ZvE zvakaitika kuti ndakataura navakoma vangu, ndichiti: Ngatiendei zvakare kuJerusaremu, uye ngative nokutendeka mukuchengeta mirairo yaIshe; nokuti tarisai ane simba kupinda pasi rose, ko zvino angatadze sei kukunda Rabham namakumi mashanu ake, hongu, kana makumi ezviuru zvake? 2 Naizvozvo ngatiende; ngativei nesimba saMosesi; zvechokwadi akataurira mvura yeGungwa Dzvuku zve ikapasanuka napakati, naizvozvo madzibaba edu vakapfuura, kubva muusu- 1 NEFI 4:3-17 8 ngwa, nepakaoma, mauto aFarao akatevera asi akanyura muGungwa Dzvuku. 3 Zvino tarirai munoziva kuti izvi ndezvechokwadi; uye zvakare munoziva kuti ngirozi yataura nemi; saka mungave nokukahadzika here? Ngatiendei; Ishe anokwanisa kutiponesa, sekuponesa kwaakaita madzibaba edu, nokuparadza Rabham, sezvaakaita maIjipiti. 4 Zvino zvandakange ndataura mazwi aya, vakaramba vakashatirwa, uye vakaramba vachitsutsumwa; asi zvisinei vakanditevera kusvikira tasvika kunze kwemasvingo eJerusaremu. 5 Zve hwakanga hwave usiku; saka ndakavaita kuti vahwande kunze kwemasvingo. Shure kwokunge vahwanda, ini, Nefi, ndakaverevedza ndikapinda muguta ndikaenda kumba kwaRabhani. 6 Ezvo ndakatungamirirwa noMweya, ndisati ndavakuziva zvinhu zvandaifanira kuita. 7 Zvisinei ndakaramba ndichienda, ndava pedyo nemba yaRabhani ndakaona murume, uye akanga akapunzika pamberi pangu, nokuti akanga akararadza nedoro. 8 Ezvo zvandakasvika paari ndakaona kuti ndiRabhani. 9 Zve ndakaona munondo wake, ndikawubvisa muhara saizvozvo; mubato wawo wakanga uri wegoridhe chaiyo, uye nomugadzirirwo wawo wairatidza umhizha, ndakaona kuti munondo uwu wakanga uri wesimbi inokosha. 10 Zve zvakaitika kuti ndakatunhwa noMweya kuti ndinofanira kuti ndiuraye Rabhani; asi ndakati mumwoyo mangu: Handina kumbobvira pane ipi nguva zvayo ndadeura ropa romunhu. Ndakadududza ndikati dai ndarega kumuuraya. 11 Ezvo Mweya wakati kwandiri zvakare: Tarira Ishe amuisa mumaoko ako. Hongu, ini ndikazivawo kuti akambenge atsvaga kundiuraya; haana kuteerera mirairo yaIshe; uye kuti akanga atora zvinhu zvedu. 12 Ezvo zvakaitika kuti Mweya wakati kwandiri zvakare: Muuraye, nokuti Ishe amuisa mumaoko ako; 13 Tarira Ishe anouraya vakaipa kuti aunze zvinhu zvakarurama. Zviri nani kuti munhu mumwechete afe pane kuti nyika iderere nokufira mukusatenda. 14 Zve zvino, pandakanga ini, Neffi, ndanzwa mazwi aya, ndakarangarira mazwi aIshe aakanga andiudza murenje, achiti: Mukuchengeta mirau yangu mbeu yako, ichabudirira munyika yechipikirwa. 15 Hongu, zvakare ndakafunga kuti havaizokwanisa kuchengeta mirairo yaIshe maererano nemitemo yaMosesi, kunze kwekunge vainawo mutemo. 16 Uye zvakare ndakaziva kuti mutemo wakanga wakanyorwa pamahwendefa endarira. 17 Uye zvakare, ndakaziva kuti Ishe akanga aisa Rabhanfi mumaoko angu nokuda kwechikonzero ichi-kuti ndikwanise 9 1 NEFI 4:18-34 kutora zvinyorwa izvi maererano nokuraira kwake. 18 Naizvozvo ndakateerera izwi roMweya, ndikabata Rabhani nebvudzi remusoro, ndikadimura musoro wake nemunondo wake. 19 Ezvo shure kwokunge ndadimura musoro wake nemunondo wake, ndakatora mbatya dzaRabhani ndikadzipfeka pamuviri pangu; hongu, nezvimwe zvose; ndikatora nguwo dzake dzehondo ndikasungira muchiuno changu. 20 Ezvo shure kwokunge ndaita izvi, ndakaenda uko kwaichengeterwa upfumi waRabhani. Ndichienda kwaichengeterwa upfumi waRabhani, tarirai, ndakaona muranda waRabhani akange ane makii ekwaichengeterwa upfumi. Ndakamuudza nezwi seraRabhani, kuti aende neni kwaichengeterwa upfumi uku. 21 Ezvo akafunga kuti ndini tenzi wake, Rabhani, nokuti akanga mbatya nemunondo wakange uri muchiuno changu. 22 Zve akataura kwandiri pamusana pavatungamiri vamaJudha, nokuti aiziva kuti tenzi wake, Rabhani, akanga ari kunze navo usiku. 23 Ezvo ndakataura naye sendakanga ndiri Rabham. 24 Uye ndakataura naye zvakare kuti ndaifanira kutakura zvinyorwa izvi, izvo zvakanga zviri pamahwendefa endarira, kune vakoma vangu, vakanga vari kunze kwesvingo. 25 Zve ndakamuti anditevere. 26 Zve iye, nokufungidzira kuti ndaitaura pamusana penhengo dzekereke, uye kuti zvechokwadi ndakanga ndiri Rabhani uyo wandakanga ndauraya, nokudaro akanditevera. 27 Zve akataura kwandiri kazhinji kwazvo pamusana pavatungamiri vamaJudha, tichienda kuvakoma vangu, avo vakanga vari kunze kwemasvingo. 28 Ezvo zvakaitika kuti apo Ramani akandiona akava nokutya kukuru, uye pamwe naRemueri naSamu. Saka vakanditiza; nokuti vakafunga kuti ndiRabhani, uye akanga andiuraya zvino akange ave kutsvaga kuvaurayawo. 29 Zve zvakaitika kuti ndakashevedzera, vakandinzwa; naizvozvo vakabva varega kunditiza. 30 Zve zvakaitika kuti muranda waRabhani zvaakaona vakoma vangu akatangisa kubvunda, uye akanga ava kuda kutiza kuti adzokere muguta reJerusaremu. 31 Ezvo zvino ini, Nefi, somunhu akanga ari mukuru pamhunhu, uye somunhu akanga apiwa simba rakawanda naIshe, ndakakwanisa kubata muranda waRabhani, kuti asatiza. 32 Zve zvakaitika kuti ndakataura naye, kuti akateerera kumazwi angu, kuti sezvo Ishe achirarama, uye sezvo ini ndichirarama, naiye akava anoteerera kumazwi edu, hataimuuraya. 33 Ezvo ndakataura naye, ndikapika, kuti asatye; nokuti kana ainge abvuma kuenda nesu murenje aizenge akasununguka sesu. 34 Uyezve ndakataura naye, 1 NEFI 4:35-5:6 10 ndichiti: Chokwadi Ishe atituma kuti tiite chinhu ichi; zvino torega here kusimba mukuchengeta mitemo yaIshe? Saka, ukaenda murenje kuna baba vangu uchawana nzvimbo pamwechete nesu. 35 Zve zvakaitika kuti Zoramu akapiwa kushinga nemazwi andakataura. Zvino Zoramu ndiko rakanga riri zita romuranda uyu; akavimbisa kuti aizoenda nesu murenje kuna baba vedu. Hongu, akavimbisawo kuti aizogara nesu kubva panguvaiyoyo. 36 Zvino takada kuti agare nesu nechikonzero ichi, kuti maJudha asazokwanisa kuziva nezvekutiza kwedu tichienda murenje, nokuti vaizotitsvaga vakatiparadza. 37 Zve zvakaitika kuti pakapika Zoramu achitipa ruvimbiso rwake, kutya kwedu pamusoro pake kwakapera. 38 Zve zvakaitika kuti takatora mahwendefa endarira pamwe nomuranda waRabhani, tikaenda murenje, tikafamba rwendo kuenda kutende yababa vedu. CHITSAUKO 5 Saria anotsutsumwa pamusana paRehi-Vose vanofara shure kwokudzoka kwavanakomana vavo-Vanopa mipiro-Mahwendefa endarira ane zvinyorwa zvaMosesi navaporofita-Mahwendefa anoratidza kuti Rehi ndowe chizvarwa chaJosefa-Rehi anoporofita pamusana pembeu yake nokuchengetedzwa kwamahwendefa. Zvingangove makore 600 kusvika ku592 Kristu asati aberekwa. ZvE zvakaitika kuti shure kwokunge tasvika murenje umo makanga muina baba vedu, tarira, vakazadzwa nomufaro, uye kana amai vangu, Saria, vakafara zvikuru, nokuti zvechokwadi vakanga vachichema pamusana pedu. 2 Nokuti vaifunga kuti takanga tafa murenje; uye vakanga vatsutsumwa pamusana pababa vangu, vachivaudza kuti aiva munhu anorota zvisipo; vachiti: Tarira wakatitungamirira kubva kunzvimbo yatakaberekerwa, uye vanakomana vangu hapasisina, uye isu tave kufira murenje. 3 Ezvo ndiko kutaura kwaiita amai vangu kuna baba vachivapopotera. 4 Zve zvakaitika kuti baba vakataura navo, vachiti: Ndinoziva kuti ndiri munhu anoratidzwa zvinhu; nokuti dai ndisina kuona zvinhu zvaMwari muchiratidzo handaikwanisa kuzoziva kunaka kwaMwari, asi ndingadai ndakagara kuJerusaremu, uye ndakafa pamwechete nevamwe vangu. 5 Asi tarisa, ndawana chivimbiso chenyika yechipikirwa, zviri zvinhu zvinondifadza; hongu, uye ndinoziva kuti Ishe achabvisa vanakomana vangu kubva mumaoko aRabhani, ozovadzosa zvakare kwatiri murenje. 6 Ezvo uku ndiko kwaiva kutaura kwababa vangu, Rehfi, vachinyaradza amai vangu, Sarfia, pamusana pedu, isu tiri parwe- 1 NEFI 5:7-20 ndo murenje rwokuenda kunyika yeJerusaremu, kuti tinotora zvinyorwa zvamaJudha. 7 Zve patakadzokera kutende yababa vangu, tarira vakafara zvikuru, uye amai vakanyaradzwa. 8 Ezvo vakataura, vachiti: Zvino ndavakuziva zvechokwadi kuti Ishe vakaudza murume wangu kuti atizire murenje; hongu, uye zvakare ndinoziva zvechokwadi kuti Ishe achengetedza vanakomana vangu, uye avabvisa mumaoko aRabhani, akavapa simba rokuti vapedze kuita zvavakanga vatumwa naIshe. Ezvo ndiko kutaura kwakaitwa naamai. 9 Zve zvakaitika kuti vakafara zvikuru, ezvo vakapira mupiro newekupisa kuna Ishev uye vakatenda kuna Mwari wamaIsiraeri. 10 Ezvo shure kwokutenda kwavo kuna Mtyari wamaIsiraeri, baba vangu, Rehfi, vakatora zvinyorwa zvakanga zviri pamahwendefa endarira, ezvo vakazvinzvera kubvira pekutanga. 11 Zve vakaona kuti akanga ana mabhuku mashanu aMosesi, ayo aitsanangura pamusana pokusikwa kwenyika, uye nezvaAdhamu naEvha, avo vakanga vari vabereki vedu vokutanga; 12 Zve nezvinyorwa zvamaJudha kubva pakutanga, kusvikira pakutanga kwekutonga kwaZedhekia, mambo wamaJudha; 13 Uye nechiporofita chavaporofita vatsvene, kubva kwokutanga, kusvikira pakutanga kwekutonga kwaZedhekia; uye nezvimwe zviporofita zvakataurwa nomuromo waJeremia. 14 Zve zvakaitika kuti baba vangu, Rehi, vakaonawo pamahwendefa endarira nhoroondo yekuberekwa kwemadzibaba avo; naizvozvo vakaziva kuti ndevechizvarwa chaJosefa; hongu, kana Josefa uyo akanga ari mwanakomana waJakobho, uyo akatengeswa kuIjipiti, uyo akararamiswa noruoko rwaIshe, kuti araramise baba vake, Jakobho, neveimba yake yose kuti vasafa nenzara. 15 Uye vakaburitswa muuranda ezvo vakatungamirwa kubva munyika yeIjipiti, naMwari mumwechete uyo akavararamisa. 16 Ezvo ndiko kuwana kwakaita baba vangu, Rehi, nhoroondo yekuberekwa kwamadzibaba avo. Rabhaniwo akanga ari wechizvarwa chaJosefa, saka iye namadzibaba ake vakachengeta zvinyorwa izvi. 17 Zve zvino baba vangu vaona zvinhu zvose izvi, vakazadzwa noMweya, ezvo vakatangisa kuporofita pamusana pembeu yavo 18 Kuti mahwendefa aya ose endarira aifanirwa kuenda kunyika dzose, madzinza ose, ndimi dzose, navanhu vakanga vari vembeu yavo. 19 Naizvozvo, akati mahwendefa endarira aya haaifanira kuparadzwa; uye kuti haafanire kudzima nekufamba kwenguva. Uye vakaporofita zvinhu zvakawanda pamusana pembeu yavo. 20 Zve zvakaitika kuti kusvikira panguva iyi ini nababa 1 NEFI 5:21-7:1 12 vangu takange tachengetedza mirairo yaShe yaakanga atipa. 21 Zve takanga tatora zvinyorwa zvatakanga tatumwa naShe, uye tikazvinzvera ndokuona kuti zvaifanira kuti tive nazvo, hongu, chokwadi zvaikosha kwatiri, zvekuti taikwanisa kuchengetera vana vedu mirairo yaShe. 22 Naizvozvo, hwakanga huri hungwaru munaIshe kuti tizvitakure, zvataifamba murenje murwendo rwokuenda kunyika yechipikirwa. re ndechokuti ndinyengetedze vanhu vauye kuna Mwari waAbhurahamu, naMwari waIsaka, naMwari waJakobho, kuti vagoponeswa. 5 Naizvozvo, zvinhu zvinofadza nyika handinyore, asi zvinhu zvinofadza Mvari neavo vasiri venyika. 6 Naizvozvo, ndichapa murairo mbeu yangu, kuti vasazozadza mahwendefa aya nezvinhu zvisingakodzeri kuvana vavanhu. CHITSAUKO 6 Nefi anonyora pamusana pezvinhu zvaMwari-Chinangwa chaNefi chiri chokunyengetedza vanhu kuti vauye kuna Mvari waAbhurahamu vaponeswe. Zvingangove makore 600 kusvika ku592 Kristu asati aberekwa. Ezvo zvino ini, Neffi, handipe nhoroondo yekuberekwa kwemadzibaba angu muchikamu chino chezvinyorwa zvangu; uye hapana imwe nguva yandichazorwupa pamahwendefa andiri kunyora aya; nokuti zviri pazvinyorwa zvakachengetwa nababa vangu; naizvozvo, handizvinyore mubasa rino. 2 Nokuti ini ndakagutsikana kutaura kuti tiri chizvarwa chaJosefa. 3 Zve hazvindinetse kuti handisi kunyora nyaya yose yezvinhu zvababa vangu, nokuti hazvinganyorwe pamahwendefa aya, nokuti ndinoda nzvimbo yokunyorera zvinhu zvaMwari. 4 Nokuti chido changu chize CHITSAUKO Vanakomana vaRehi vanodzokera kuJerusaremu ezvo vokoka Ishimaeri nemba yake kuti ave navo parwendo r~wavo-Ramani navamwe vanopanduka-Nefi anokurudzira vakoma vake kuti vave nokutenda munaIshe-Vanomusunga netambo ezvo voronga zvekumuuraya -Anosunungurwa nesimba rokutenda-Vakoma vake vanokumbira ruregerero-Rehi neehikwata chake vanoita mupiro nezvibairo zvekupisa. Zvingangove makore 600 kusvika ku592 Krisfu asati aberekwa. Ezvo zvino ndinoda kuti imi muzive, kuti baba vangu, Rehfi, pavakanga vapedza kuporofita kwavo nembeu yavo, zvakaitika kuti Ishe akataura kwavari zvakare, achiti zvakange zvisingafanire kuti Rehfi aende nemhuri yake murenje iriyega; asi kuti vanakomana vake vatore vanasikana vave vakadzi yavo, kuti vave vanobereka mbeu kuna Ishe munyika yechipikirwa. 13 1 NEFI 7:2-16 2 Zve zvakaitika kuti Ishe akavaraira kuti ini, Nefi, navakoma vangu, tinofanirwa kudzokera zvakare kunyika yeJerusaremu, ezvo tinounza Ishimaeri nemhuri yake murenje. 3 Ezvo zvakaitika kuti ini, Nefi, navakoma vangu, takaenda zvakare murenje kuti tiende kuJerusaremu. 4 Zve zvakaitika kuti takaenda kumba kwaIshimaeri, tikawana nyasha pamberi paIshimaeri, zvekuti takamuudza mazwi aShe. 5 Zve zvakaitika kuti Ishe akanyevenutsa mwoyo waIshimaeri, uye nemhuri yake, zvekuti yakafamba rwendo nesu kuenda murenje umo makanga kutende yababa vedu. 6 Zve zvakaitika kuti tiri murwendo murenje, tarira Ramani naRemueri, navanasikana vaviri vaIshimaeri, navanakomana vaviri vaIshimaeri nemhuri dzavo, vakatipandukira; hongu, vakapandukira ini, Neffi, naSamu, nababa vavo, Ishimaeri, nomudzimai wake, navamwe vatatu navanasikana vavo. Zve zvakaitika kuti mukupanduka uku, vaida kudzokera kunyika yeJerusaremu. 8 Zve zvino ini, Neffi, nokusuwa nenzira yekuoma kwemwoyo yavo, naizvozvo ndakataura kwavari, ndichiti, hongu, kana kuna Ramanfi naRemueri: Tarirai muri vakoma vangu, ko sei muine mwoyo yakaoma kudai, nokupofomara mupfungwa, zvekuti munoda kuti ini, munun'ina wenyu, nditokutaurirai, hongu, nokukuratidzai zvekuita? 9 Seiko musina kuteerera mazwi aIshe? 10 Ko seiko muri kukanganwa kuti makaona ngirozi yaIshe? 11 Hongu, ko zvino seiko muri kukanganwa zvinhu zvikuru izvo Ishe akatiitira, mukutiburitsa mumaoko aRabhani, uye zvakare nokuti titore zvinyorwa? 12 Hongu, ko sei muchikanganwa kuti Ishe anokwanisa kuita zvinhu zvose mukuda kwake, kuvana vavanhu, kana vachiratidza kutenda maari? Nokudaro, ngativei tinokutenda maari. 13 Zve kana tikava tinokutenda maari, tichazowana nyika yechipikirwa; uye muchazoziva munguva ichatevera kuti mazwi aIshe achazadzikiswa pamusana pokuparadzwa kweJerusaremu; nokuti zvinhu zvose zvakataurwa naIshe pamusana pokuparadzwa kweJerusaremu zvinototi zvizadzikiswe. 14 Nokuti tarirai, Mweya waIshe muchinguvana ucharegera kushanda navo; nokuti tarira, vakaramba vaporofita, uye vakaisa Jeremia mutorongo. Zve vakaedza kuparadza upenyu hwababa vangu, mukudaro vakatibvisa munyika iyi. 15 Zvino tarirai, ndinoti kwamuri mukadzokera Jerusaremu nemiwo muchafa pamwechete navo. Ezvo zvino, kana zvirizvo zvamasarudza endai kunyikayo, muchirangarira mazwi ayo ndataura kwamuri, kuti mukaenda muchafa; nokuti Mtyeya waIshe unonditunha kuti nditaure saizvozvo. 16 Ezvo zvakaitika kuti apo ini, Neffi, ndakanga ndataura mazwi 1 NEFI 7:17-8:3 14 aya kuvakoma vangu, vakandishatirirwa. Uye zvakaitika kuti vakandibata nemaoko, nokuti tarirai, vakanga vatsamwa zvikuru, vakandisunga netambo, nokuti vaida kutora upenyu hwangu, kuti vandisiye murenje kuti ndiparadzwe nemhuka dzerenje. 17 Asi zvakaitika kuti ndakanamata kuna Ishe, ndichiti: O Ishe, maererano nokutenda kwangu mamuri, mungandiburitsewo mumaoko avakoma vangu here; hongu, ezvo mundipewo simba rokuti ndidambure tambo dzandakasungwa nadzo. 18 Zve zvakaitika kuti ndataura mazwi aya, tarirai, tambo dzakasunungurwa kubva mumaoko nomumakumbo angu, ezvo ndikamira pamberi pavakoma vangu, ndikataura navo zvakare. 19 Zve zvakaitika kuti vakandishatirirwa zvakare, ndokutsvaga kundibata; asi tarirai, mumwe wavanasikana vaIshimaeri, hongu, naamai yake, nomwanakomana mumwe walshimaeri, vakakumbira vakoma vangu, nokudaro vakanyorovesa mwoyo yavo; saka vakarega kuda kundiuraya. 20 Zve zvakaitika kuti vakasuwa, pamusoro pekuipa kwavo, zvekuti vakapfugama kwandiri, kuti ndivaregerere pane zvavakange vanditadzira. 21 Zve zvakaitika kuti ndakavaregerera nemwoyo wangu wose pazvinhu zvose zvavakanga vaita, uye ndikavakurudzira kuti vanamate kuna Ishe Mtyari wavo kuti varegererwe. Ezvo zvakaitika kuti vakaita saizvozvo. Ezvo shure kwokunge vanamata kuna Ishe takafamba zvakare norwendo rwedu takananga kutende yababa vedu. 22 Zve zvakaitika kuti takasvika paive netende yababa vedu. Ezvo shure kwokunge ini navakoma vangu nevemba yose yaIshimaeri tasvika kutende yababa vangu, vakatenda kuna Ishe Mwari wavo; vakapira mupiro nezvibayiro zvekupisa kwaari. CHITSAUKO 8 Rehi anoona chiratidzo chemuti weupenyu-Anodya muchero wemuti uyu obva ada kuti mhuri yake iudyewo-Anoona bango resimbi, kanzira kakamanikidzana, nebute rerima rtnofukidza vanhu-Saria, Nefi, naSamu vanodya muchero, asi Ramani naRemueri vanoramba. Zvingangove makore 600 kusvika ku592 Kristu asati aberekwa. Ezvo zvakaitika kuti takanga taunganidza mbeu dzakasiyanasiyana dzemarudzi ose, tsanga dzemarudzi ose, nemhodzi dzemichero yemarudzi ose. 2 Ezvo zvakaitika kuti Baba vangu vachigara murenje vakataura kwatiri, vachiti: Tarisai, ndarota hope; kana kuti, nemamwe mazwi, ndaona chiratidzo. 3 Ezvo tarirai, nenzira yechinhu chandaona, ndine chikonzero chekufara munaShe pamusoro paNefi nepamusoro paSamuwo; nokuti ndine chikonzero chekufungidzira kuti ivo, nevazhinji vembeu yavo, vachaponiswa. 15 1 NEFr 8:4-20 4 Asi tarisai, Ramani naRemueri, ndinotya zvikuru pamusana penyu; nokuti tarisai, ndinorangarira kuti ndaona muhope dzangu, renje dema rinotyisa. 5 Ezvo zvakaitika kuti ndakaona murume, ezvo akange akapfeka hanzu chena; ezvo akauya akamira mberi kwangu. 6 Ezvo zvakaitika kuti akataurakwandiri, ezvo akati ndimutevere. 7 Ezvo zvakaitika kuti zvandaimutevera ndakazviona kuti ndakange ndiri munzvimbo ine rima isina chinhu gwenga. 8 Ezvo mushure mekunge ndafamba kwenguva huru ndiri murima, ndakatangisa kunamata kuna Ishe kuti ave netsitsi neni, maererano nekuwanda kwetsitsi dzake dzakapfava. 9 Ezvo zvakaitika kuti mushure mekunge ndanamata kuna Ishe ndakaona zimunda guru rakapamhama. 10 Ezvo zvakaitika kuti ndakaona muti, waive nemichero yaifanira kufadza munhu. 11 Ezvo zvakaitika kuti ndakaenda ndikanodya muchero iwoyo; ezvo ndikaona kuti waitapira chaizvo, kupfuura yese yandakambodya. Hongu, ezvo ndakaona kuti muchero uyu wakange uri muchena, kupfuura kuchena kwese kwandakamboona. 12 Ezvo kudya kwandakange ndichiita muchero uyu wakazadza mweya wangu norufaro rukuru rwusingataurike; nokudaro, ndakatanga kuda kuti mhuri yangu iudyewo; nokuti ndaiziva kuti wainaka kupfuura mimwe michero yese. 13 Ezvo zvandakanga ndichitarisa, kuti zvimwe ndingaone mhuri yanguwo, ndakaona rukova rwemvura; ezvo rwakange rwuchierera, ezvo rwaive pedyo nemuti wandaidya michero. 14 Ezvo ndakatarisa kuti ndione kwarwaibva; ndikaona parwaitangira chinhambwe chidiki-diki; ezvo parwaitangira ipapo ndakaona amai vako Saria, Samu, ezvo Nefi; vakanga vamire vachiita sevasingazive kwavari kuenda. 15 Ezvo zvakaitika kuti ndakavadaidza neruoko; ezvo ndikatiwo kwavari nezwi guru ngavauye kwandiri, ezvo vazodya muchero, wainaka kupfuura mimwe michero yese. 16 Ezvo zvakaitika kuti vakauya kwandiri ezvo vakadyawo muchero. 17 Ezvo zvakaitika kuti ndakada kuti Ramam naRemueri vauye vazodyawo muchero; nokudaro, ndakakanda maziso kumusoro kwerukova, kuti zvimwe ndingavaone. 18 Ezvo zvakaitika kuti ndakavaona, asi havana kuda kuuya kwandiri kuti vazodya muchero. 19 Ezvo ndakaona bango resimbi, ezvo rakange rakareba richitevedza rukova, ezvo ichisvika pamuti pandakanga ndimire. 20 Ezvo ndakaonawo kanzira kakamanikidzana katete, kaitevedza bango resimbi iri, kusvika pamuti pandakanga ndimire; ezvo kachibvawo kumusoro kwakatangira rukova, kachie- 1 NEFI 8:21-36 16 nda muzimunda guru rakafara, sekunge nyika. 21 Ezvo ndakaona vangu vasingaverengeke, vazhinji vavo vaisaidzira mberi, kuti vasvike mukanzira kaienda pamuti pandakanga ndimire. 22 Ezvo zvakaitika kuti vakauya, vakatangisa kufamba nekanzira kaienda pamuti. 23 Ezvo zvakaitika kuti kwakasimuka mhute yerima; hongu, kana mhute yerima risingataurike, zvekuti avo vakange vatangisa kufamba mukanzira vakashaya nzira yavo, vakabuda munzira vakarasika. 24 Ezvo zvakaitika kuti ndakaona vamwe vachisaidzira kuenda mberi, ezvo vakauya mberi vakabatirira pakaperera bango resimbi; ezvo vakasaidzira mberi mukati mebute rerima, vakabatirira pabango resimbi, kudakara vauya ezvo vauya muchero wemuti uyu. 25 Ezvo mushure mekunge vadya muchero wemuti vakatarisa-tarisa sekunge vave kunyara. 26 Ezvo neniwo ndakatarisatarisa, ezvo ndikaona, mhiri kwerukova rwemvura, zimba guru ezvo dhandanda; rimire sezvakanga zvakaita mudenga, pamusoro penyika. 27 Ezvo rakanga rakazadzwa nevanhu, vakuru nevadiki, varume nevakadzi; ezvo kupfeka kwavo kwakange kwakanaka zvakapfuuridza; ezvo vakanga vari mutsika yekushora nekunongedzera kune avo vakanga vauya ezvo vachidya muchero. 28 Ezvo mushure mekunge varaira muchero uyu vainyara, ne nzira yeavo vainge vachivashora; ezvo vakawira munzira dzinorambidzwa ezvo vakarasika. 29 Ezvo zvino ini, Nefi, handitaure ese mazwi ababa vangu. 30 Asi, kuti ndisarebese mukunyora, tarisai, akaona dzimwe mhomho dzichisaidzira pamberi; ezvo dzikauya ezvo dzikabatirira pabango resimbi; ezvo dzikasaidzira pamberi, dzakabatirira nesimba bango resimbi, kudakara vauya ezvo ndokuwira pasi ndokurumbidza ezvo ndokudya muchero wemuti. 31 Ezvo akaonawo dzimwe mhomho dzichitsvanzvadzira nzira yekuenda muzmba guru ezvo dhandanda riye. 32 Ezvo zvakaitika kuti vazhinji vakanyura muhwenje hwedziva; ezvo vazhinji akasazovaona, vave kungofamba-famba munzira dzavasingazive. 33 Ezvo hakuzi kuwanda kwemhomho yakapinda muzimba rinoshamisa riya. Ezvo mushure mekunge vapinda muzimba riya vakanongedzera vachishora ini neavo vakanga vachidyawo muchero; asi hatina kuvateerera. 34 Aya mazwi ababa vangu: Nokuti avo vakavateerera, vakapunzika. 35 Ezvo Ramani naRemueri havana kudya muchero, vakadaro baba vangu. 36 Ezvo zvakaitika kuti mushure mekunge baba vangu vataura ese mazwi ehope dzavo kana chiratidzo, ayo akange akawanda, vakati kwatiri, nenzira yezvinhu izvi zvavakaona muchiratidzo, vaityira zvikurusa Ramam naRemueri; hongu, 17 1 NEFI 8:37-9:6 vaitya kuti vangangoraswa vakabviswa pamberi paShe. 37 Ezvo akavakuridzira nepaaigona napo semubereki akapfava, kuti vateerere mazwi ake, kuti zvimwe Ishe angavaitire tsitsi, ezvo agorega kuvarasa; hongu, baba vangu vakavaparidzira. 38 Ezvo mushure mekunge avaparidzira, nekuvaporofita zvinhu zvizhinji, akavaudza kuti vateerere mirau yaShe; ezvo akabva amira kutaura navo. CHITSAUKO 9 Nefi anogadzira zvinyorwa zviri paviri-Zvese zvinodaidzwa kunzi mahwendefa aNefi-Mahwendefa makuru anotaura nezverungano rwevanhu; rnadiki anotaura nezve zvinhu zvinoera. Zvingangove makore 600 kusvika ku592 Kristu asati aberekwa. Ewo zvese zvinhu izvi baba vangu vakazviona, ezvo vakazvinzwa, ezvo vakazvitaura, zvavaigara mutende, munhika raRemueri, nezvimwewo zvinhu zvakawanda, zvisingagone kunyorwa pamahwendefa ano. 2 Ezvo zvino, sekutaura kwandaita pamusoro pemahwendefa aya, tarirai haaziwo mahwendefa andichanyora rungano ruzere rwevanhu vekwangu; nokuti mahwendefa andinonyora rungano ruzere rwevanhu vekwangu ndaapa zita rekuti Nefi; nokudaro, anodaidzwa kunzi mahwendefa aNefi, sezita rangu; ezvo mahwendefa aya wo anodaidzwa kunzi mahwendefa aNefi. 3 Zvisinei, ndakagashira murau waShe kuti ndiite mahwendefa aya, nechikonzero chekuti kwakafanira kuve nezvakanyorwa pamusoro peufundisi hwevanhu vekv~=angu. 4 Pane mamwe mahwendefa pakafanira kunyorwa zvekutonga kwemadzimambo, nehondo nenharo dzevanhu vekwangu; nokudaro mahwendefa aya anotaura zvizhinji nezveufundisi; ezvo mamwe mahwendefa anotaura zvizhinji nezvekutonga kwemadzimambo nezvehondo nezvenharo dzevanhu vekwangu. 5 Nokudaro, Ishe anditi ndiite mahwendefa aya nechikonzero chakangwara chiri maari, chikonzero chacho chandisingazive ini. 6 Asi Ishe anoziva zvinhu zvese kubvira pakutanga; nokudaro, anogadzira nzira yokupedza navo mabasa ake ose pakati pevana vevanhu; nokuti tarisai, ane simba rose mukuzadzikisa mazwi ake ose. Ezvo ndizvo zvazviri. Ameni. CHITSAUKO 10 Rehi anofembera kuti majudha achatorwa muusungwa nemaBhabhironi-Anotaura nezvekuuya kwaMesiya, Muponisi, Mununuri pakati pemaJudha-Rehi anotaurawo nezvekuuya kzvemumzve achabhabhatidza Gwayana raMwari-Rehi anotaura nezvekufa nekumuka kwaMesiya-Anofa- 1 NEFI 10:1-11 18 nanidza kupararira nekuungana kzvaIsiraeri pamuti wemuoriviNefi anotaura nezveMwanakomana waMwari, nezvechipo cheMweya Mutsvene, nezvekudiwa kwetsika dzakatwasanuka. Zvingangove makore 600 kusvika ku592 Kristu asati aberekwa. Ezvo zvino ini, Nefi, ndoenda mberi kukupai nezvemafambiro angu pamahwendefa aya, nekutonga kwangu neufundisi kwangu; nokudaro; kuti ndifambire mberi nenyaya yangu, ndakafanira kutaura nezvezvinhu zvababa yangu, nezvevakoma vanguwo. 2 Nokuti tarisai, zvakaitika kuti mushure mekunge baba yangu vapedza kutaura mazwi ehope dzavo, nokuvakuridzirawo kushanda nesimba rose, vakataura navo pamusoro pemaJudha 3 Kuti mushure mekunge vaparadzwa, kana guta guru riya reJerusaremu, ezvo vazhinji vachatakurwa dzave nhapwa kuBhabhironi, maererano nenguva yasvika yaShe, vachadzoka zvakare, hongu, kana kutodzoswa vachiburitswa muutapwa; ezvo mushure mekunge vadzorwa vachiburitswa muutapwa vachatora zvakare nyika yenhaka yavo. 4 Hongu, kana mazana matanhatu emakore kubvira panguva yakabva baba yangu kuJerusaremu, muporofita achamutswa naShe Mwari pakati pemaJudha-kana Mesiya, kana, nemamwe mazwi, Muponisi wenyika. 5 Ezvo akataurawo maererano nevaporofita, kuti uzhinji hwavo hwakapupura sei pazvinhu izvi, maererano naMesiya uyu, waakange ataura nezvake, kana uyu Mununuri wenyika. 6 Nokudaro, marudzi ose evanhu akange akarasika akapunzika, ezvo angozogara akadaro narinhi kunze kwekunge vavimba neMununuri uyu. Ezvo akataurawo maererano nemuporofita aizouya Mesiya asati auya, kuti azogadzira nzira yaIshe 8 Hongu, kana iye achaenda achinochema ari murenje: Gadzirai nzira yaIshe, muite kuti nzira dzake dzitwasanuke; nokuti pakati penyu pamire mumwe amusingazive; ezvo mukuru kwandiri, ane tambo dzeshangu dzandisingakodzere kusunungura. Ezvo baba yangu vakataura zvizhinji maererano nechinhu ichi. 9 Ezvo baba yangu vakati achabhabhatidza muBhetabhara, mhiri kweJorodhani; ezvo vakatiwo achabhabhatidza nemvura; zve nokuti achabhabhatidza Mesfya nemvura. 10 Ezvo mushure mekunge abhabhatidza Mesfya nemvura, anofanira kutarisa ezvo agoona kuti abhabhatidza Gwayana raMwari, richabvisa zvitema wenyika. 11 Ezvo zvakaitika kuti mushure mekunge baba yangu vataura mazwi aya vakataura kuvakoma yangu maererano nevhangeri rakafanira kuparidzwa pakati pemaJudha, nemaereranowo ekuderera 19 1 NEm 10:12-21 kwemaJudha mukusatenda. Ezvo mushure mekunge vauraya Mesiya, uyo achauya, ezvo mushure mekunge auraiwa achamuka mukufa, ezvo agozviratidza, neMweya Mutsvene, kuvaHedheni. 12 Hongu, kana baba vangu vakataura zvikuru maererano nevaHedheni, ezvo maereranowo nezvemba yaIsiraeri, kuti vafananidzwe nemuti wemuorivi, uyo une mapazi achatyorwa agoparadzirwa nenyika yose. 13 Nokudaro, akati zvakafanira kuti titungamirirwe kunyika yechipikirwa tiine chibvumirano chimwechete, mukuzadzikisa shoko raIshe, rokuti tipararire pasi pose. 14 Ezvo mushure mekunge imba yaIsiraeri yapararira vachaunganidzwa pamwechete zvakare; kana kuti, muchidimbu, mushure mekunge vaHedheni vatambira kuzara kweVhangeri, mapazi emuti wemuorivi, kana kuti vakasara vemba yaIsiraeri, vanobatanidzwa, kana kuti vanozove neruzivo rwaMesiya wechokwadi, Ishe wavo neMununuri wavo. 15 Ezvo netsika yemutauro uyu baba vangu vakaporofita ezvo vakataura kuhama dzangu, nezvimwewo zvinhu zvakawanda zvandisinganyore mubhuku rino; nokuti ndakanyora zvizhinji zvacho zvandaiona zvakakodzera mune rimwe bhuku vangu. 16 Ezvo zvese zvinhu izvi, izvo zvandataura nezvazvo, zvakaitwa apo baba vangu vakange vachigara mutende, munhika raRemueri. 17 Ezvo zvakaitika kuti mushure mekunge ini, Nefi, ndanzwa ese mazwi ababa vangu, maererano nezvinhu zvavakaona muchiratidzo, nezvinhuwo zvaaitaura nesimba reMweya Mutsvene, riri simba ravakatambira pamusana perutendo muMwanakomana waMwariezvo Mwanakomana waMwari ndiye aive Mesiya aizouya-ini, Neffi, ndaidawo kuti dai ndaona, ezvo ndanzwa, nokuziva zvinhu izvi, nesimba reMweya Mutsvene, chinova chipo chaMwari kune avo yose vanomutsvaka nesimba, munguva dzakare nemunguva dzaachazviratidza pachake kuvana vevanhu. 18 Nokuti ndiye wanezuro, nhasi, nokusingaperi; ezvo nzira yakagadzirirwa vese vangu kubvira pakutanga kwenyika, kana vakave vanotendeuka vakauya kwaari. 19 Nokuti uyo anotsvaka nesimba achawana; ezvo zvakavanzika zvaMwari vachazvipfundzunurirwa, nesimba reMweya Mutsvene, munguva dzino sezvemunguva dzakare, ezvo semunguva dzakare nemunguva dzichauya; nokudaro, nzira yaShe inogara yakadaro nokusingaperi. 20 Saka rangarira, iwe munhu, pazviito zvako zvese uchaunzwa mukutongwa. 21 Nokudaro, kana waitsvaka kuita zvakaipa mumazuva ako ekuedzwa, zvino unowanikwa usina kuchena pamberi pechigaro chekutonga chaMwari; ezvo 1 NEFI 10:22-11:11 20 hakuna chinhu chisina kuchena chingagare naMwari; nokudaro, unofanirwa kuti uraswe zvachose. 22 Ezvo Mweya Mutsvene uri kundipa simba rekuti nditaure zvinhu izvi, ezvo ndisazviregere kwete. CHITSAUKO 11 Nefi anoona Mweya walshe ezvo anoratidzwa muchiratidzo muti weupenyu-Anoona amai veMwanakomana waMwari ezvo anodzidza nekuzvideredza kwaMwariAnoona rubhabhatidzo, ufundisi, nekuroverwa kweGwayana raMwari-Anoonawo kudaidzwa neufundisi hwevapositori veGwayana vane gumi nevaviri. Zvingangove makore 600 kusvika ku592 Kristu asati aberekwa. NoxuTi zvakaitika kuti mushure mekunge ndada kuziva zvinhu zvakanga zvaonekwa nababa vangu, nokutenda kuti Ishe aikwanisa kuna kuti ndizvizive, zvandakanga ndigere ndichifungisisa mumwoyo mangu ndakatorwa neMweya waShe, hongu, ndikaenda mugomo rakareba zvakanyanya, randakanga ndisina kumbenge ndakaona, ezvo randakanga ndisina kumbenge ndakatsika netsoka dzangu. 2 Ezvo Mweya ukati kwandiri: Tariw, unodei? 3 Ezvo ndikati: Ndinoda kuona zvinhu zvakaonekwa nababa vangu. 4 Ezvo Mweya ukati kwandiri: Unotenda here kuti baba vako vakaona muti wavakataura nezvawo? 5 Ezvo ndikati: Hongu, munoziva kuti ndinotenda ese mazwi ababa vangu. 6 Ezvo ndataura mazwi aya, Mweya wakachema nezwi guru, uchiti: Hosana kuna Ishe, mukuru-kuru Mwari; nokuti ndiMwari wepasi pose, hongu, kana pamusoro pezvese. Ezvo iwe wakakomborerwa, Nefi, nokuti unotenda muMwanakomana waMwari mukuru; nokudaro, uchaona zvinhu zvawada kuona. Ezvo tarisa chinhu ichi chichapiwa kwauri sechiratidzo, kuti mumashure mekunge ~~aona muti wakabereka muchero wakadyiwa nababa vako, uchaonawo murume achiburuka kubva kudenga, ezvo iyeyo uchamupupurira; ezvo mushure mekunge wamuona uchataura kuti Mwanakomana waMwari. 8 Ezvo zvakaitika kuti Mweya wakati kwandiri: Tarisa! Ezvo ndakatarisa ndikaona muti; ezvo wakange wakaita semuti wakanga waonekwa nababa vangu; ezvo kunaka kwawo kwakange kwakapfuuridza, hongu, kudarika runako rwose; ezvo kuchena kwawo nokudaro kwakange kwakapfuura kuchena kwechando chamatsutso. 9 Ezvo zvakaitika kuti mushure mekunge ndaona muti uya, ndakati kuMweya: Ndinoona kuti waratidza kwandiri muti unokosha kupfuura mimwe yese. 10 Ezvo akati kwandiri: Unodei? 11 Ezvo ndikati kwaari: Kuziva 21 1 NEFI 11:12-27 zvazvinoreva-nokuti ndaitaura naye sekutaura kunoita munhu; nokuti ndakaona kuti akange ane mumhu wemunhu; asi kana zvainge zvakadaro, ndaiziva kuti waive Mweya waIshe; ezvo akataura neni sezvinoita munhu kana achitaura kune mumwe. 12 Ezvo zvakaitika kuti akati kwandiri: Tarisa! Ezvo ndikatarisa sekunge ndiri kutarisa kwaari, ezvo handina kumuona; nokuti akange abva pandiri. 13 Ezvo zvakaitika kuti ndakatarisa ndikaona guta guru reJerusaremu, nemamwewo maguta. Ezvo ndakaona guta reNazareta; ezvo muguta reNazareta ndakaona mhandara, ezvo yakanga yakanaka iri chena zvisingataurike. 14 Ezvo zvakaitika kuti ndakaona matenga achizuruka; ezvo ngirozi ikadzika ezvo ikamira pamberi pangu; ikati kwandiri: Nefi, uri kuonei? 15 Ezvo ndikati kwairi: Mhandara, yakanakiswa kupfuura dzimwe mhandara dzose. 16 Ezvo ikati kwandiri: Unoziva here kuzvideredza kwaMwari? 17 Ezvo ndikati kwairi: Ndinoziva kuti anoda vana vake; asi zvisinei, handizive zvinoreva zvese zvinhu. 18 Ezvo ikati kwandiri: Tariw, mhandara yauri kuona ndiyo amai veMwanakomana waMwari, mutsika yezvenyama. 19 Ezvo zvakaitika kuti ndakaona achitakurwa muMweya; ezvo mushure mekunge atakurwa muMweya kwechinguva chakati ngirozi yakataura kwandiri, ichiti: Tarisa! 20 Ezvo ndakatarisa ezvo ndikaona mhandara iya zvakare, yakatakura mwana mumaoko ayo. 21 Ezvo ngirozi ikati kwandiri: Ona Gwayana raMwari, hongu, Mwanakomana waBaba Wokusingaperi! Unoziva here zvinoreva muti wakaonekwa nababa vako? 22 Ezvo ndakaipindura, ndichiti: Hongu, rudo rwaMwari, rwunopararira rwega mumwoyo yevana vevanhu; nokudaro, ndirwo rwunodiwa kupfuura zvinhu zvese. 23 Ezvo yakataura kwandiri, ichiti: Hongu, ezvo ndirwo rwunonyanya kufadza kLZmweya. 24 Ezvo mushure mekunge yataura mazwi aya, yakati kwandiri: Tarisa! Ezvo ndakatarisa, ezvo ndikaona Mwanakomana waMwari achienda mukati mevana vevanhu; ezvo ndikaona vazhinji vachiwira pasi patsoka dzake ezvo vachimunamata. 25 Ezvo zvakaitika kuti ndakaona kuti bango resimbi, riya rakaonekwa nababa vangu, raive izwi raMwari, raienda kuchisipiti chemvura yeupenyu, kana kumuti weupenyu; mvura iyi iri chiratidzo cherudo rwaMwari; ezvo ndakaonawo kuti muti weupenyu waive chiratidzo cherudo rwaMwari. 26 Ezvo ngirozi yakati kwandiri zvakare: Tariw uone kuzvideredza kwaMwari! 27 Ezvo ndakatarisa ezvo ndikaona Mununuri wenyika, uyo akanga ataurwa nababa vangu; 1 NEFI 11:28-36 22 ezvo ndikaonawo muporofita aizogadzira nzira yake asati auya. Ezvo Gwayana raMwari rakaenda ezvo rikabhabhatidzwa naye; ezvo mushure mekunge abhabhatidzwa, ndakaona matenga achizaruka, ezvo Mweya Mutsvene uchiuya uchibva kudenga ezvo uchigara paari uine mumhu wenjiva. 28 Ezvo ndakaona kuti akaenda akanoparidzira vanhu, musimba nemukurumbira mukuru; ezvo mhomho dzevanhu dzakaungana pamwechete kuti vamunzwe; ezvo ndikaona kuti vakamutanda pakati pavo. 29 Ezvo ndikaonawo vimwe gumi nevaviri vachimutevera. Ezvo zvakaitika kuti vakatakurwa muMweya pameso pangu, ezvo handina kuzovaona. 30 Ezvo zvakaitika kuti ngirozi yakataura kwandiri zvakare, ichiti: Tarisa! Ezvo ndakatarisa, ndikaona matenga achizuruka zvakare, ezvo ndikaona ngirozi dzichidzika pavana vevanhu; ezvo dzikashumira kwavari. 31 Ezvo yakataura kwandiri zvakare, ichiti: Tarisa! Ezvo ndakatarisa, ezvo ndikaona Gwayana raMwari richienda pakati pevana vevanhu. Ezvo ndikaona mhomho vevanhu vakanga vachirwara, nevakange vaine zvirwere zvakasiyana-siyana, nemadhimoni nemweyi yetsvina; ezvo ngirozi yakataura ikaratidza zvese zvinhu izvi kwandiri. Ezvo vakarapwa nesimba reGwayana raMwari; ezvo madhimoni nemweyi yetsvina yakabviswa. 32 Ezvo zvakaitika kuti ngirozi yakataura kwandiri zvakare, ichiti: Tarisa! Ezvo ndakatarisa ndikaona Gwayana raMwari, kuti rakatorwa vevanhu; hongu, Mwanakomana waMwari wokusingaperi akatongwa nevenyika; ezvo ndakaona ezvo ndinazvo. 33 Ezvo ini, Nefi, ndakaona kuti akaturikwa pamuchinjikwa akaurairwa zvitema zvenyika. 34 Ezvo mushure mekunge auraiwa ndakaona mhomho dzepasi, kuti dzakaungana pamwechete kurwisa vapositori veGwayana; nokuti vane gumi nevaviri ndiko kudainzwa kwavaiitwa nengirozi yaShe. 35 Ezvo mhomho dzepasi dzakange dzakaungana pamwechete; ezvo ndikaona kuti dzakange dziri muzimba guru ezvo dhandanda, rakafanana nezimba rakaonekwa nababa vangu. Ezvo ngirozi yaIshe yakataura zvakare kwandiri, ichiti: Ona nyika neungwaru hurimo; hongu, tarisa imba yaIsiraeri yaungana pamwechete kuti irwise vapositori veGwayana vane gumi nevaviri. 36 Ezvo zvakaitika kuti ndakaona ndikaziva, kuti zimba guru ezvo dhandanda kwaive kuzvikudza kwenyika; ezvo yakapunzika, ezvo kupunzika kwacho kwakange kuri kukuru zvisingataurike. Ezvo ngirozi yaIshe yakataura kwandiri zvakare, ichiti: Ndokuparadzwa kuchaitwa nyika dzose, madzinza, ndimi, navanhu, avo vacharwisa vapositori veGwayana vane gumi nevaviri. 23 1 NEFI 12:1-10 CHITSAUKO 12 Nefi anoona muchiratidzo nyika yechipikirwa; kururama, kuipa, nekupunzika kzoavanhu vayo; kuuya kweGzvayana raMwari pakati pavo; kuti Vadzidzi vane Gumi nevaviri neVapositori vane Gumi nevaviri vachatonga sei Isiraeri; nekusemesa neutsvina hweavo vanoderera mukusatenda. Zvingangove makore 600 kusvika ku592 Kristu asati aberekwa. Ezvo zvakaitika kuti ngirozi yakati kwandiri: Tarisa, ezvo uone mbeu yako, nembeuwo yehama dzako. Ezvo ndakatarisa ndikaona nyika yechipikirwa; ezvo ndikaona mhomho dzevanhu, hongu, kana sekuwanda mukuverenga kwakaita kuwanda kwejecha regungwa. 2 Ezvo zvakaitika kuti ndakaona mhomho dzakaungana pamwechete mukurwa, dzichirwisana; ezvo ndikaona hondo, nerunyerekupe rwehondo, nekuurayana nemunondo pakati pevanhu vekwangu. 3 Ezvo zvakaitika kuti ndakaona zvizvarwa zvizhinji zvichifa, mushure metsika yehondo negakava munyika; ezvo ndikaona maguta mazhinji, hongu, kana kuverenga handina kuaverenga. 4 Ezvo zvakaitika kuti ndakaona bute rerima pauso hwenyika yechipikirwa; ezvo ndikaona mheni, ezvo ndikanzwa kutinhira, nekundengendeka kwenyika, nemhere-mhere yose yekunetsekana; ezvo ndikaona ivhu nemabwe, kuti zvaitsemuka; ezvo ndikaona makomo achikoromoka; ezvo ndikaona marenje enyika, kuti akasakadzwa; ezvo ndikaona maguta mazhinji kuti akanyudzwa; ezvo ndikaona mazhinji kuti akapiswa nemoto; ezvo ndikaona mazhinji aikoromokera pasi, nenzira yekundengendeka kwaivepo. 5 Ezvo zvakaitika kuti mushure mekunge ndaona zvinhu izvi, ndakaona kunyangarika kwerima, kuti rakabva pauso hwenyika; ezvo tarirai, ndakaona mhomho dzisina kunge dzapunzika nenzira yekutonga kunotyisa kwaIshe. 6 Ezvo ndakaona matenga achizuruka, ezvo Gwayana raMwari richiburuka kubva kudenga; ezvo rikauya pasi rikazviratidza kwavari. Ezvo ndakaonawo ezvo ndikaziva kuti Mweya Mutsvene wakawira pane vamwe gumi nevaviri; ezvo vakagadzwa naMwari, ezvo vakasarudzwa. 8 Ezvo ngirozi yakataura kwandiri, ichiti: Ona vane gumi nevaviri vadzidzi veGwayana, vakasarudzwa kuti vaparidze kumbeu yako. 9 Ezvo ikati kwandiri: Unorangarira here vapositori veGwayana vane gumi nevaviri? Tarira ndivo vachatonga marudzi gumi nemaviri aIsiraeri; nokudaro, vafundisi gumi nevaviri vembeu yako vachatongwa navo; nokuti muri vemba yaIsiraeri. 10 Ezvo ava vafundisi gumi nevaviri vauri kuona vachatonga mbeu yako. Ezvo, tarisa, vakatwasanuka narinhi; nokuti nenzira yerutendo rwavo 1 NEFI 12:11-23 24 muGwayana raMwari nguo dzavo dzaitwa chena muropa rake. 11 Ezvo ngirozi yakati kwandiri: Tarisa! Ezvo ndikatarisa, ezvo ndikaona zvizvarwa zvitatu zvichipfuura zviri mukururama; ezvo nguo dzavo dzakange dzakachena sedzeGwayana raMwari. Ezvo ngirozi ikati kwandiri: Ava vakaitwa vachena muropa reGwayana, nenzira yerutendo rwavo maari. 12 Ezvo ini, Nefi, ndakaonawo vazhinji vechizvarwa chechina vakapfuura vari mukururama. 13 Ezvo zvakaitika kuti ndakaona mhomho dzepasi dzakaungana pamwechete. 14 Ezvo ngirozi ikati kwandiri: Ona mbeu yako, nembeuwo yehama dzavo. 15 Ezvo zvakaitika kuti ndakatarisa ndikaona vanhu vembeu yangu vakaungana pamwechete vari mhomho vachirwisana nembeu yehama dzangu; ezvo vakanga vaungana pamwechete kuti varwe. 16 Ezvo ngirozi yakataura kwandiri, ichiti: Tarira chisipiti chemvura ine tsvina chakaonekwa nababa yako; hongu, kana rukova rwavakataura; ezvo kudzika kwarwo ndiko kudzika kwegehena. 17 Ezvo bute rerima ndiyo miedzo yadhiabhori, inopofomadza maziso, ichiomesa mwoyo yevana vevanhu, ichivatungamira munzira dzakapamhama, zvekuti vanofa vachirasika. 18 Ezvo zimba guru ezvo dhandanda, iro rakaonekwa nababa yako, kufungidzira zvinhu zvi sipo nekuzvikudza kwevana vevanhu. Ezvo zigomba guru rinotyisa rakavaganhura; hongu, kana izwi rokutonga kwakarurama kwaMwari Wokusingaperi, naMesiya anova ndiye Gwayana raMwari, uyo anopupurirwa neMweya Mutsvene, kubvira pakutanga kwenyika kusvika panguva ino, ezvo kubvira zvino nekusingaperi. 19 Ezvo zvakanga ngirozi ichitaura mazwi aya, ndakatarisa ndikaona kuti mbeu yehama dzangu yakange ichirwisana nembeu yangu, maererano nemazwi engirozi; nenzira yekuzvikudza kwembeu yangu, nemiyedzo yadhiabhori, ndakaona kuti mbeu yehama dzangu yakange ichikurira vanhu vembeu yangu. 20 Ezvo zvakaitika kuti ndakatarisa, ezvo ndikaona vanhu vembeu yehama dzangu kuti yakange vakunda mbeu yangu; ezvo vakaenda vari mhomho mukati menyika. 21 Ezvo ndakavaona vakaungana pamwechete vari mhomho; ezvo ndikaona hondo nerunyerekupe rwehondo pakati pavo; ezvo muhondo nerunyerekupe rwehondo ndikaona zvizvarwa zvizhinji zvichipfuura. 22 Ezvo ngirozi yakati kwandiri: Tariw ivava vachaderera mukusatenda. 23 Ezvo zvakaitika kuti ndakaona, kuti mushure mekunge vaderera mukusatenda vakasviba, vakasemesa, vakave vanhu vane tsvina, vazere nenungo netsika dzose dzezvinhu zvakaipa. 25 1 NEPI 13:1-14 CHITSAUKO 13 Nefi anoona muchiratidzo sangano radhiabhori ramiswa pakati pavaHedheni, kuwanika nekupambwa kweAmerica, kurasika kwemamwe matsamba anokosha emuBhaibheri, nekuzorasika kwevaHedheni, kudzorerwa kwevhangeri, karuya kzaemagzaaro matsvene emazuva ekupedzisira, nekuvakwa kweZioni. Zvingangove makore 600 kusvika ku592 Kristu asati aberekwa. Ezvo zvakaitika kuti ngirozi yakataura kwandiri, ichiti: Tariw! Ezvo ndikatarisa ndikaona marudzi mazhinji neumambo huzhinji. 2 Ezvo ngirozi ikati kwandiri: Urikuonei? Ezvo ndikati: Ndiri kuona marudzi mazhinji neumambo huzhinji. 3 Ikati kwandiri: Aya ndiwo marudzi neumambo hwevaHedheni. 4 Ezvo zvakaitika kuti ndakaona pakati pemarudzi evaHedheni kutangiswa kwesangano guru. 5 Ezvo ngirozi ikati kwandiri: Tariw kutangiswa kwesangano rakaipa kupfuura mamwe masangano ese, rinouraya vatendi vaMwari, hongu, ezvo richivarwadzisa nokuvasunga, nekuvasunga nejoko resimbi, richivaisa muutapwa. 6 Ezvo zvakaitika kuti ndakaona zisangano guru iri rakaipa; ezvo ndikaona dhiabhori kuti ndiye akanga aritanga. Ezvo ndikaonawo goridhe, nesirivha, nesirika, ezvo micheka mitsvuku, nemachira akarukwa zvinoyevedza, netsika dzose dzenhumbi dzakakosha; ezvo ndikaona pfambi zhinji. 8 Ezvo ngirozi yakataura kwandiri, ichiti: Tarisa goridhe, nesirivha, nesirika, nemicheka mitsvuku, nemachira akarukwa zvinoyevedza, nenhumbi dzinokosha, nepfambi, ndizvo zvinodiwa nezisangano guru iri rakaipa. 9 Ezvo nokuda kukudzwa nenyika vanoparadza vatendi vaMwari, vachivatora vachivaisa muutapwa. 10 Ezvo zvakaitika kuti ndakatarisa ndikaona mvura zhinji; ezvo yaiganhura Vahedheni kubva kumbeu yehama dzangu. 11 Ezvo zvakaitika kuti ngirozi yakati kwandiri: Tariw hasha dzaMwari dziri pamusoro pembeu yehama dzako. 12 Ezvo ndakatarisa ezvo ndikaona murume pakati pevaHedheni, akanga akaparadzaniswa nembeu yehama dzangu nemvura zhinji; ezvo ndikaona Mweya waMwari, kuti wakadzika ezvo ukatunha murume uyu; ezvo akaenda nemumvura zhinji, kana kumbeu yehama dzangu, vakanga vari munyika yechipikirwa. 13 Ezvo zvakaitika kut i ndakaona Mweya waMwa~ i, kuti wakatunha vaHedheni; ezvo vakaenda vakabuda muutapwa, pamusoro pemvura zhinji. 14 Ezvo zvakaitika kuti ndakaona mhomho zhinji dzevaHedheni munyika yechipikirwa; ezvo ndikaona hasha dzaMwari, kuti dzakanga dziri pambeu yehama dzangu; ezvo vakapara- 1 NEFI 13:15-27 26 dzwa nevaHedheni vakatambudzika. 15 Ezvo ndakaona Mweya waIshe, kuti waive pavaHedheni, ezvo vakabudirira ezvo vakatora nyika vakaiita nhaka yavo; ezvo ndakaona kuti vakanga vari vachena, ezvo vakarurama chaizvo nokunaka, sezvakanga zvakaita vanhu vekwangu vasati vauraiwa. 16 Ezvo zvakaitika kuti ini, Neffi, ndakaona kuti vaHedheni vakanga vaenda kubva muutapwa vakazvirereka pamberi paIshe; ezvo simba raShe rakanga riinavo. 17 Ezvo ndakaona kuti nyika dzevaHedheni dzakanga dzaungana pamwechete mumakungwa, nemumatunhuwo, kuti vavarwise. 18 Ezvo ndakaona kuti simba raMwari rakanga riinavo, nekutiwo hasha dzaMwari dzakanga dziri pane avo vose vakanga vaungana pamwechete kuti vavarwise. 19 Ezvo ini, Neffi, ndakaona kuti vaHedheni vainge vabuda muutapwa vakabviswa nesimba raMwari kubva mumaoko emamwe ose marudzi. 20 Ezvo zvakaitika kuti ini, Neffi, ndakaona kuti vakabudirira munyika; ezvo ndakaona bhuku, ezvo rakanga rakatakurwa pakati pavo. 21 Ezvo ngirozi yakati kwandiri: Unoziva here zvinoreva bhuku? 22 Ezvo ini ndikati kwairi: Handizive. 23 Ezvo ikati: Tarisa rinobva mumuromo wemuJudha. Ezvo ini, Nefi, ndakariona; ezvo ikati kwandiri: Bhuku raurikuona rine nhoroondo yemaJudha, ine zvibvumirano zvaIshe, izvo zvaakaita kune vemba yaIsiraeri; ezvo rinewo zvizhinji zvezviporofita zvevaporofita vatsvene; ezvo inhoroondo yakaita seyakanyorwa pamahwendefa endarira, chete haasi akawanda; zvisinei, ane zvibvumirano zvaIshe, izvo zvaakaita kumba yaIsiraeri; nokudaro, zvinokosha kwazvo kuvaHedheni. 24 Ezvo ngirozi yalshe yakati kwandiri: Waona kuti bhuku rinobuda richibva mumuromo memuJudha; ezvo kana richibuda richibva mumuromo wemuJudha rinenge riine vhangeri rakakwana raIshe, rinova rinopupurwa nevapositori vane gumi nevaviri; ezvo vanopupura maererano nechokwadi chiri muGwayana raMwari. 25 Nokudaro, zvinhu izvi zvinoenda zvichibva kumaJudha zviri zvirokwazvo zvichienda kuvaHedheni, maererano nechokwadi chiri munaMwari. 26 Ezvo mushure mekunge zvaenda neruoko rwevapositori veGwayana vane gumi nevaviri, zvichibva kumaJudha zvichienda kuvaHedheni, munoona kutangwa kwezisangano riya guru rakaipa, riri rakaipa kupfuura mamwe masangano ose; nokuti tarisa, vabvisa kubva muvhangeri reGwayana zvimwe zviri pachena zvinokosha; nezvibvumirano zvizhinji zvaIshe vakabvisa. 27 Ezvo zvese izvi vakaita kuti vapindure nzira chaidzo 27 1 NEFI 13:28-35 dzaIshe, kuti vapofomadze maziso ezvo vaomese mwoyo yevana vevanhu. 28 Nokudaro, unoona kuti mushure mekunge bhuku rapfuura nemumaoko ezisangano guru ezvo rakaipa, kuti kune zvinhu zvizhinji zviri pachena ezvo zvinokosha zvakabviswa mubhuku, rinove bhuku reGwayana raMwari. 29 Ezvo mushure mekunge zviri pachena nezvinokosha izvi zvabviswa rinoenda kumarudzi ose evaHedheni; ezvo mushure mekunge raenda kumarudzi ose evaHedheni, hongu, kana kuyambuka makungwa ayo awaona nevaHedheni vaenda vachibva muutapwa, unoona-kuti nenzira yezvinhu zvizhinji zviri pachena ezvo zvinokosha zvakabviswa mubhuku, zvakanga zviri pachena kunzwikwa nevana vevanhu, maererano nekuve pachena kuri muGwayana raMwari-nenzira yezvinhu izvi zvakabviswa muvhangeri reGwayana, vakawanda zvisingataurike vari kupunzika, hongu, zvokuti Satani ave nesimba guru pamusoro pavo. 30 Zvisinei, unoona kuti vaHedheni vakaenda vachibva muutapwa, ezvo vakasimudzirwa nesimba raMwari kuti vave pamusoro pemamwe marudzi ose, munyika yakanaka kupfuura dzimwe nyika dzose, inove ndiyo nyika Ishe Mwari yavakabvumirana nababa yako kuti mbeu yavo ichave nenhaka yenyika iyi; nokudaro, unoona kuti Ishe Mwari haazobvumira kuti vaHedheni vaparadze zvachose kusanganiswa kwembeu yako, iyo iri mukati mehama dzako. 31 Kana kubvumira kuti vaHedheni vaparadze mbeu yehama dzako. 32 Kana Ishe Mwari kubvumira kuti vaHedheni vagare nariinhi vari muupofu hunotyisa, uhwo hwauri kuona kuti vari mahuri, nenzira yezvinhu zviri pachena ezvo zvinokosha zvikuru zvevhangeri reGwayana zvakavigwa nesangano rakaipa iri, rawaona kutangwa kwaro. 33 Nokudaro Gwayana raMwari rinoti: Ndichava netsitsi kuvaHedheni, mukushanyira vakasara vemba yaIsiraeri mukutongwa kukuru. 34 Ezvo zvakaitika kuti ngirozi yaShe yakataura kwandiri, ichiti: Tarisa, Gwayam raMwari rinoti, mushure mekunge ndashanyira vakasara vemba yaIsiraeri-ezvo vakasara vandinotaura ava mmbeu yababa wakonokudaro, mushure mekunge ndavashanyira mukutonga, ezvo ndavatambudzisa nerwuoko rwevaHedheni, ezvo mushure mekunge vaHedheni vapunzika zvisingataurike, nenzira yezviya zviri pachena-chena zvavasina kupiwa nesangano riya rakaipa, rinove ndiro amai vepfambi, Gwayana rinodarondichave netsitsi kuvaHedheni musi iwoyo, zvekuti ndichauisa kwavari, musimba rangu, zvizhinji zvevhangeri rangu, richave pachena ezvo richikosha, rinodaro Gwayam. 35 Nokuti, tarisa, rinodaro Gwayana: ndichazviratidza 1 NEFI 13:36-42 28 pachangu kumbeu yako, kuti vachanyora zvinhu zvizhinji zvandichavaparidzira, zvichave zviri pachena ezvo zvichikosha; ezvo mushure mekunge mbeu yako yaparadzwa, ezvo yaderera mukusatenda, nembeuwo yehama dzako, tarisa, zvinhu zvese izvi zvichavanzwa, kuuya kuvaHedheni, nechipo nesimba reGwayana. 36 Ezvo mazviri muchanyorwa vhangeri rangu, rinodaro Gwayana, ezvo musimboti wangu neruponiso rwangu. 37 Ezvo vakakomborerwa avo vachatsvaka kuunza Zioni yangu musi iwoyo, nokuti vachawana chipo nesimba reMweya Mutsvene; ezvo kana vakashingirira kusvika kwekupedzisira vachasimudzwa muzuva rekupedzisira, ezvo vachaponeswa muumambo hweGwayana husingaperi nariinhi; ezvo uyo achadaidzira runyararo, hongu, matama emufaro mukuru, vachave vakanaka zvakadii mumakomo. 38 Ezvo zvakaitika kuti ndakaona vakasara vembeu yehama dzangu, nebhuku reGwayana raMwari, rakanga rabva mumuromo wemaJudha, kuti rakauya kubva kuvaHedheni richienda kune vakasara vembeu yehama dzangu. 39 Ezvo mushure mekunge rauya kwavari ndakaona mamwe mabhuku, akauya pamusoro pesimba reGwayana, kubva kuvaHedheni achienda kwavari, mukugutsa vaHedheni nevakasara vembeu yehama dzangu, nemaJudhawo akange akapararira pasi pose, kuti zvinyorwa zvevaporofita ezvo nezvevapositori veGwayana vane gumi nevaviri ndezvechokwadi. 40 Ezvo ngirozi yakataura kwandiri, ichiti: Zvinyorwa zvekupedzisira izvi, zvawaona zviri kuvaHedheni, zvichamisa chokwadi chevekutanga, avo vanova ndivo vapositori veGwayana vane gumi nevaviri, ezvo zvigoita kuti kuzivikanwe zviri pachena ezvo zvinokosha zvavakatorerwa; ezvo zvigoita kuti zvizivikanwe kuhama dzose, ndimi, nevanhu, kuti Gwayana raMwari ndiro Mwanakomana waBaba Wokusingaperi, ezvo Muponisi wenyika; nokuti vanhu vese vakafanira kuuya kwaari, kana kuti havangazoponeswa. 41 Ezvo vakafanira kuuya nemazwi achataurwa nemuromo weGwayana; ezvo mazwi eGwayana achaziviswa muzvinyorwa zvembeu yako, nemuzvinyorwa zvevapositori veGwayana vane gumi nevaviri; nokudaro zvese zvichaiswa pamwechete; nokuti kuna Mwari mumwechete neMufudzi mumwechete pasi pose. 42 Ezvo nguva iri kusvika yekuti achazviratidza iye pachake kumarudzi ose, zvese kumaJudha nekuVaHedheniwo; ezvo mushure mekunge azviratidza pachake kumaJudha ezvo neku vaHedheniwo, zvino ozozviratidzawo pachake kuvaHedheni ezvo nekumaJudhawo, ezvo vekupedzisira vachave vekutanga, ezvo vekutanga vachave vekupedzisira. 29 1 NEFI 14:1-9 CHITSAUKO 14 Ngirozi inotaurira Nefi nezvemaropafadzo nekutukwa kuchawira pamusoro pevaHedheni-Kune masangano maviri chete: Sangano reGwayana raMwari nesangano radhiabhori-Vatendi vaMwari mukati memarudzi ose vanotambudzzaa nezisangano guru ezvo rakaipa-Mupositori Johani achanyora maererano nekuguma kwenyika. Zvingangove makore 600 kusvika ku592 Kristu asati aberekwa. Ezvo zvichaitika kuti, kana vaHedheni vakateerera kuGwayana raMwari muzuva iro raachazviratidza iye pachake kwavari muzwi, nemusimbawo, nemuzviito, nemukubvisa zvimhingamupinyi zvavo 2 Ezvo vagorega kuomesa mwoyo yavo kuGwayana raMwari, vachaverengerwa mukati membeu yababa vako, hongu, vachaverengerwa kumba yaIsiraeri; ezvo vachazove vanhu vakaropafadzwa munyika yechipikirwa nariinhi; havachazotorwa muutapwa zvakare; ezvo imba yaIsiraeri haichazonyadziswa. 3 Ezvo zigomba guru riya, ravakachererwa nezisangano guru ezvo rakaipa, rakatangiswa nadhiabhori nevana vake, kuti atungamire mweya yevanhu kugehena-hongu, zigomba guru riya rakachererwa kuti riparadze vanhu richazadzwa neavo vakarichera, vachiparadzwa zvachose, rinodaro Gwayam raMwari; kwete kuparadzwa kwemweya, kunze kwekunge kuri kwokuukanda mugehena riya risina magumo. 4 Nokuti tarisa, izvi zviri maererano neutapwa hwadhiabhori, ezvo zviri maererano nokuranga kwaMwari, kune avo vose vanoita zvakaipa pamberi pake. 5 Ezvo zvakaitika kuti ngirozi yakataura kwandiri, Neffi, ichiti: Waona kuti kana vaHedheni vakatendeuka zvinove zvakanaka kwavari; ezvo unozivawo maererano nezvibvumirano zvaShe kune vemba yaIsiraeri; ezvo wanzwawo kuti uyo asingatendeuke anofanirwa kuparara. 6 Saka, heyo nhamo kuvaHedheni kana vakave vanoomesa mwoyo yavo kuGwayana raMwari. Nokuti nguva iri kuuya, rinodaro Gwayana raMwari, yokuti ndichashanda basa guru ezvo rinoshamisa pakati pevana vevanhu; basa richagara nariinhi, uku kana uku-kuti muvagutse murunyararo neupenyu husingaperi, kana kuti vaendeswe kuhukukutu hwemwoyo yavo nemuhupofu hwepfungwa dzavo mukuuiswa kwavo muutapwa, ezvowo mukuparadzwa, kwese kwenyama nekwemweya, maererano neutapwa hwadhiabhori, uhwo hwandataura nezvahwo. S Ezvo zvakaitika kuti ngirozi payakange yataura mazwi aya, yakati kwandiri: Unorangarira here zvibvumirano zvaBaba kune vemba yaIsiraeri? Ndikati, Hongu. 9 Ezvo zvakaitika kuti yakati kwandiri: Tarisa, uone zisangano guru riya ezvo rakaipa, 1 NEFI 14:10-23 30 rinove ndiro zimai rekuipa. Akaritanga ari dhiabhori. 10 Ezvo ikati kwandiri: Tarisa kune masangano maviri chete; rekutanga isangano reGwayana raMwari, ezvo rimwe isangano radhiabhori; nokudaro, uyo asiri wesangano reGwayana raMwari ndewe zisangano riya guru, rinove ndiro zimai rekuipa; ezvo ndiro zipfambi repasi pose. 11 Ezvo zvakaitika kuti ndakatarisa ndikaona zipfambi repasi pose, ezvo rigere pamusoro pemakungwa emvura yakawanda; ezvo rakanga richitonga pasi pose, mukati menyika dzose, madzinza, ndimi, navanhu. 12 Ezvo zvakaitika kuti ndakatarisa sangano reGwayana raMwari, ezvo uwandu hwaro hwaive hushoma, nenzira yekuipa kwezipfambi vakange rigere pamusoro pemakungwa mazhinji; zvakadaro, ndakaona kuti wesangano reGwayana, vakange vari vatendi vaMwari, vakange vari pasi pose; ezvo kutonga kwavo pasi kwaive kushoma, nenzira yekuipa kwezipfambi guru randakanga ndaona. 13 Ezvo zvakaitika kuti ndakaona kuti zimai guru rekuipa raunganidza pamwechete mhomho pasi pose, mukati memarudzi ose evaHedheni, kuti varwise Gwayana raMwari. 14 Ezvo zvakaitika kuti ini, Nefi, ndakaona simba reGwayana raMwari, kuti rakadzika pavatendi wesangano reGwayana, nekune vanhu vechibvumirano chaIshe, vakange vakapararira nepasi pose; ezvo vakanga vakapakatira ururami nesimba raMwari mukukudzwa kukuru. 15 Ezvo zvakaitika kuti ndakaona kuti hasha dzaMwari dzakadirwa muzisangano guru riya rakaipa, zvekuti kwakave nehondo nerunyerekupe rwehondo pakati pemarudzi ose nehama dzepasi pano. 16 Ezvo kutanga kwakaita hondo nerunyerekupe rwehondo pakati pemarudzi ose akange ari ezimai rekuipa, ngirozi yakataura kwandiri, ichiti: Tarfsa, hasha dzaMwari dziri pamusoro pezimai repfambi; ezvo tarisa, unoona zvese zvinhu izvi 17 Ezvo kana zuva rauya rekuti hasha dzaMwari dzidirwe pamusoro pezimai repfambi, riri zisangano riya guru ezvo rakaipa repasi pose, akaritanga ari dhiabhori, zvino, muzuva iroro, basa raBaba richatanga, mukugadzirira nzira yekuzadzikisa zvibvumirano zvavo, zvavakaita kuvanhu vavo vanove vemba yaIsiraeri. 18 Ezvo zvakaitika kuti ngirozi yakataura kwandiri, ichiti: Tarfsa! 19 Ezvo ndakatarisa ndikaona murume, ezvo akanga akapfeka gemenzi jena. 20 Ezvo ngirozi ikati kwandiri: Ona mumwe wevapositori veGwayana vane gumi nevaviri. 21 Tarisa, achaona ezvo agonyora zvasara zvezvinhu izvi; hongu, nezvinhuwo zvizhinji zvakaitika. 22 Ezvo achanyorawo nezvekuguma kwenyika. 23 Nokudaro, zvinhu zvaachanyora zvakarurama ezvo zviri 31 1 NEFI 14:24-15:4 zvechokwadi; ezvo tarisa zvinonyorwa mubhuku rawaona richibuda mumuromo wemuJudha; uye panguva yazvakabva mumuromo wemuJudha, kana, kuti panguva dzabuda bhuku mumuromo wemuJudha, zvinhu zvange zvakanyorwa zvange zviri pachena ezvo zvakachena, zvichikoshesesa ezvo zviri nyore mukunzwikwa nevanhu vese. 24 Ezvo tarisa, zvinhu zvichanyorwa nemupositori weGwayana uyu zvinhu zvizhinji zvawakaona; ezvo tarisa, zvasara uchazviona. 25 Asi zvinhu zvauchaona mushure hauzozvinyora; nokuti Ishe Mwari azodza mupositori weGwayana raMwari kuti azvinyore. 26 Uye vamwe vanga varipo, kwavari aratidza zvese zvinhu, ezvo vakabva vazvinyora; ezvo zvakanamwa kuti zvigozouya zvakachena, maererano nechokwadi chiri muGwayana, munguva yake Ishe, kune vemba yaIsiraeri. 27 Ezvo ini, Neffi ndakanzwa uye ndinopupura, kuti zita remupositori weGwayana raive Johani, maererano nezwi rengirozi. 28 Ezvo tarisai, ini Neffi, ndinorambidzwa kuti ndinyore zvinhu zvakasara zvandakaona ndikanzwa; nokudaro zvinhu zvandanyora zvakwanirana neni; ezvo ndanyora chidimu chidiki chezvinhu zvandakaona. 29 Ezvo ndinopupura kuti ndakaona zvinhu zvakaonekwa nababa vangu, ezvo ngirozi yaShe yakaita kuti zvizivikanwe neni. 30 Ezvo zvino ndave kupedzisa kutaura nezvezvinhu zvandakaona zvandakaona ndakatakurwa neMweya; ezvo kana zvese zvinhu zvandakaona zvisina kunyorwa, zvinhu zvandanyora ndezvechokwadi. Ezvo ndizvo zvazviri. Ameni. CHITSAUKO 15 Mbeu yaRehi ichatambira vhangeri kubva kuvaHedheni mumazuva ekupedzisira-Chizvarwa chalsiraeri chinofananidzwa nemuti wemuorivi une mapazi achabatanidzwa pakare-Nefi anodudzira chiratidzo chemuti weupenyu ezvo otaura nezvekuenzanisa kzvaMwari mukubvisa vatadzi muvakarurama. Zvingangove makore 600 kusvika ku592 Kristu asati aberekwa. Ezvo zvakaitika kuti ini, Neffi, ndakanga ndatakurwa mumweya, ezvo ndaona zvese zvinhu izvi, ndakadzokera kutende kwababa vangu. 2 Ezvo zvakaitika kuti ndakaona hama dzangu, ezvo dzakanga dzichiitirana nharo maererano nezvinhu zvakanga zvataurwa nababa vangu kwavari. 3 Nokuti chokwadi vakataura zvinhu zvikuru zvakawanda kwavari, zvakange zvakaoma kunzwisiswa, kunze kwekunge munhu abvunza Mwarfi; ezvo ivo vari vakukutu mumwoyo, saka havana kutarisa kuna Ishe sezvavaifanira kuna. 4 Ezvo zvino ini, Neffi, ndakasuwa pamusana pekuoma 1 NEFI 15:5-16 32 kwemwoyo yavo, ezvowo, nenzira yezvinhu zvandakanga ndaona, nekuziva kuti zvaitozoitika chete nenzira yekuipa kukuru kwevana vevanhu. 5 Ezvo zvakaitika kuti ndakakurirwa nenzira yekutambudzwa kwangu, nokuti ndaiti kutambudzika kwangu kwaive kukuru kupfuura zvese, nenzira yekuparadzwa kwevanhu vekwangu, nokuti ndakanga ndaona kupunzika kwavo. 6 Ezvo zvakaitika kuti mushure mekunge ndatambira simba ndakataura kuhama dzangu, ndichida kuziva kwavari chikonzero chenharo dzavo. Ezvo vakati: Tarisa, hatinzwisise mazwi ataurwa nababa vedu nezvemapazi emuti wemuorivi, ezvo nezvevaHedheni. 8 Ezvo ndikati kwavari: Mabvunza Ishe here? 9 Ezvo vakati kwandiri: Hatina; nokuti Ishe haaite kuti tizive chinhu chakadaro. 10 Tarisai, ndakadaro kwavari: Sei musingachengete mirau yaIshe? Sei muchizofa, nenzira yeukukutu hwemwoyo yenyu? 11 Hamuyeuke here zvinhu izvo zvakataurwa naIshe?Kana mukasaomesa mwoyo yenyu, ezvo mukandikumbira murutendo, muchitenda kuti muchagashira, nekusimba mukuchengeta mirau yangu, chokwadi zvinhu izvi zvichaziviswa kwamuri. 12 Tarisai, ndinoti kwamuri, imba yaIsiraeri yakaenzaniswa nemuti wemuorivi, neMweya waShe wakanga uri munababa vedu; ezvo tarisai hatina kupa zuka here kubva mumba yaIsiraeri, ezvo hatizi bazi remba yaIsiraeri here? 13 Ezvo zvino, chinhu chinoreva baba vedu maererano nekupinzaniswa kwemapazi epo chaiwo kuburikidza nekuzara kwevaHedheni, kuti, mumazuva ekupedzisira, kana mbeu vedu yaderera mukusatenda, hongu, kwemakore mazhinji, ezvo zvizvarwa zvizhinji mushure mekunge Mesiya azviratidza nemuviri wake kuvana vevanhu, ndipo pachauya kuzara kwevhangeri raMesiya kuvaHedheni, ezvo robva kuvaHedheni richienda kune vakasara vembeu yedu 14 Ezvo muzuva iroro vakasara vembeu yedu ndipo pavachaziva kuti ndevemba yaIsiraeri, nokuti ndipo vanhu vechibvumirano chalshe; ezvo ndipo pavachaziva nokuuya muruzivo rwemadzitateguru avo, nekuruzivowo rwevhangeri reMununuri wavo, rakaparidzwa kumadzibaba avo naiye; nokudaro, vachauya mukuziva Mununuri wavo nezvinangwa chaiwo zvedzidziso yake, kuti vagoziva kuti vangauye sei kwaari ezvo vagoponeswa. 15 Ezvo muzuva iroro havazofara here vachirumbidza Mwari wavo wokusingaperi, musimboti wavo neruponiso rwavo? Hongu, muzuva iroro, havazogashira here simba nekudya kunosimbisa kubva kumunzamviringa wechokwadi? Hnngu, havazouya here mudanga rechokwadi raMwari? 16 Tarisai, ndinoti kwamuri, 33 1 NEFI 15:17-30 Hongu; vacharangarirwa zvakare kune vemba yaIsiraeri; vachabatanidzwa, vari bazi repo remuti wemuorivi, vachiiswa mumuti wemuorivi wechokwadi. 17 Ezvo izvi ndizvo zviri kureva baba vedu; ezvo vari kureva kuti izvi hazvizoitika kudzamara vati vaparadzwa nevaHedheni; ezvo vanoreva kuti zvichaitika nekuvaHedheni, kuti Ishe aratidze simba rake kuvaHedheni, nechikonzero chichaita kuti arambwe nemaJudha, kana vemba yaIsiraeri. 18 Nokudaro, baba vedu havana kutaura nezvembeu yedu yega, asiwo nezvemba yese yaIsiraeri, achinongedza kuchibvumirano chichazadzikiswa mumazuva ekupedzisira; chiri chibvumirano chakaitwa naShe kuna baba vedu Abhurahamu, achiti: Mumbeu yako hama dzose dzepasi dzicharopafadzwa. 19 Ezvo zvakaitika kuti ini, Neffi, ndakataura kwavari zvizhinji maererano nezvinhu izvi; hongu, ndakataura kwavari nezvekudzorerwa kwemaJudha mumazuva ekupedzisira. 20 Ezvo ndakadzokorora mazwi aIsaya kwavari, akataura nezvekudzorerwa pakare, kwemaJudha, kana kwemba yaIsiraeri; ezvo mushure mekunge vadzorerwa havachazonyadziswa, havazoparadzwa zvakare. Ezvo zvakaitika kuti ndakataura mazwi akawanda kwazvo kuhama dzangu, zvekuti vakapfava ezvo vakazvirereka pamberi paIshe. 21 Ezvo zvakaitika kuti vakataura kwandiri zvakare, vachiti: Chinorevei chinhu ichi chakaonekwa nababa vedu kuhope? Unorevei muti wavakaona? 22 Ezvo ndakati kwavari: Chaive chiratidzo chemuti wehupenyu. 23 Ezvo vakati kwandiri: Rinorevei bango resimbi akaonekwa nababa vedu, raienda pamuti? 24 Ezvo ndakati kwavari raive izwi raMwari; ezvo avo vachateerera kuzwi raMwari, ezvo vachibatirira nesimba kwariri, havazofi; hakuna zviedzo ezvo kana miseve inotyisa yemuvengi ingavakurire ikavapinza muupofu, kuti vatungamirirwe kunoparadzwa. 25 Nokudaro, ini, Nefi, ndakavakuridzira kuti vachenjerere mazwi aIshe; hongu, ndakavakuridzira nesimba remweya wangu rese, nehugwaru hwase hwandinawo, kuti vachenjerere izwi raMwari ezvo vagorangarira kuchengeta mirau yake nguva dzose muzvinhu zvose. 26 Ezvo vakati kwandiri: Ko! rwunorevei rukova rwemvura rwakaonekwa nababa vedu? 27 Ezvo ndakati kwavari mvura yakaonekwa nababa wangu yaive utsvina; ezvo mwoyo wavo wakanga wakanyura mune zvimwe zvinhu zvekuti havana kuona utsvina hwemvura. 28 Ezvo ndakati kwavari yaive mvura yakaipa, inoganhura vakaipa kubva pamuti weupenyu, nekubvawo kuvatendi vaMwari. 29 Ezvo ndakati kwavari Chaive chiratidzo chegehena riye rinotyisa, rakanzi kwandiri nengirozi rakagadzirirwa vakaipa. 30 Ezvo ndakati kwavari baba 1 NEm 15:31-16:2 34 vedu vakaonawo kuti kururama kwaMwari kunoitawo kuti vatsvene vabve muvatadzi; ezvo kupenya kwacho kwakange kwakaita sechenza chemoto uri kubvira, uyo unokwira kuna Mwari narinhi narinhi, ezvo usina magumo. 31 Ezvo vakati kwandiri: Chinhu ichi chinoreva here kunetswa kwemuviri mumazuva ekuedzwa, kana kuti zvekupedzisira zvinenge zvakaita mweya mushure mekufa kwenyama, kana kuti chiri kutaura here nezvezvinhu zvenyama? 32 Ezvo zvakaitika kuti ndakati kwavari chiratidzo chezvinhu zvese zvenyama nezvemweya; nokuti zuva vakafanira kusvika rekuti vatongwe nemabasa avo, hongu, kana mabasa ayo akaitwa nemuviri wenyama mumazuva avo ekuedzwa. 33 Nokudaro, kana vakafa vari mukuipa kwavo vakafanira kuraswawo, muzvinhu zvemweya, izvo zviri zvinhu zviri muururami; nokudaro, vakafanira kuunzwa kuti vazomira pamberi paMwari, kuti vatongwe nemabasa avo; ezvo kana mabasa avo anga ari etsvina ivo vakafanira kuve vakasviba; ezvo kana vakasviba hazvingagone kuti vangagare muumambo hwaMwari; kana zvakadaro, umambo hwaMwari hwakafanira kunge hwakasvibawo. 34 Asi tarisai, ndinoti kwamuri, umambo hwaMwari hauna kusviba, ezvo hakuna chinhu chisina kuchena chingapinde muumambo hwaMwari; nokudaro pakafanira kuve nenzvi mbo yeutsvina yakagadzirirwa izvo zvakasviba. 35 Ezvo kuve nzvimbo yakagadzirwa, hongu, riya gehena rinotyisa randataura nezvaro, ezvo dhiabhori ndiye mugadziri waro; nokudaro nzvimbo yekupedzisira yemweya yevanhu kugara muumambo hwaMwari, kana kurasirwa kunze nenzira yekuenzanisa kuye kwandambotaura. 36 Nokudaro, vakaipa vanorambwa kubva muvakarurama, nekubvawo kumuti uye weupenyu, une muchero unokosha nekudiwa kupfuura mimwe michero yose; hongu, ezvo ndicho chipo chikuru chaMwari kupfuura zvese. Ezvo ndiko kutaura kwandakaita kuhama dzangu. Ameni. CHITSAUKO 16 Vakaipa vanotora chokwadi sechakaoma-Vanakomana vaRehi vanoroora vanasikana vaIshimaeriRiahona inovatungamirira mukufamba kwavo murenje-Mazwi anobva kuna Ishe anortyorwa paRiahona nguva nenguva-Ishinraeri anofa; mhuri yake inotsutsarmwa parnusana pekutambudzika. Zvingangove makore 600 kusvika ku592 Kristra asati aberekwa. Ezvo zvino zvakaitika kuti mushure mekunge ini, Nefi, ndapedza kutaura kuvakoma vangu, tarirai vakati kwandiri: Watitaurira zvinhu zvakaoma, zvatisingakwanise kuna. 2 Ezvo zvakaitika kuti ini ndakati kwavari ndaizviziva kuti 35 1 NEF1 1 b:3-14 ndakanga ndataura zvinhu zvakaoma pamusoro pezvinhu zvakaipa, maererano nechokwadi; vatsvene ndavachenura, ndikagovareverera kuti vave vanosimudzwa nomusi wokupedzisira; nokudaro, vave mhosva vanotora chokwadi sechakaoma, nokuti chinovabaya pamwoyo. 3 Ezvo zvino vakoma vangu, dai manga muri vatsvene uye muchida kuteerera chokwadi, nokuita saizvozvo, kuti muzofamba makatwasanuka pamberi paMwari, hamaizotsutsumwa pamusana pechokwadi, muchiti: Unotaura zvinhu zvakaoma kwatiri. 4 Ezvo zvakaitika kuti ini, Nefi, ndakakurudzira vakoma vangu, nesimba rangu rose, kuti vachengete mitemo yaIshe. 5 Ezvo zvakaitika kuti vakazvininipisa pamberi paIshe; zvekuti ndakava norufaro netariro huru, kuti vachazofamba munzira dzoutsvene. 6 Zvino, zvinhu zvose izvi zvakataurwa nokuitwa apo baba vangu vaigara matende yakanga iri munhika yavakanga vadaidza kuti Remueri. Ezvo zvakaitika kuti ini, Nefi, ndakatora mumwe wavanasikana vaIshimaeri kuti ave mukadzi wangu; zve, vakoma vangu vakatora vanasikana vaIshimaeri kuti vave vakadzi vavo; uyewo Zoramu akatora mwanasikana mukuru waIshimaeri kuti ave mukadzi wake. 8 Ezvo nokudaro baba vangu vakanga vazadzikisa mitemo yose yaIshe yakanga yapiwa kwavari. Uyewo ini, Neffi, ndakanga ndakomborerwa naIshe zvikuru. 9 Ezvo zvakaitika kuti izwi raIshe rakataura kuna baba vangu nousiku, rikavaudza kuti zuva raitevera vaifanirwa kufamba rwendo kuenda murenje. 10 Ezvo zvakaitika kuti baba vangu zvavakamuka mangwanani, ndokuenda kumusuwo wetende, vakashamiswa kwazvo nokuona pasi chinhu chainge bhora chakaitwa noumhizha hunoshamisa; chakanga chakaitwa nendarira yakanaka. Muchibhora umu makanga mune simbi mbiri; imwe yakanga yakanongedzera nzira yataifanirwa kutevedza kuenda murenje. 11 Ezvo zvakaitika kuti takaunganidza zvinhu zvose zvataifanira kuenda nazvo murenje, nezvimwe zvezvinhu zvedu izvo Ishe akatipa; takatora mbeu dzendudzi dzose kuti tive tinotakura kuenda murenje. 12 Ezvo zvakaitika kuti takatora matende edu tikasimuka kuenda murenje, tikayambuka rwizi IZamani. 13 Ezvo zvakaitika kuti takafamba kwenguva inoita mazuva mana, takananga kuchamhembe takarerekera kuMabvazuva zvishoma, takamisa matende edu zvakare; ezvo tikadaidza zita renzvimbo iyi kuti Shazeri. 14 Ezvo zvakaitika kuti takatora uta nemiseve yedu, tikaenda murenje kundobaya kudya kwemhuri dzedu; shure kwokunge tabaya kudya kwemhuri dzedu takadzokera zvakare kwakange kune mhuri dzedu murenje, 1 NEFI 16:15-26 36 kunzvimbo yeShazeri. Ezvo takaenda zvakare murenje, tichitevedza gwara rimwechetero, tichitevedza nzvimbo dzerenje dzaive dzakapfuma, dzakanga dziri kumuganhu pedyo neGungwa Dzvuku. 15 Ezvo zvakaitika kuti takafamba kwemazuva akawanda, tichibaya zvokudya munzira, neuta nemiseve yedu uye nematombo nezvikopo. 16 Ezvo takatevera nzira yatairatidzwa nechibhora, chakatitungamirira munzvimbo dzerenje dzakapfuma. 17 Ezvo shure kwokunge tafamba mazuva akawanda, takamisa matende edu kwechinguva, kuti tizorore zvakare nokuti tiwane kudya kwemhuri dzedu. 18 Ezvo zvakaitika kuti ini, Nefi, ndaenda kundovhima, tarisai, ndakatyora uta hwangu, hwakanga hwakagadzirwa nesimbi yakanaka; ezvo shure kwokunge ndatyora uta hwangu, tarirai, vakoma vangu vakandishatirirwa pamusana pokurasikirwa nouta hwangu, nokuti hatina kuzowana kudya. 19 Ezvo zvakaitika kuti takadzokera tisina zvekudya kumhuri dzedu, sevanhu vakange vakaneta zvikuru, nenzira yerwendo, vakatambudzika zvikuru, pamusana pokushaya zvokudya. 20 Ezvo zvakaitika kuti Ramani naRemueri navanakomana vaIshimaeri vakatangisa kutsutsumwa zvikuru, pamusana pokutambudzika kwavo nezvaivanetsa murenje; uye kana baba vangu vakatangisa kutsutsumwa kuna Ishe Mwari wavo; hongu, vose vakava nokusuwa kukuru, vakatsutsumwa kuna Ishe. 21 Zvino zvakaitika kuti ini, Nefi, shure kwokunge taomeserwa tese nevakoma vangu pamusana pekurasika kweuta hwangu, ezvo tambo dzeuta hwavo dzarasika, zvakatanga kutiomera zvikuru, hongu, zvokuti takatadza kuwana zvokudya. 22 Ezvo zvakaitika kuti ini, Neffi, ndakataura zvikuru kuvakoma vangu, nokuti vakange vaomesa mwoyo yavo zvakare, zvekuti vakanga vavakutsutsumwa pamusana paIshe Mwari wavo. 23 Ezvo zvakaitika kuti ini, Neffi, ndakagadzira uta hwechimuti, ndikashandisa chimuti chakatwasuka, kugadzira museve; naizvozvo, ndokubva ndatora uta nomuseve, nechikopo namatombo. Ezvo ndakati kuna baba vangu: Ndoenda kupi kunotsvaka zvekudya? 24 Ezvo zvakaitika kuti vakakumbira kuna Ishe, nokuti vakanga vazvininipisa nokuda kwamazwi angu; nokuti ndakanga ndataura zvinhu zvakawanda kwavari nesimba romweya wangu. 25 Ezvo zvakaitika kuti izwi raIshe rakauya kuna baba vangu; vakarangwa chaizvo nenzira yokutsutsumwa kwavo kuna Ishe, zvekuti vakasuwa zvikuru. 26 Ezvo zvakaitika kuti izwi raIshe rakati kwavari: Tarira pabhora, ugoona zvinhu zvakanyorwapo. 37 1 NBFI 16:27-38 27 Ezvo zvakaitika kuti baba vangu pavakaona zvinhu zvakanga zvakanyorwa pabhora, vakatya nokudedera kukuru, uye kana vakoma vangu navanakomana vaIshimaeri navakadzi vedu. 28 Ezvo zvakaitika kuti ini, Nefi, ndakaona kwakange kwakatendekerwa netsono dzaive pabhora, kuti dzaisevenza maererano norutendo nesimba redu nokutevedza kwataidziita. 29 Ezvo pakange pakanyorwawo zvinhu zvitsva, zvakanga zvakaieka nokuverengeka, zvakatipa kunzwisisa maererano nenzira dzaIshe; ezvo zvakanga zvakanyorwa zvichishanduka-shanduka nguva nenguva, maererano nokutenda nesimba redu nekutevedza kana kuteerera kwedu kwariri. Naizvozvo tinoona kuti nezvinhu zviduku Ishe anogona kuunza zvinhu zvikuru. 30 Ezvo zvakaitika kuti ini, Neffi, ndakaenda pamusoro pegomo, maererano nenzira dzakanga dzichipiwa nebhora. 31 Ezvo zvakaitika kuti ndakauraya mhuka dzesango, zvekuti ndakawana kudya kwemhuri dzedu. 32 Ezvo zvakaitika kuti ndakadzokera kumatende edu, ndiine mhuka dzandakanga ndauraya; ezvo zvino zvavakaona kuti ndakanga ndawana kudya, mufaro wavo wakava mukuru sei! Ezvo zvakaitika kuti vakazvininipisa pamberi paIshe, vakatenda kwaari. 33 Ezvo zvakaitika kuti takasimudzira nerwendo rwedu, tikafamba zvakada kuenzana negwara redu rokutanga; shure kwokunge tafamba kwamazuva akawanda takadzika matende edu zvakare, kuti timbogara kwenguva yakati. 34 Ezvo zvakaitika kuti Ishimaeri akafa, akavigwa panzvimbo yaidaidzwa kuti Nahomu. 35 Ezvo zvakaitika kuti vanasikana vaIshimaeri vakachema zvikuru, nenzira yokurasikirwa nababa wavo, ezvo nenzira yokutambudzika kwavo murenje; vakatsutsumwa kuna baba vangu, nokuti vakanga vavabvisa munyika yeJerusaremu, vachiti: Baba vedu vafa; hongu, uye tafamba zvikuru murenje, tatambudzika zvikuru, nenzara, nenyota, nekuneta; shure kwokutambudzika uku kwose tichafira murenje nenzara. 36 Ezvo uku ndiko kutsutsumwa kwavaiita kuna baba vangu, nekwandiri; uye vakanga vave nechido chokudzokera zvakare kuJerusaremu. 37 Ezvo zvino Ramani akati kuna Remueri uye nokuvanakomana vaIshimaeri: Tarirai, ngatiurayei baba vedu, uye zvakare nomunin'ina wedu Neffi, anozvitora somutongi wedu nomudzidzisi wedu, isu tiri vakoma vake. 38 Zvino, anoti Ishe ataura naye, uye achiti ngirozi dzinoshumira kwaari. Asi tarirai, tinoziva kuti anotinyepera; achitiudza zvinhu izvi, uye anoita zvinhu zvizhinji nokuda kwoungwaru hwake, kuti atinyengedze mumaziso edu, achifunga, kuti zvimwe, angatitungamirire 1 NEFI 16:39-17:7 38 mune imwe nzvimbo yatisingazive murenje; uye shure kwokunge atitungamirira, anofunga kuzviita iye mambo nomutongi pamusoro pedu, kuti ave anoita nesu kuda kwake nokuzvifadza. Ezvo ndiko kufurira kwakaita mukoma wangu Ramani vamwe kuti vashatirwe. 39 Ezvo zvakaitika kuti Ishe akanga anesu, hongu, uye kana izwi raIshe rakauya rikataura mazwi akawanda kwavari, rikavaranga zvikuru; uye shure kwokunge varangwa neshoko raIshe vakabvisa kushatirwa kwavo, ezvo vakatendeuka pazvivi zvava, zvekuti Ishe akatikomborera zvakare nezvokudya, nokudaro hatina kuzofa. CHITSAUKO 17 Nefi anorairwa kuvaka ngaravaVakoma vake vanomupikisaAnovakurudzira achivayeuchidza pamusana pengano dzaMwari nezvaakaita kuvalsiraeri-Nefi anozadzwa nesimba raMwari-Vakoma vake vanorambidzwa kumubata, nokuti vakamubata vangaome serutsanga. Zvingangove makore 592 kusvika ku591 Kristu asati aberekwa. Ezvo zvakaitika kuti takatora zvakare rwendo rwedu murenje; takafamba takananga kumabvazuva kubva ipapo. Takafamba tikaona matambudziko akawanda murenje; madzimai edu akasununguka vana murenje. 2 Ezvo takapiwa makomborero makuru kubva kuna Ishe, zvekuti patairarama nenyama mbishi murenje, madzimai edu akaita mukaka wevana wakawanda, akava akasimba, hongu, sesu varume; vakatangisa kuenderera mberi nerwendo vasingatsutsumwe. 3 Ezvo nokudaro tinoona kuti mirairo yaMwari inofanirwa kuzadzikiswa. Ezvo kana zvakadaro kuti vana vavanhu vachengete mitemo yaMwari iye achavagutsa, nokuvasimbisa, uye anovapa nzira yokuti vabudirire pazvinhu zvaakavaraira; naizvozvo, akatipa nzira apo taifamba murwendo tiri murenje. 4 Ezvo takafamba kwamakore akawanda, hongu, makore masere tiri murenje. 5 Ezvo takasvika panzvimbo yatakadaidza kuti Nyika yeMaguta, nokuda kwemichero yacho nouchi hwomusango; ezvo zvinhu zvose izwi zvakagadzirirwa isu naIshe kuti tisafe. Ezvo takaona gungwa, ratakadaidza kuti Iriandumu, iro, rodudzirwa zvichireva kuti mvura yakawanda. 6 Ezvo zvakaitika kuti takamisa matende edu pedyo negungwa; zve, zvisinei nekuti takange taona matambudziko akawanda nokuomerwa kukuru, hongu, akawanda zvekuti hatingakwanise kuanyora ese; takafara zvikuru apo patakasvika munyasi megungwa; takadaidza nzvimbo iyi kuti Nyfka yeMaguta, nokuda kwokuwanda kwemichero yayo. 7 Ezvo zvakaitika kuti ini, Neff, ndakati ndagara munzvimbo yeNyika yeMaguta kwamazuva 39 1 NEFI 17:8-19 mazhinji, izwi raIshe rakauya kwandiri, richiti; Simuka, uende mugomo. Ezvo zvakaitika kuti ndakasimuka ndikaenda mugomo, ndikachema kuna Ishe. 8 Ezvo zvakaitika kuti Ishe akataura kwandiri, achiti: Uchavaka ngarava, nomuvakiro wandichakuratidza, kuti nditakure vanhu vako vayambuke mvura iyi. 9 Ezvo Ini ndakati: IShe, ndokupi kwandingaende kwandingawane simbi yokunyunguditsa, kuti ndigadzirise zvinhu zvokugadzirisa ngarava nomuvakiro wamandiratidza? 10 Ezvo zvakaitika kuti Ishe akanditaurira uko kwandaifanirwa kuenda kuti ndinowana simbi, yokugadzirisa zvinhu zvacho. 11 Ezvo zvakaitika kuti ini, Neffi, ndakagadzira mvuto yokupfutisa moto, namatehwe emhuka; ezvo Shure kwokunge ndagadzira mvuto, iyo ndaizopfutisa nayo moto, ndakarovanisa matombo maviri kuti ndiite moto. 12 Nokuti IShe akanga asati amboita kuti tibatidze moto wakawanda, apo taifamba murenje; nokuti akati: Ndichaita kuti kudya kwenyu kunake, kuti musakubike; 13 Uye ini ndichazovawo chiedza chenyu murenje; ndichakugadzirirai nzira mberi kwenyu, kana muchichengeta mirairo vangu; nokudaro, mukachengeta mirairo vangu muchatungamirirwa munyika yechipikirwa; ezvo muchazoziva kuti ndini ndinokutungamirirai. 14 Hongu, Ishe akatiwo zvakare: Shure kwokunge masvika munyika yechipikirwa, muchaziva kuti Ini, Ishe, ndiri Mwari; uye kuti Ini, Ishe, ndakakubvisai kubva mukuparadzwa; hongu, kuti ndakakubvisai munyika yeJerusaremu. 15 Naizvozvo, ini, Nefi, ndakaedza kuchengeta mitemo yaIshe, ndikakurudzira vakoma vangu kuti vave nokutenda nokusimba. 16 Ezvo zvakaitika kuti ndakagadzira zvinhu zvekuvakisa nesimbi yandakanyunguditsa kubva mumatombo. 17 Ezvo vakoma vangu zvavakaona kuti ndave kuda kuvaka ngarava, vakatangisa kutsutsumwa pamusoro pangu, vachiti: Munin'ina wedu ibenzi, nokuti anofunga kuti angavake ngarava; hongu, uye zvakare anofunga kuti angayambuke mvura zhinji iyi. 18 Ezvo uku ndiko kutsutsumwa kwavakoma vangu pamusana pangu, uye vakanga vasingade kusevenza, nokuti vakanga vasingatendi kuti ndingavake ngarava; kana kuvimba kuti ndakange ndarairwa naIshe. 19 Ezvo zvakaitika kuti ini, Neffi, ndakava nokusuwa kukuru pamusana pokuoma kwavo mwoyo; zvino zvavakaona kuti ndakanga ndasuwa vakava vanofara mumwoyo yavo, zvokuti vakafara pamusoro pangu, vachiti: Taizviziva kuti hawaikwanisa kuvaka ngarava, nokuti taiziva kuti wakange usina njere dzacho; naizvozvo, haukwanise 1 NEFI 17:20-30 40 kubudirira mubasa guru rakadaro. 20 Ezvo wakafanana nababa vedu, vakatungamirirwa nokufunga kwoupenzi hwemwoyo wavo; hongu, vakatitungamirira kubva munyika yeJerusaremu, zvino tatetereka nerenje kwamakore aya akawanda; zve madzimai edu vakashanda zvikuru, vaine nhumbu; vakasununguka vana vari murenje vakanna matambudziko ose, kunze kworufu; zvingadai zvakavenani dai vakafa vasati vabva Jerusaremu pane kuti vatambudzike zvakadai. 21 Tarira, makore akawanda ose aya atakatambudzika tiri murenje, iyoyo nguva tingadai takanakirwa nezvinhu zvedu nenyika yenhaka yedu; hongu, tingadai taifara. 22 Uye tinoziva kuti vanhu vakanga vari muJerusaremu vakanga vari vanhu vatsvene; nokuti vaichengeta mitemo yakanyorwa nokutonga kwaIshe, nemirairo yake yose, maererano nemutemo waMosesi; naizvozvo, tinoziva kuti vanhu vatsvene; uye baba vedu vavatonga, uye vakatitungamirira kuti tibudemo nokuti takagashira mazwi avo; hongu, uye munin'ina wedu akafanana navo. Nomutauro wakadai vakoma vanhu vakatsutsumwa pamusana pedu. 23 Ezvo zvakaitika kuti ini, Nefi, ndakataura navo, ndichiti: Munotenda here kuti madzibaba edu, vakanga vari vana veIsiraeri, vangadai vakatungamirirwa here kubva mumaoko emaIjipiti dai vasina kuteerera mazwi aIshe? 24 Hongu, munofunga kuti vangadai vakabviswa muusungwa, dai Ishe asina kuraira Mosesi kuti avatungamirire kubva muusungwa? 25 Zvino munoziva kuti vana veIsiraeri vakanga vari muusungwa; uye munoziva kuti vakanga vaine mabasa akange akaoma zvikuru; naizvozvo, munoziva kuti zvinhu zvakanaka zvaifanirwa kuitwa kwavari, kuti vabviswe muusungwa. 26 Zvino munoziva kuti Mosesi akarairwa naIshe kuti aite basa guru iri; uye munoziva kuti nezwi rake mvura yeGungwa Dzvuku yakaparadzana, vakapfuura nepakaoma. 27 Asi munoziva kuti maIjipiti vakaeredzwa muGungwa Dzvuku, avo vakange vari mauto aFarao. 28 Uye munoziva kuti vakapiwa mana yekudya murenje. 29 Hongu, uye zvakare munoziva kuti Mowsi, nezwi rake maererano nesimba raMwari rakanga riri maari, akarova dombo, rikabuda mvura, kuti vana veIsiraeri vapedze nyota yavo. 30 Ezvo zvisinei nokutungamirwa kwavo, Ishe Mwari wavo, Mununuri wavo, achienda pamberi pavo, aivatungamirira masikati achivapa chiedza usiku, achivaitira zvinhu zvose izvo zvakange zvakafanira kuti zvitambirwe nevanhu, vakaomesa mwoyo yavo vakapofomadza pfungwa dzavo, uye vakapandukira Mowsi naMwari wechokwadi mupenyu. 41 1 NEFI 17:31-43 31 Ezvo zvakaitika kuti maererano neshoko rake akavaparadza; uye maererano neshoko rake akavatungamirira; ezvo maererano nezwi rake akavaitira zvinhu zvose; hapana chinhu chakaitwa chakanga chisiri maererano neshoko rake. 32 Ezvo shure kwokunge vayambuka rwizi rweJorodhani akavapa masimba ekuburitsa vana venyika iyi hongu, ekuvaparadzanisa nekuvaparadza. 33 Ezvo zvino, munofungidzira here kuti vana venyika ino, vakanga vari munyika yechipikirwa, avo vakatandirwa kunze namadzibaba edu, munofungidzira here kuti vakanga vari vatsvene? Tarirai, ndinoti kwamuri, Kwete. 34 Munofunga here kuti madzibaba edu angadai akange ari nani pane avo dai vakanga vari vatsvene? Ini ndinoti kwamuri, Kwete. 35 Tarirai, Ishe anoremekedza vanhu vose zvakaenzana; mutsvene anova anodiwa zvikuru naMwari. Asi tarirai, vanhu ava vakange varamba mazwi ose aMwari, vakanga vakakomba mukuipa; ezvo hasha dzose dzaMwari dzakanga dziri pamusoro pavo; Ishe akatuka nyika iyi pamusoro pavo, akairopafadzira madzibaba edu; hongu, akaituka zvekuti vaparare, ezvo akakomborera madzibaba edu kuti awane simba pamusoro pavo. 36 Tarirai, Ishe akasika nyika kuti igarwe; akasika vana wake kuti ive yavo. 37 Ezvo akasimudzira rudzi akarera nyika tsvene, achiparadza marudzi evakaipa. 38 Ezvo anotungamirira avo vakarurama kunzvimbo dzinokosha, vakaipa anoparadza, nokutuka nyika pamusana pavo. 39 Anotonga kumusoro kumatenga, nokuti ndicho chigaro chake, nyika ino chituru chetsoka dzake. 40 Ezvo anoda avo vanoda kuti ave Mwari wavo. Tarirai, aida madzibaba edu, akaitirana chibvumirano pavo, hongu, kana naAbhurahamu, Isaka, naJakobho; uye akarangarira zvibvumirano zvaakange aita; naizvozvo, akavaburitsa munyika yeljipiti. 41 Ezvo akavatwasanura murenje nemubhadha wake; nokuti vakaomesa mwoyo yavo, kana sezvamaita imi; ezvo Ishe akavatwasanudza pamusana pokuipa kwavo. Akatumira nyoka dzinobhururuka dzinotyisa kwavari; ezvo shure kwokunge varumwa akagadzira nzira dzokuti vaporeswe; basa ravaifanira kuita nderokutarisa; pamusana pekureruka kwenzira iyi, kana kupusa kwayo, pakaita vakawanda vakafa. 42 Ezvo vakaomesa mwoyo yavo nguva nenguva, vakapandukira Mosesi, naMwariwo, zvisinei, munoziva kuti vakatungamirirwa nesimba rake risina anorikwanisa kunyika yechipikirwa. 43 Ezvo zvino, shure kwezvinhu izvi zvose, nguva yasvika yokuti vaipa, hongu, vave pedyo nekukomba; ini handizive asi iye nhasi vave pedyo neku- 1 NEFI 17:44-52 42 paradzwa; nokuti ndinoziva kuti zuva racho rinotofanirwa kuuya ravanofanirwa kuparadzwa, kuchisara vashoma chete, vachazotungamirwa kuenda muusungwa. 44 Nokudaro, Ishe akaraira baba vangu kuti vaifanirwa kuenda murenje; uye maJudha aida kuvauraya; hongu, uyewo kana imi makatsvaga kutora upenyu hwavo; saka, muri mhondi mumwoyo yenyu ezvo makafanana navo. 45 Munomhanyira kuita zvakaipa asi muchinonoka kuyeuka Ishe Mwari wenyu. Maona ngirozi, akataura nemi; hongu, munonzwa izwi rake nguva nenguva; ezvo akataura kwamuri nezwi diki riri pasi-pasi, asi manga musisanzwe, zvekuti hamuna kunzwa mazwi ake; nokudaro, akataura kwamuri nezwi guru, rakaita kuti nyika indengendeke sokunge yakanga yava kuda kutsemuka napakati. 46 Uye munozivawo kuti nesimba nezwi rake anokwanisa kuti nyika itsakatike; hongu, uye munoziva kuti nezwi rake anokwanisa kuti nzvimbo dzine man'an'a dzive dzakakwenenzverwa, uye nzvimbo dzakakwenenzverwa dzipazwe. O, zvino, seiko, muchioma kudaro mumwoyo yenyu? 47 Tarirai, mweya wangu watsemuka nekurwadziwa pamusana penyu, uye mwoyo wangu warwadzwa; ndinotya kuti mucharaswa zvachose. Tarirai, ndakazara noMweya waMwari, zvokuti muviri wangu hauna simba. 48 Ezvo zvakaitika kuti ndataura mazwi aya vakandishatirirwa, vakada zvokundikanda mugungwa; ezvo pavaiuya kuzondibata ndakataura navo, ndichiti: Muzita raMwari saMasimba, ndinokuudzai kuti musandibata, nokuti ndizere nesimba raMwari, kusvika pakuzara kwenyama yangu; uyo anondibata achasvava setsanga yakaoma; ezvo achave semunhu pasina nesimba raMwari, nokuti Mwari achamuranga. 49 Ezvo zvakaitika kuti ini, Nefi, ndakati kwavari havaifanirwa kutsutsumwa zvakare pamusana pababa vavo; kana kuti varambe kushanda neni, nokuti Mwari akange andiraira kuti ndinofanirwa kuvaka ngarava. 5Q Ezvo ndakati kwavari: Kana Mwari andiraira kuti ndiite zvinhu zvose ndinozviita. Akandiraira kuti nditi kumvura iyi, iva ivhu, inofanirwa kuita ivhu; kana ndikazvitaura, zvinoitwa. 51 Ezvo zvino, kana Ishe ane simba guru kudaro, uye akaita zvishamiso zvakawanda muvana vavanhu, ko anozotadza seiko kundiraira ini, kuti ndinofanirwa kuvaka ngarava? 52 Ezvo zvakaitika kuti ini, Neffi, ndakataura zvinhu zvakawanda kuvakoma vangu, zvokuti vakanyara vakatadza kundiitisa nharo; kana kundibata kana kundigumha neminwe yavo, kwamazuva mazhinji. Zvino havana kuzviita izvi nokutya kuti vangasvave, ndiko kusimba kwakange kwakaita Mweya waMwari; uye ndizvo zvawakavatunha. 43 1 N~m 17:53-18:6 53 Ezvo zvakaitika kuti Ishe akati kwandiri: Tambanudza zvakare ruoko rwako kuvakoma vako, havazosvava pamberi pako, asi ndichavavundutsa, akadaro Ishe, uye izvi ndichazviita, kuti vave vanoziva kuti ndini Ishe Mwari wavo. 54 Ezvo zvakaitika kuti ndakatambanudza ruoko rwangu kuvakoma vangu, vakasasvava pamberi pangu; asi Ishe akavazunza, kana maererano neshoko raakange ataura. 55 Ezvo zvino, vakati: Tinoziva zvechokwadi kuti Ishe anewe, nokuti tinoziva kuti isimba raIshe ratizunza. Ezvo vakawira pasi pamberi pangu, vakanga voda kundinamata, asi ndakavarambidza, ndichiti: Ndiri munun'una wenyu, hongu, muduku kwamuri; nokudaro, namatai Ishe Mwarfi wenyu, muve munokudza baba naamai wenyu, kuti mazuva enyu ave anowanda munyika iyo Ishe Mwarfi wenyu achakupai. CHITSAUKO 18 Ngarava inopedzzva-kuzvarwa kwaJakobho naJosefa kunotaurwa-Vanotangisa rwendo rwekuenda kunyika yecl~tipikirwaVanakomana valshirnaeri navakadzi vavo vanobatana mukupanduka-Nefi anosungwa, ngarava inodzoserwa shure nedutu remhepo yakaipa-Nefi anosunungurwa, ezvo kuburikidza nomunantato wake dutu remhepo rinopera-vanhu vanosvika munyika yavakavimbi swa. Zvingangove makore 591 kusvika ku589 Kristu asati aberekwa. Ezvo zvakaitika kuti vakanamata Ishe, vakaenda neni; tikaveza mapango engarava neumhizha hunoshamisa. Ezvo Ishe aindiratidza nguva nenguva nzira yandaifanira kuveza nayo mapango engarava aya. 2 Zvino ini, Nefi, handina kuveza miti iyi sekuveza kunoita vanhu, zve handina kuvaka ngarava iyi sekuvakwa kwainoitwa nevanhu; asi ndakaivaka netsika yandakanga ndaratidzwa naShe; naizvozvo, isina kufanana nenzira yavanhu. 3 Ezvo zvino ini, Neffi, ndaienda mugomo, ndichinonamata kuna Ishev nokudaro Ishe akandiratidza zvinhu zvikuru. 4 Ezvo zvakaitika kuti shure kwokunge ndapedza kuvaka ngarava, maererano nezwi raIshe, vakoma vangu vakaona kuti yakanga yakanaka, nokuti basa rakanga rakanaka zvinoyevedza; naizvozvo, vakazvininipisa zvakare pamberi paIshe. 5 Ezvo zvakaitika kuti izwi raIshe rakauya kuna baba vangu, kuti tinofanirwa kusimuka tipinde mungarava. 6 Ezvo zvakaitika kuti mangwana acho, shure kwokunge tagadzirira zvinhu zvose, michero yakawanda nenyama kubva murenje, neuchi hwakawandisa, nezvimwe zvataida sekutumwa kwatakange taitwa naShe, takaenda mungarava, nemikwende yedu yose nembeu, nezvimwe zvinhu zva- 1 NEFI 18:7-16 44 takanga tauyawo nazvo, mumwe nomumwe maererano nezera rake; naizvozvo, takaenda mungarava tose, pamwechete navakadzi navana vedu. 7 Ezvo zvino, baba vangu vakanga vaita vanakomana vaviri murenje; mukuru ainzi Jakobho muduku achinzi Josefa. 8 Ezvo zvakaitika kuti shure kwokunge tose tapinda mungarava, tatora mbuva dzedu nezvinhu zvose zvatakanga tarairwa, takapinda mungarava ikafambiswa nemhepo tichienda kunyika yechivimbiso. 9 Ezvo shure kwokunge tatinhwa nemhepo mazuva akawanda, tarirai, vakoma vangu navanakomana vaIshimaeri navakadzi vavo vakatangisa kuzvifadza, zvekuti vakatanga kutamba, nokuimba, nokutaura nenzira yakaipa, hongu, nokudaro vakakanganwa simba rakanga raita kuti vasvike pavakange vave apa, hongu, kuzvikudza zvakananya. 10 Ezvo ini, Nefi, ndakatanga kuva nokutya kukuru kuti Ishe achashatirwa nesu, akatiranga pamusana pokuipa kwedu, tikazomedzwa tikanyura mugungwa; naizvozvo, inini, Neffi, ndakatanga kutaura navo zvinyoro-nyoro; asi vakandishatirirwa, vachiti: Hatibvume kuti munun'una wedu ave mutongi wedu. 11 Ezvo zvakaitika kuti Ramani naRemueri vakanditora vakandisunga netambo, vakandibata zvakaipa zvikuru; asi zvisinei, Ishe akazvibvumira kuti aratidze simba rake, mukuzadzikisa shoko rake iro akange ataura pamusoro pevakaipa. 12 Ezvo zvakaitika kuti shure kwokunge vandisunga zvokuti handina kukwanisa kufamba, chinongedzo, chakange chagadzirwa naShe kuti chititungamirire, chakabva charega kushanda. 13 Naizvozvo, havana kuziva kwokunangisa ngarava, mukudaro kwakasimuka dutu guru, hongu, mhepo yakaipisa zvikuru, tikadzorerwa shure pamusoro pemvura mazuva matatu; tichidzokera kumashure; vakatangisa kuva nokutya kukuru kuti vangangonyudzwa mugungwa; zvakadaro havana kundisunungura. 14 Ezvo pazuva rechina, apo takanga tadzorwa shure, mhepo yakatangisa kuwanza zvinorwadza. 15 Ezvo zvakaitika kufi takange tava kuda kumedzwa negungwa. Ezvo shure kwokunge tadzorerwa shure tiri mumvura kwamazuva mana, vakoma vangu vakatangisa kuona kuti kutonga kwaMwari kwakanga kwava pavari, kuti vanofa kana vasina kutendeuka kubva pazvivi zvavo, saka, vakauya kwandiri, vakasunungura tambo dzakanga dzakandisunga maoko, hongu, akanga azvimba zvikuru, ezvo nezviziso zvemakumbo angu zvakanga zvazvimbawo, zvichirwadza zvikuru. 16 Zvakadaro ndakatarisa kuna Mwari wangu, ndakamukudza zuva rose; ezvo handina kutsutsumwa kuva Ishe pamusana pokutambudzwa kwangu. 45 1 NEFI 18:17-25 17 Zvino baba vangu, Rehi, vakanga vataura zvinhu zvakawanda kwavari, uyewo nekuvanakomana vaIshimaeri; asi, tarirai, vakatyisidzira uyo wese aida zvekundireverera; ezvo vabereki vangu savanhu vakanga vakwegura, ezvo vari vanhu vairwadziwa nenzira yekuita kwevana vavo, hongu, vakange vave vangu veparukukwe rwokurwara. 18 Nokuda kwokutambudzika kwavo nokusuwa, nokutadza kwavakoma vangu, vakanga vaunzwa pedyo nokutakurwa kubva panguva ino kuti vasangane naMwari vavo; hongu, uye kana bvudzi ravo jena rakanga rava pedyo kurinzwa muguruva; hongu, uye vakanga vava pedyo kuti vakandwe nokusuvaa muguva rizere mvura. 19 Ezvo Jakobho naJosefa, sezvo vakanga vari vadiki, vaida zvinogutsa zvakawanda, vakasuwa pamusana pekutambudzika kwamai vavo; uye mudzimai wangu nemisodzi neminamato yake, uye vava vangu, havana kunyevenutsa mwoyo yavakoma vangu kuti vandisunungure. 20 Ezvo hapana chimwe chinhu kunze kwesimba raMwari, raivatyisidzira kuti richavaparadza, chaiita kuti vapfavise mwoyo vavo; naizvozvo, zvavakaona kuti vakange vavakuda kumedzwa negungwa vakatendeuka pazvinhu zvavakanga vaita, mukudaro vakandisunungura. 21 Ezvo zvakaitika kuti shure kwokunge vandisunungura, tarirai, ndakatora chinongedzo, chikasevenza nenzira yandaida. Ezvo zvakaitika kuti ndakanamata kuna Ishe; shure kwokunge ndananata mhepo yakamira, dutu rikamira kukava nokunyarara kukuru. 22 Ezvo zvakaitika kuti ini, Nefi, ndakafambisa ngarava, tikafamba tichienda kunyika yechipikirwa. 23 Ezvo zvakaitika kuti shure kwokunge tafamba mazuva akawanda takasvika munyika yechipikirwa; takaburuka, tikadzika matende edu; tikaidaidza kuti nyika yechipikirwa. 24 Ezvo zvakaitika kuti takatangisa kurima, tikatangisa kudyara mbeu; hongu, tikaisa mbeu dzedu dzose muvhu, idzo dzatakanga tauya nadzo kubva kunyika yeJerusaremu. Ezvo zvakaitika kuti dzakakura zvikuru; naizvozvo, takakomborerwa zvikuru. 25 Ezvo zvakaitika kuti takaona munyika yechipikirwa, apo taifamba murenje, kuti makanga muine mhuka mumasango dzemhando dzose, nzombe nemhou, mbongoro namahachi, mbudzi nembudzi dzomusango, nedzimwewo mhuka dzesango, idzo dzakange dzakaisirwa kushandiswa navanhu. Takaona mabwe esimbi dzose, egoridhe, nesirivha, nemhangura. CHITSAUKO 19 Neffi anoita ntaFtwendefa esimbi ezvo obva anyora rungano rwevanhu vekwake-Mwari walsiraeri achauya kwapfuura mazana matanhatu ernakore kubvirtt panguva 1 NEFI 19:1-% 46 yakabva Rehi rrzuJerusaremuNefi anotaura pamusoro pekutambudzwa nekuroverwa kwakeMaJudI2a vachashorwa ezvo vagoparadzaniswa kudakara mazuva ekupedzisira, pavachazodzokera kuua Ishe. Zvingangove makore 588 kusvika ku570 Kristu asati aberekwa. Ezvo zvakaitika kuti Ishe akandituma, nokudaro ndikagadzira mahwendefa esimbi kuti ndigonyora paari zvinyorwa zvevanhu vekwedu. Ezvo pamahwendefa andakaita ndakaisa zvinyorwa zvababa vangu, nenzendo dzedu tiri murenje, nezviporofita zvababa vangu; nezvizhinji zvezviporofita zvangu ndakazvinyora paari. 2 Ezvo handina kuziva panguva yandakanga ndichiagadzira kuti ndichazotumwa naShe kugadzira mahwendefa aya; nokudaro, zvinyorwa zvababa vangu, nezvenhorohondo yekuberekwa kwemadzibaba avo, nechidimbu chezvakawanda zvekufamba kwedu murenje zvakanyorwa pamahwendefa aye ekutanga andambotaura; nokudaro, zvinhu zvakatora nzvimbo ndisati ndagadzira mahwendefa aya, pachokwadi, zvakataurwa nezvazvo kunyanya mumahwendefa ekutanga. 3 Ezvo mushure mekuita mahwendefa aya nekutumwa, ini, Neffi, ndakagashira shoko rekuti ufundisi nezviporofita, zvidimu zvainge zvakanyanya kuve pachena ezvo zvinokosha zvacho, zvaifanirwa kunyorwa pamahwendefa aya; ezvo nokuti zvinhu zvinyorwa zvichengeterwe kudzidziswa vanhu vekwangu, vanenge vari varidzi venyika, nemamwe mabasawo, aya mabasa ari anozivikanwa kuna Ishe. 4 Nokudaro, ini, Nefi, ndakaita zvinyorwa pane mamwe mahwendefa, zvinopa nhoroondo, kana zvinopa nhoroondo huru yedzihondo nekupesana nekuparadzwa kwevanhu vekwangu. Ezvo izvi ndakazviita, ezvo ndikaudza vanhu vekwangu zvekuita mushure mekunge ndaenda; nekuti mahwendefa aya akafanira kugashidzanwa chizvarwa nechizvarwa, kana kuti kubva kune muporofita zvichienda kune mumwe, kudakara Ishe ataura zvakare. 5 Ezvo nhoroondo yekugadzira kwangu mahwendefa aya ichapiwa mushure; ezvo zvino, tarisai, ndoenda mberi maererano nezvandataura; ezvo izvi ndinoita kuti zvinhu zvinonyanya kuera zvichengeterwe kuziva kwevanhu vekwangu. 6 Zvakadaro, handinyore chinhu pamahwendefa kunze kwekunge ndichifunga kuti chinoyera. Ezvo zvino, kana ndikakanganisa, kana vakare vaikanganisa; kwete kuti ndinotsvaka kuzvinatsa pamusoro pevamwe, asi nenzira yekusasimba kuri mandiri, maererano nenyama, ndingazvinatse. 7 Nokuti zvinhu zvinotariswa pevamwe vanhu sezvinhu zvinokosha zvikuru, zvese kumuviri nekumweya, vamwe vanozviita zvisina maturo vozvitsika pasi netsoka dzavo. Hongu, 47 1 N~Fi 19:8-15 kana Mwari chaiye waIsiraeri vanhu vanomutsikirira pasi petsoka dzavo; ndinoti, kutsikirira pasi petsoka dzavo asi ndikataura nemamwe mazwivanomuita chinhu chisina maturo, ezvo havateerere kuzwi rake rokuraira. 8 Ezvo tarisai anouya, maererano nemazwi engirozi, mumazana matanhatu emakore kubva panguva baba vangu yavakasiya Jerusaremu. 9 Ezvo nyika, nenzira yekuipa kwavo, vachamuti chinhu chisina maturo; nokudaro vanomuranga, ezvo anozvibvumira; ezvo vanomurova, ezvo anozvibvumira. Hongu, vanomusvipira, ezvo anozvibvumira, nenzira yerudo rwetsitsi dzake nemwoyo murefu wake kuvana vevanhu. 10 Ezvo Mroari wamadzibaba edu, avo vakatungamirwa kubuda munyika yeIjipiti, kubva muusungwa, ezvo vakachengetwa naye murenje, hongu, Mroari waAbhurahamu, ezvo waIsaka, naMwari waJakobho, ozvipira, maererano nemazwi engirozi, semunhu, mumaoko evanhu vakaipa, kuti agosimudzwa, maererano nemazwi aZenoki, ezvo agoroverwa, maererano nemazwi aNeumu, ezvo agovigwa mubwiro, maererano nemazwi aZenosi, aakataura pamusoro pemazuva matatu erima, richapiwa sechiratidzo chekufa kwake kune avo vanenge vari vagari vemuzvitsuwa zvegungwa, kunyanya zvichapiwa kune avo vemba yaIsiraeri. 11 Nokuti ndiko kutaura kwakaita muporofita: Ishe Mroari chokwadi achashanyira vese vemba yaIsiraeri pazuva iroro, vamwe nezwi rake, nenzira yeururami hwavo, mukufara kwavo kukuru neruponiso, ezvo vamwe nekutinhira nemabhanan'ana esimba rake, nedutu remhepo, nemoto, neutsi, nekunyangarika kwerima, nekuzuruka kwevhu, nemakomo achatakurwa mudenga. 12 Ezvo zvese zvinhu izvi zvechokwadi zvichauya, anotaura muporofita Zenosi. Ezvo matombo enyika akafanira kutsemuka; nenzira yekugomera kwepasi, vazhinji vemadzimambo ezvitsuwa zvegungwa vachatunhwa neMweya waMwari, vagodaidzira: Mroari wenyika atambudzika. 13 Ezvo kune avo vari kuJerusaremu, muporofita anoti, vacharangwa vevanhu vose, nokuti vanorovera Mroari waIsiraeri, ezvo vachiisa mwoyo yavo rutivi, vachiramba zviratidzo neminana, nesimba nembiri yaMwari waIsiraeri. 14 Ezvo nenzira yokuti vanotendeutsira mwoyo yavo rutivi, anotaura muporofita, ezvo vakashora Mutsvene waIsiraeri, vachakwetaira munyama, voparara, ezvo vove mhepo inoshita, ezvo vagovengwa mukati memarudzi ose. 15 Zvakadaro, kana zuva iroro rasvika, anodaro muporofita, zvekuti vanenge vasisaite kuti mwoyo yavo ivenge Mutsvene waIsiraeri, ndipo paachazoyeuka zvibvumirano zvaakaita kumadzibaba avo. 1 NEPI 19:16-20:1 48 16 Hongu, ndipo paachayeuka zvitsuwa zvegungwa; hongu, nevese vanhu avo vemba yaIsiraeri, ndichavaunganidza, anodaro Ishe, maererano nemazwi emuporofita Zenosi, kubva mumativi mana epasi. 17 Hongu, ezvo pasi pose pachaona ruponiso rwaIshe, anodaro muporofita; rwese rudzi, hama, ndimi pevanhu vacharopafadzwa. 18 Ezvo ini, Nefi, ndakanyora zvinhu izvi kuvanhu vekwangu, kuti zvimwe ndingavanyengetedze kuti vayeuke Ishe Mununuri wavo. 19 Nokudaro, ndinotaura kune vese vemba yaIsiraeri, kuti zvimwe vangawane zvinhu izvi. 20 Nokuti tarisai, ndine mabasa emumweya, anondinetesa zvekuti nhengo dzemuviri wangu dzese hadzina simba, mukunzwira kwangu avo vari Jerusaremu; nokuti dai Ishe akanga asina kuna tsitsi, dzekundiratidza pamusoro pavo, sezvaaiita kuvaporofita vakare, ndingadai ndakafawo. 21 Ezvo chokwadi akaratidza kuvaporofita vakare zvinhu zvese pamusoro pavo; ezvo akaratidzawo vazhinji pamusoro pedu; nokudaro, takafanira kuziva nezvavo nokuti zvakanyorwa pamahwendefa endarira. 22 Zvino zvakaitika kuti ini, Nefi, ndakadzidzisa vakoma vangu zvinhu izvi; ezvo zvakaitika kuti ndakavaverengera zvinhu zvizhinji, zvakanga zvakanyorwa pamahwendefa endarira, kuti vazive nezvekuita kwaIshe kune dzimwe nyika, pakati pevanhu vakare. 23 Ezvo ndakavaverengera zvinhu zvizhinji zvakanyorwa mumagwaro aMosesi, asi kuti zvimwe ndivanyengetedze zvakakwana kuti vatende munaIshe Mununuri wavo ndakavaverengera izvo zvakanyorwa nemuporofita Isaya; nokuti ndakafananidza magwaro matsvene ese kwatiri, kuti zvitiyamure nokuti tidzidze. 24 Nokudaro ndakataura kwavari, ndichiti: Inzwai imi mazwi emuporofita, imi muri vakasara vemba yaIsiraeri, bazi rakatyoka rikava paro rega; inzwai imi mazwi emuporofita, ayo akanyorerwa kuna vose vemba yaIsiraeri, mugoafananidza nemi, kuti mugove netariro nehama dzenyuwo dzinove ndipo pamakapazuka muchibva; nokuti ndipo tsika yazvakanyorwa nayo nemuporofita. CHITSAUKO ZO Ishe anoratidza zvaanoda kuna kuna Isiraeri-Isiraeri akasarudzwa rnucitoto chematambudziko ezvo achaenda aehibva muBhabhironi-Enzanisai nalsaya 48. Zvingangove makore 588 kusvika ku570 Kristu asati aberekwa. TEERERAI munzwe izvi, O imi vemba yaJakobho, munodaidzwa nezita raIsiraeri, ezvo mauya kubva mumakungwa aJudha, kana mabuda mumvura yerubhabhatidzo, munopika nezita raShe, ezvo muchitaura nezvaMwari waIsiraeri, asi 49 1 NEFI 20:2-16 vasingapike muchokwadi kana mukururama. 2 Zvakadaro, vanozvidaidza kuti ndeveguta dzvene, asi havaite kuti vagare vari munaMwari waIsiraeri, uyo anove ndiye Mwari weMauto; hongu, Mwari weMauto ndiro zita rake. 3 Tarisai, ndakazvitaura zvinhu izvi kubvira pakutanga; ezvo zvakabuda zvichibva mumuromo wangu, ezvo ndikavaratidza. Ndikaerekana ndavaratidza. 4 Ezvo ndakazviita nokuti ndaiziva kuti une nharo, ezvo mutsipa wako irunda resimbi, ezvo mhanza yako indarira; 5 Ezvo kana kubvira pakutanga ndakataura kwauri; zvisati zvaitika ndakakuratidza kwavari; ezvo ndakavaratidza pamusana pekutya kuti pamwe waizoti-Chimufananidzo changu ndicho chazviita, ezvo mufanidzo wangu wakavezwa, ezvo mufananidzo wangu wakaumbwa ndiwo wataura. 6 Waona ukanzwa zvese izvi; ezvo hamuzvitaure here? Ezvo nokuti ndakuratidza zvinhu zvitsva kubvira panguva ino, kana zvinhu zvakavanda, ezvo iwe wange usingazvizive. Zvakasikwa iye zvino, ezvo kwete kubvira pakutanga, kana muzuva rawakange usati wazvinzwa zvakange zvatotaurwa kwauri kare, pamwe ungazotiTarisai ndaizviziva. 8 Hongu, ezvo hauna kunzwa; hongu, hawaiziva; hongu, kubvira panguva iyo nzeve dzako hadzina kuvhurwa; nokuti ndaiziva kuti waizoita nekunyenge dza kukuru, ezvo wakadaidzwa kunzi mutadzi kubva uri munhumbu. 9 Zvakadaro, pamusoro pezita rangu ndinombomisa kushatirwa kwangu, ezvo pamusoro pekurumbidzwa kwangu ndombobva kwauri, kuti ndisaite muganhu newe. 10 Nokuti, tarisa, ndakakunatsa, ndakakusarudza muchoto chemoto wedambudziko. 11 Kuzviitira ini, hongu, nenzira yangu ini ndichazviita izvi, nokuti handizobvumira zita rangu kuti risvibiswe, ezvo handizopa mbiri yangu kune mumwe. 12 Teerera kwandiri, O Jakobho, newe Isiraeri wakadaidzwa wangu, nokuti ndini iye; ndini wekutanga, ezvo ndiniwo wekupedzisira. 13 Ruoko rwangu ndirwowo rwakaisa hwaro hwepasi, ezvo ruoko rwangu rwerudyi ndirwo rwakasika matenga. Ndinozvidaidza ezvo zvichimira pamwechete. 14 Mese imi, unganai pachenyu, ezvo mumwe; ndiani pakati pavo akataura zvinhu izvi kwavari? Ishe akamuda; hongu, achazadzikisa shoko rake raakataura nekwavari; ezvo achaita zvinomufadza neBhabhironi, ezvo ruoko rwake rwuchauya pamusoro pemaKaridhea. 15 Zvekare, Ishe anoti; ini Ishe, hongu, ndakataura; hongu, ndikamudaidza kuti ataure, ndakamuunza, ezvo achaita nzira yake ibudirire. 16 Uyai imi pedyo neni; 1 NEPI 20:17-21:5 50 handina kutaura muruvande; kubvira pakutanga, kubvira panguva yazvakataurwa pachena ndakataura; ezvo Ishe Mwari, neMweya wake, vakatuma ini. 17 Ezvo ndiko kutaura kwaIshe, Mununuri wenyu, Mutsvene waIsiraeri; Ndamutuma, Ishe Mtyari wenyu anokudzidzisai kuwana, anokutungamirirai nemunzira yamakafanira kuenda nayo, azviita. 18 O dai makateerera mirau vangu-zvino runyararo rwenyu rwungadai rwakaita serukova, ezvo kururama kwenyu kwakaita semasaisai egungwa. 19 Mbeu yenyuwo ingadai yakaita sejecha; zvizvarwa zveura hwenyu setsanza; zita rake haraifanira kunge rakabviswa kana kuparadzwa kubva pamberi pangu. 20 Endai imi veBhabhironi, tizai kubva kumaKaridhea, nezwi rekuimba daidzirai, taurai izvi, taurai kusvika kumuganhu wenyika; itii: Ishe anunura muranda wake Jakobho. 21 Ezvo havana kunzwa nyota; akavatungamirira mugwenga; akavaitira kuti muura iyerere ichibva mudombo; akatsemurawo dombo ezvo muura dzikadhubhuka. 22 Ezvo kana dai zvazvo akaita zvese izvi, nezvimwe zvikuruwo kupfuura izvi, hakuna runyararo, anodaro Ishe, kune vakaipa. CHITSAUKO 21 Mesiya achave mwenje kuvaHedheni ezvo achasunungura vasu ngwa-Isiraeri ichaunganidzwa nesimba mumazuva ekupedzisira -Madzimambo ndivo vachave madzibaba ekuvarera-Enzanisai nalsaya 49. Zvingangove makore 588 kusvika ku570 Kristu asati aberekwa. Ez~o zvakare: Inzwai, O imi vemba yaIsiraeri, mese imi makabva mukatandirwa kunze nenzira yekuipa kwevafudzi vevanhu vangu; hongu, mose imi makabva, makapararira, muri vanhu vekwangu, O imba yaIsiraeri. Teererai, O imi zvitsuwa, kwandiri, ezvo inzwai imi vanhu vanobva kure; Ishe akandidaidza ndiri munhumbu; ndiri muura hwamai vangu akataura zita rangu. 2 Ezvo akaita muromo wangu kuti uve wakapinza semunondo; akandiviga mumumvuri weruoko wwake, ezvo akandiita museve wakakwenenzverwa, akandiviga munhava yake. 3 Ezvo akati kwandiri: Iwe uri muranda wangu, O Isiraeri, mandichakudzwa zvikuru. 4 Zvino ndakati, ndakashandira pasina, ndakaparadza simba rangu zvisina maturo ezvo pasina; chokwadi kutongwa kwangu kuna Ishe, ezvo basa rangu rina Mtyari wangu. 5 Ezvo zvino, Ishe anodarouyo akandiita kubva munhumbu kuti ndive muranda wake, kuti ndiunze Jaknbho zvakare kwaari-kana dai Isiraeri isina kuungana, kana dai zvakadaro ndichakudzwa mumaziso maShe, ezvo Mtyari wangu achave simba rangu. 51 1 NEFi 21:6-19 6 Ezvo akati: Chinhu chiri nyore kwazvo kuti uve muranda wangu kuti umutse marudzi aJakobho, nokudzorera pakare avo vakachengetedzwa vaIsiraeri. Ndichakupawo semwenje kuvaHedheni, kuti uve ruponiso wwangu kusvika kwakaperera pasi. 7 Ndizvo zvinotaurwa naShe, Mununuri waIsiraeri, Mutsvene, kuna iye anoshorwa nevanhu, kuna iye asingadiwe nemarudzi, kune muranda wevatongi: Madzimambo achaona agosimuka, machinda naivowo vachanamata, nenzira yaShe ane rutendo. 8 Ndizvo zvinotaurwa naShe: Munguva yakafanira ndakakunzwai, O zvitsuwa zvegungwa, ezvo muzuva reruponiso ndakakuyamurai; ezvo ndichakuchengetedzai, ezvo ndigokupai muranda wangu sechibvumirano chevanhu, kusimbisa pasi, kuna kuti nenhaka dzange dzisina kugarwa dzigarwe; 9 Kuti mungazoti kuvasungwa: Endai; kune avo vagere murima: Zviratidzei. Vachadya mudzinzira, ezvo mafuro avo achave munzvimbo dzose dzakatunhumara. 10 Havachazonzwa nzara kana nyota, kana kupisa kana zuva hazvingavanetse, nokuti ane tsitsi navo achavatungamirira, nekuzvisipiti zvemvura achavaratidza. 11 Ezvo ndichaita makomo angu ese ave nzira, ezvo migwagwa yangu ichasimudzirwa. 12 Ezvo zvino, O imba yaIsiraeri, tarisa, ava vachabva kure; ezvo ona, ava vachabva kuchamhembe nekumadokero; ava vachabva munyika yaSinimi. 13 Imbai, O Matenga; ezvo muve nemufaro, O iwe nyika; nokuti tsoka dzeavo vari kumabvazuva dzichamiswa; ezvo mugotanga kuimba, O imi makomo; nokuti haachazorohwa; nokuti Ishe anyaradza vanhu vake, ezvo anozove netsitsi kune avo vanotambudzika. 14 Asi, tarisa, Zioni yakati: Ishe andirasa, ezvo Ishe wangu andikanganwa-asi acharatidza kuti haana. 15 Ko mudzimai angakanganwe here mwana wake ari kuyamwa, kuti atadze kunzwira nyasha mwanakomana weura hwake? Hongu, vangakanganwe, asi ini handizokukanganwa, O imba yaIsiraeri. 16 Tarira, ndakakunyora pazvanza zvemaoko angu; tsvingo dzako dziri mberi kwangu nguva dzose. 17 Vana vako vachakurumidza kurwisa mharadzi dzako; neavo vakakuparadza vachabva kwauri. 18 Simudza meso ako utarisetarise ezvo uone; vese ava vanoungana pamwechete, ezvo vachauya kwauri. Ezvo sezvo ndichirarama, anodaro Ishe, uchazvifukidza chokwadi navo vose, sechishongo, ezvo wovasungirira pauri semwenga. 19 Nokuti nzvimbo dzako dzakaipa nedzakanga dzisina aigara, nenyika yawakaparadza, iye zvino dzave diki nenzira yevageremo; nevakakumedza vanenge vave kure. 1 NEFr 21:20-22:3 52 20 Vana vaunenge waita, mushure mekunge warasikirwa nevekutanga, vachati zvakare munzeve dzako: Nzvimbo ino yakamanikidzikana kwandiri; ndipei nzvimbo ini yekuti ndigare. 21 Zvino iwe uchati nemumwoyo mako: Ndiani akandiberekera izvi, munoona kuti ndakarasikirwa nevana vangu, ezvo handina chandiinacho, ndini nhapwa, ezvo ndinongoti ndaenda ndadzoka? Uye ndiani akaunza izvi? Tarira, ndakasiiwa ndega, ava, vanga varipi? 22 Ndizvo zvinotaurwa naIshe: Tarha, ndichasimudzira ruoko rwangu kuvaHedheni, ezvo ndigomisa rupawo rwangu kuvanhu; ezvo vachauya nevanakomana wako mumaoko avo, ezvo vanasikana wako vachatakurwa pamapfudzi avo. 23 Ezvo madzirnambo achave madzibaba ekukurerai, ezvo madzimambokadzi avo ndivo madzimai ekukurerai; vachakotama kwamuri nezviso zvavo zvakatarisa pasi, ezvo vagonanzva guruva retsoka dzenyu; ezvo iwe uchaziva kuti ndini Ishev nokuti havazonyara avo vanondimirira. 24 Nokuti zvapambwa zvingabvutirwe vanotyisa here, kana kuti nhapwa dzepamurau dzingasunungurwa here? 25 Asi ndizvo zvinotaura Ishe, kana nhapwa dzevanotyisa dzichatorwa, ezvo nyama yevakaipa ichasunungurwa; nokuti ndicharwisana naye anorwisana newe, ezvo ndichaponisa vana vako. 26 Ezvo avo vanokudzvinyiri ra ndichavadyisa nyama yavo; vachararadza neropa ravo sekunge vanwa waini; ezvo yese nyama ichaziva kuti ini, Ishe, ndini Muponisi wako neMununuri wako, Anotyisa waJakobho. CHITSAUKO 22 Isiraeri ichapararira nepasi posevaHedheni vacharera nokuriritira Isiraeri nevhangeri mumazuva ekupedzisira-Isiraeri achaunganidzwa agoponeswa, ezvo vakaipa vachatsva semashanga-Ltmambo hwadhiabhori huchaparadzwa, ezvo Satani achasungwa. Zvingangove makore 588 kusvika ku570 Kristu asati aberekwa. Ezvo zvino zvakaitika kuti mushure mekunge ini, Nefi, ndaverenga zvinhu izvi zvakanga zvakanyorwa pamahwendefa endarira, hama dzangu dzakauya kwandiri ezvo dzikati kwandiri: Zvinhu zvawaverenga izvi zvinorevei? Tarisa, zvinonzwikwa sezvinhu zviri maererano nemweya here, zvichazoonekwa maererano nemweya ezvo kwete kunyama? 2 Ezvo ini, Neffi, ndakati kwavari: Tarisai zvakaiswa pachena kumuporofita nezwi reMweya; nokuti nemweya zvese zvinhu zvinoziviswa kuvaporofita, zvichazoitika kuvana vevanhu maererano nezvenyama. 3 Nokudaro, zvinhu zvandaverenga zvinhu zvinoreva pamusoro pezvenyama nepamusoro pezvemweya; nokuti zvinoratidzika kuti imba yaIsiraeri, rnu- 53 1 NEFi 22:4-13 shure mechinguva, ichapararira pasi pose, nemumarudzi ose. 4 Ezvo tarisai, kune vazhinji vakatorasika vasisazivikanwe neavo vari Jerusaremu. Hongu, rwuzhinji rwemarudzi rwakatorwa rwukaendwa narwo; ezvo vakapararira kwese-kwese muzvitsuwa zvegungwa; ezvo kuti varipi hakuna mumwe wedu anoziva, kunze kwekuti tinoziva kuti vakatorwa vakaendwa pavo. 5 Ezvo kubvira nguva yavakatorwa, zvinhu izvi zvange zvichingunoporofitwa pamusoro pavo, nemaereranowo neavo yose vachaparadzirwa ezvo vagovhiringwa, nenzira yeMutsvene waIsiraeri; nokuti vachaomesa mwoyo yavo nekusamuda; nokudaro vachaparadzirwa mumarudzi ose ezvo vagovengwa nevanhu vese. 6 Zvakadaro, mushure mekunge varerwa nevaHedheni, ezvo Ishe asimudzira ruoko rwake vaHedheni avamisa serupawo, ezvo vana yavo vatakurwa mumaoko avo, ezvo vanasikana yavo vatakurwa pamapfudzi avo, tarisai zvinhu zviri kutaurwa izvi ndezvenyama; nokuti ndizvo zvakaita zvibvumirano zvaShe nemadzibaba edu; ezvo zvinoreva isu mumazuva ari kuuya, nehama dzedu dzese dziri dzemba yaIsiraeri. Ezvo zvinoreva kuti nguva ichasvika yekuti mushure imba yese yaIsiraeri yaparadzirwa ezvo yavhiringwa, kuti Ishe Mtyari achamisa rudzi rwukuru pakati pevaHedheni, hongu, kana pamusoro penyika ino; neavo mbeu yedu ichaparadzirwa. 8 Ezvo mushure mekuparadzirwa kwembeu yedu Ishe Mwari achaita rimwe basa rinoshamisa kwazvo pakati pevaHedheni, richave rinokosha kwazvo kumbeu yedu; nokudaro, zvinofananidzwa nokuriritirwa nevaHedheni nokunge vakatakurwa mumaoko avo nepamapfudzi avo. 9 Ezvo zvichave zvinokoshawo kuvaHedheni; ezvo kwete kuvaHedheni chete asi nekumba yose yaIsiraeri, nemukuziviswa kwezvibvumirano zvababa vedenga kuna Abhurahamu, zvichinzi: Mumbeu yako ese marudzi epasi acharopafadzwa. 10 Ezvo ndingade, hama dzangu, kuti muzive kuti ese marudzi epasi haangaropafadzwe kunze kwekunge aratidza simba rake mumaziso emarudzi. 11 Nokudaro, Ishe Mtyari acharatidza simba rake mumaziso emarudzi ose, mukuunza zvibvumirano zvake nevhangeri rake kune avo vemba yaIsiraeri. 12 Nokudaro, achavaburitsa zvakare muutapwa, ezvo vachaunganidzwa pamwechete munyika dzenhaka yavo; ezvo vachaburitswa mukudzikatirwa ezvo murima; ezvo vachaziva kuti Ishe ndiye Muponisi wavo neMununuri wavo, Anotyisa weIsiraeri. 13 Ezvo ropa rezisangano riya guru rakaipa, rinove ndiro pfambi repasi pose, richavaoindukira pamusoro pavo; nokuti vacharwisana pakati pavo, ezvo 1 NEFi 22:14-23 54 munondo uri mumaoko uchawira pamusoro pavo, ezvo vachararadza neropa ravo. 14 Ezvo rwose rudzi rwucharwisana newe, iwe imba yaIsiraeri, vachapindukirana pachavo, ezvo vachawira mugomba ravachera kuteya vanhu vaShe. Ezvo vese avo vanorwisana neZioni vachaparadzwa, nepfambi guru riya, rakaipisa nzira dzaIshe, hongu, zisangano riye guru rakaipa, richawira pasi muguruva ezvo kuwa kwaro kuchavekukuru. 15 Nokuti tarisai, anodaro muporofita, nguva iri kuuya nokukurumidza yokuti Satani haachazove nesimba mumwoyo yevana vevanhu; nokuti zuva riri kusvika iye zvino rekuti vose vanodada neavo vanoita zvakaipa vachave semashanga; ezvo zuva riri kusvika rekuti vapiswe. 16 Nokuti nguva iri kusvika zvino zvino yekuti kuzara kwehasha dzaMwari kuchadirwa pane vose vana vevanhu; nokuti haazobvumira kuti vakaipa vaparadze vakarurama. 17 Nokudaro, achachengetedza vakarurama nesimba rake, kana dai zvazvo kuzara kwehasha dzake kukauya, ezvo vakarurama vachengetedzwe, kana dai vavengi vavo vachiparadzwa nemoto. Nokudaro, vakarurama havafanire kutya; nokuti ndiko kutaura kwemuporofita, vachaponeswa, kana dai ungave moto. 18 Tarisai, hama dzangu, ndinoti kwamuri, zvinhu izvi zvinofanira kuitika muchinguva chiri kuuya zvino zvino, hongu, kana ropa, nemoto, nemweya weutsi zvakafanira kuuya; ezvo zvakafanira kunge zviri pamusoro penyika ino; ezvo zvinouya kuvanhu maererano nenyama kana zvaitika kuti vaomesa mwoyo yavo kuMutsvene waIsiraeri. 19 Nokuti tarisai, vakarurama havazofi; nokuti nguva chokwadi yakafanira kusvika yekuti avo vose vanorwisana naZioni vachadimurwa. 20 Ezvo Ishe chokwadi achagadzirira vanhu vake nzira, mukuzadzikisa kwemazwi aMosesi, aakataura, achiti: Ishe Mwari wenyu achakumutsirai muporofita, sezvandakaita ini; iyeyo ndiye amuchanzwa muzvinhu zvese zvaachataura kwamuri. Ezvo zvichaitika kuti vese avo vacharamba kunzwa muporofita iyeyo vachadimurwa kubva muvanhu. 21 Ezvo zvino ini, Nefi, ndinotaura kwamuri, kuti muporofita uyu akataurwa nezvake naMosesi aive Mutsvene waIsiraeri; nokudaro, achatonga mukururama. 22 Ezvo vakarurama havafanire kutya, nokuti ndivo vaye vasingavhiringwe. Asi umambo hwadhiabhori, huchavakwa mukati mevana vevanhu, huri umambo hwakaiswa pakati pavo avo venyama 23 Nokuti nguva ichasvika nokukurumidza yekuti ese masangano akavakirwa kuwana, ezvo ese ayo akavakirwa kuwana simba renyama, neayo ose akavakirwa kuita mbiri 55 1 NEFI 22:24-31 mumaziso enyika, neayo anotsvaka kufadza nyama nezvinhu zvenyika, nokuita zvakasiyana-siyana zvakaipa; hongu, muchidimbu, avo vose vemuumambo hwadhiabhori ndivo vanofanira kuuya, ezvo vadedere, ezvo vandengendeke; ndivo vaya vachadzikiswa muguruva; ndivo vaya vachatsva semashanga; ezvo izvi zviri maererano nemazwi emuporofita. 24 Ezvo nguva iri kuuya nokukurumidza yekuti vakarurama vatungamirwe semhuru dziri kuiswa mudanga, ezvo Mutsvene waIsiraeri agotonga nyika, nesimba, nokubwinya kukuru. 25 Ezvo anounganidza vana vake kubva kumativi mana ese enyika; ezvo anoverenga hwai dzake, ezvo dzinomuziva; ezvo kuchave nedanga rimwechete nemufudzi mumwechete; ezvo achafudza hwai dzake, ezvo maari dzichawana mafuro. 26 Ezvo nenzira yekururama kwevanhu vake, Satani haana simba; nokudaro, haangapfutunurwe kwemakore akawanda; nokuti haana simba mumwoyo yevanhu, nokuti vagere mukururama, ezvo Mutsvene waIsiraeri anotonga. 27 Ezvo zvino tarisai, ini, Nefi, ndinoti kwamuri zvese zvinhu izvi zvakafanira kuuya maererano nezvenyama. 28 Asi, tarisai, nyika dzose, madzinza, ndimi, navanhu vachagara zvakanaka muMutsvene waIsiraeri kana zvaitika kuti vatendeuka. 29 Ezvo zvino ini, Neffi, ndinopedza; nokuti handifanire kupfuura zvandataura kwazvino maererano nezvinhu izvi. 30 Nokudaro, hama dzangu, ndingade kuti muzive kuti zvinhu zvakanyorwa pamahwendefa endarira ndezvechokwadi; ezvo zvinopupura kuti munhu akafanira kuteerera mirau yaMwari. 31 Nokudaro, hamufanire kufunga kuti ini nababa vangu ndisu chete tazvipupura, nekuzvidzidzisa. Nokudaro, kana mukave munoteerera mirau, ezvo mugoshingirira kusvika kumagumo, muchaponiswa muzuva rekupedzisira. Ezvo ndizvo zvazviri. Ameni. BHUKU RECHIPIRI RANEFI Nhoroondo yokufa kwaRehi. Vakoma vaNefi vanomupandukira. Ishe anoyambira Nefi kuti aende murenje. Mafambiro ake murenje, nezvimwewo. CHITSAUKO 1 Rehi anoporofita pamusoro penyika yorusununguko-Mbeu vake ichaparadzwa nokurangwa kana vachinge varamba Mutsvene waIsiraeri-Anokurudzira vanakomana vake kuti vapfeke nguwo dzou- 2 NEFI 1:1-10 56 tsvene. Zvingangove makore 588 kusvika ku570 Kristu asati aberekwa. EZVO zvakaitika kuti shure kwokunge ini, Nefi, ndapedza kudzidzisa vakoma vangu, baba vedu, Rehi, vakataurawo zvinhu zvakawanda kwavari, vakadzokorora kwavari, kuti Ishe akanga aita zvinhu zvikuru sei kwavari mukuvaburitsa munyika yeJerusaremu. 2 Ezvo akataura kwavari pamusana pokupanduka kwavo mumvura, netsitsi dzaMwari mukuvaponesa nokuti vasamedzwe mugungwa. 3 Ezvo akataura kwavari zvakare pamusana penyika yechipikirwa, iyo yavakanga vawana-kuti Ishe akanga ane tsitsi dzakaita sei pakutiyambira kuti titize kubva kunyika yeJerusaremu. 4 Nokuti, tarirai, ndaona chiratidzo, chandiratidza kuti Jerusaremu yaparadzwa; ezvo dai takaramba tiri kuJerusaremu tingadai takafa. 5 Asi, akati, kana dai zvazvo takatambudzika, tawana nyika yechipikirwa, nyika yakanaka kupfuura dzimwe nyika; nyika iyo Ishe Mwarfi akabvumirana neni kuti ichazova nyika yembeu yangu. Hongu, Ishe akavimbisa nyika iyi kwandiri, nokuna vana vangu nokusingaperi, naavo vose vachatungamirirwa kubva kune dzimwe nyika noruoko rwalshe. 6 Saka, ini, Rehfi, ndinoporofita nokushanda kweMweya uri mandiri, kuti hapana kana mumwe achauya munyika ino kunze kwokunge aunzwa noruoko rwalshe. 7 Naizvozvo, nyika ino yakagadzirirwa avo chete vaanounza. Ezvo kana vari vachamushandira nenzira yemitemo yaanovapa, ichazova nyika yerusununguko kwavari; naizvozvo, havachazoiswa zvakare muusungwa; nokuti zvikadaro, zvinenge zvakonzerwa nekutadza kwavo; nokuti kana kutadza kukawanda nenyika ichatukwa pamusana pavo, asi kuvatsvene icharopafadzwa nokusingaperi. 8 Ezvo, tarirai, huchenjeri kuti nyika ino haifanire kuzivikanwa nedzimwe nyika; nokuti tarirai, vanhu venyika zhinji vachamhanyira kunyika ino, zvekuti hapazosara nzvimbo yenhaka. 9 Saka, ini, Rehfi ndakavimbiswa, kuti kuna avo vose Ishe Mwari achaunza kubva kunyika yeJerusaremu vachachengeta mirairo yake, vachabudirira pauso hwenyika ino; vachazochengetwa kubva kune dzimwe nyika, kuti nyika ino ive yavo vega. Ezvo kana vakachengeta mirairo yake vachakomborerwa pachiso chenyika ino, hapana achavanetsa, kana kutora nyika yenhaka yavo; vachagara pasina chavanotya nokusingaperi. 10 Asi tarirai, kana nguva yasvika yokuti vave kuderera mukusatenda, shure kwokunge vagamuchira makomborero makuru akadai kubva kuna Ishe-vane ruzivo rwokusikwa kwenyika, navanhu vose, nokuziva mabasa anoshamisa makuru aIshe kubva pakusikwa 57 2 NEFI 1:11-21 kwenyika; nokuva nesimba rakapiwa kwavari kuti vaite zvinhu zvose mukutenda; nokuva nemirairo yose kubva pakutanga, nokuuiswa muno nokunaka kwaIshe kusingaperi munyika ino yechipikirwa-tarirai, ndinoti, kana zuva rikazosvika ravacharamba Uyo Mutsvene weIsiraeri, Mesiya wechokwadi, Mununuri wavo naMwari wavo, tarirai, kutonga kwake uyo asina tsvete kuchagara pavari. 11 Hongu, achaunza mamwe marudzi kwavari, ezvo achapa simba kwavari, ezvo achavatorera nyika nezvinhu wavo, ezvo achavaita kuti vaparadzwe nokubaiwa. 12 Hongu, kubva kunoita chizvarwa ichi kuchiuya chimwe kuchave nekudeuka kweropa, nokurangwa kukuru pakati pavo; naizvozvo, vanakomana wangu ndinoti dai mayeuka; hongu, ezvo makwanisa kuteerera mazwi angu. 13 O kuti mumuke; mukai kubva pakurara kwakadzika, hongu, kana kumuka mukurara kwomugehena, muzunze ngetani dzakakusungai, dziri idzo ngetani dzakasunga vana vavanhu, dzinoita kuti vagozotakurwa muuranda kuenda pavo pasi kumatambudziko anokusuwa nehondo nokusingaperi. 14 Mukai! musimuke kubva muguruva, munzwe izwi romubereki ari kubvunda, ane mapfupa amucharadzika pasi muguva rinotonhora rinyerere, uko kusina anoendako akadzoka; mazuva mashomana ezvo ndoenda nzira yepasi rose. 15 Asi tarirai, Ishe adzikinura mweya wangu kubva mugehena; ndaona kubwinya kwake, ndikakomberedzwa nokusingaperi mumaoko ake orudo. 16 Uye ndinoda kuti muyeuke kuchengetedza mitemo nekuranga kwaIshe; tarirai, ichi ndicho chinhu change chichinetsa mwoyo wangu kubva pakutanga. 17 Mwoyo wangu wakatsitsirwa nokusuwa nguva nenguva, nokuti ndaitya, nenzira yokuomesa mwoyo yenyu kuti Ishe Mwari wenyu angauye nokutsamwa kuzere kwamuri, mukatsaurwa nokuparadzwa zvachose; 18 Kana, kuti kutukwa kungauye kwamuri kwezvizvarwa zvakawanda; ezvo mukashanyirwa nomunondo, nenzara, mukavengwa, mukatungamirirwa nokubatwa sokuda kwadhiabhorosi. 19 O vanakomana wangu, dai zvinhu izvi zvarega kuuya kwamuri, asi kuti muve vakasarudzwa nokudiwa savanhu vaIshe. Asi tarirai, kuda kwake ngakuitwe; nokuti nzira dzake dzakarurama nokusingaperi. 20 Ezvo iye akati: Kana mukachengeta mirairo yangu muchabudirira panyika; asi kar a mukasachengeta mirairo yangu muchabviswa pamberi r-angu. 21 Ezvo zvino kuti mweya wangu uwane rufaro mamuri, ezvo nokuti mwoyo wangu usiye nyika ino uchifara pamusoro penyu, kuti ndisaiswe muguva ndakasuwa, simukai kubva muguruva, vanakomana wangu, muve varume, mushinge 2 NEFI 1:22-31 58 nepfungwa imwechete nomwoyo mumwechete, makabatana pazvinhu zvose, kuti musaiswe pausungwa; 22 Kuti musatukwe nokotukwa kunorwadza; uye zvakare, kuti musaite zvinoita kuti Mwari akanaka akushatirirwei, akuparadzei, hongu, pakuparadzwa kwomweya nomuviri kusingaperi. 23 Mukai, vanakomana vangu; mupfeke nguo dzoutsvene. Zunzai ngetani dzakakusungai, mubve pamusingaonekwe, ezvo musimuke kubva muguruva. 24 Musamukire zvakare munin'ina wenyu, uyo ane pfungwa dzinobwinya, uye akachengeta mirairo kubvira panguva yatakasiya Jerusaremu; anga achishandiswa ari mumaoko aMwari, mukutiunza munyika yechipikirwa; nokuti dai pakanga pasina iye, tingadai tose takafa nenzara murenje; zvisinei, imi maitsvaga kuparadza upenyu hwake, hongu, akatambudzika nokusuwa zvikuru pamusana penyu. 25 Ezvo ndinotya zvikuru nokubvunda pamusana penyu, kuti achatambudzika zvakare; nokuti tarirai, makamupomera mhaka yokuti anga achitsvaga simba rokutonga imi; asi ndinoziva kuti haana kutsvaga simba rekuti akutongei, asi akatsvaga kubwinya kwaMwari, nemagariro enyu akanaka nokusingaperi. 26 Ezvo mukatsutsumwa nokuti akakutaurirai pachena. Munoti akange akakuomeserai; munoti anga akashatirirwa imi; asi tarirai, kutaura kwake kwanga kuri kutaura kwesimba reshoko raMwari, iro rakanga riri maari, nezvamunodaidza kuti kushatirwa ichokwadi, maererano nezviri muna Mwari, zvaakanga asingagone kuvanza, asi kuisa pachena pasina kutya kutadza kwenyu. 27 Ezvo zvinofanira kuti simba raMwari rive naye, uye kunyange pakukurairai kuti makafanira kuteerera. Asi tarirai, akanga asiri iye, asi wakanga uri Mweya waIshe wakanga uri maari, wakazarura muromo wake kuti urambe uchitaura. 28 Ezvo zvino mwanakomana wangu, Ramani, newe Remueri naSamu, ezvo vanakomana vangu vanove vanakomana vaIshimaeri, tarirai, mukateerera kuizwi raNefi hamuparari. Ezvo mukateerera kwaari ndichakupai chikomborero, hongu, chikomborero changu chekutanga. 29 Asi mukaregera kuteerera kwaari ndichatora chikomborero changu chekutanga, uye chichazogara pamusoro pake. 30 Ezvo zvino, Zoramu, ndinotaura kwauri: Tarira, uri muranda waRabhani; zvisinei, wakaunzwa kubva kunyika yeJerusaremu, ndinoziva kuti uri shamwari yechokwadi yemwanakomana wangu, Nefi, nokusingaperi. 31 Naizvozvo, nokuti wanga uchivimbika zvikuru mbeu yako ichakomborerwa nembeu yake, kuti vagare muupfumi kwenguva yakareba munyika ino; ezvo hakuna, kunze kweku- 59 2 NEFI 1:32-2:8 nge vave nokuipa pakati pavo, chinovakuvadza kana kuvakanganisa mukubudirira kwavo munyika ino nokusingaperi. 32 Naizvozvo, ukachengeta mirairo yaIshe, Ishe akagadzirira nyika ino kuchengetedzwa kwembeu yako nembeu yomwanakomana wangu. CHITSAUKO 2 Rununuro rzaunouya nomuna Mesiya Mutsvene-Kusununguka pakuzvisarudzira (kuzvifungira) kunofanirwa kunge kuripo kuti tirarame ezvo tibudirire-Kutadza kwaAdhamu kwaive kwekuti vanhu vavepo-Vanhu vanokwanisa kusarudza rusununguko noupenyu husingaperi. Zvingangove makore 588 kusvika ku570 Kristu asati aberekwa. Ezvo zvino, Jakobho, ndinotaura kwauri: Iwe uri chizvarwa changu chokutanga chomumazuva okutambudzika kwangu murenje. Zvino tarira, mukukura kwako wakatambudzika nokusuwa zvikuru, nokuda kwokuipa kwavakoma wako. 2 Zvisinei hazvo, Jaknbho, chizvarwa changu chokutanga murenje, unoziva ukuru hwaMwari; achakutsaurira matambudziko ako ugowana nokuda kwawo. 3 Naizvozvo, mweya wako uchakomborerwa, ezvo uchagara zvakanaka nomukoma wako, Nefi; mazuva ako achaperera mukushandira Mwari wako. Nokudaro, ndinoziva kuti wakaponeswa, nokuda kwoutsvene hweMununuri wako; nokuti waona kuti mukukwana kwenguva anouya kuzopa ruponeso kuvanhu. 4 Ezvo wakaona kubwinya kwake paujaya hwako; naizvozvo, wakakomborerwa seavo vaachaparidzira vachimuona panyama; nokuti Mweya mumwechete, nezuro, nhasi nokusingaperi. Ezvo nzira yakagadzirirwa kubvira pakupunzika kwomunhu, uye ruponeso nderwepachena. 5 Ezvo vanhu vanorairwa zvakakwana kuti vazive zvakanaka kubva pane zvakaipa. Ezvo mutemo unopiwa kuvanhu. Uye nomutemo hapana nyama isina chitema; kana kuti, nomutemo vanhu vakaraswa. Hongu, maererano nemutemo wenyika vakaraswa; uyezve, nemutemo wemweya vanofa neizvo zvakanaka, vove vanosuwa nokusingapere. 6 Naizvozvo, rununuro rwunouya nomuna Mwiya Mutsvene; nokuti azere nenyasha nechokwadi. 7 Tarira akazvipira sechibairo chezvivi, kuti azadzikise zvido zvemutemo, kuna avo vose vane mwoyo yakapfava nomweya wokuzvininipisa; hakuna mumwezve angagutse vagariro dzemutemo. 8 Naizvozvo, zvinokosha sei kuna kuti zvinhu izvi zvose zvizivikanwe kuvanhu vose wenyika, kuti vazive kuti hakuna nyama ingagare pamberi paMwari, kunze kwekunge iine kodzero, netsitsi, nenyasha dzaMesia Mutsvene, uyo akapa upenyu hwake hwenyama, achihutora zvakare nesimba 2 NEFI 2:9-16 60 roMweya, kuti aunze kumutswa kwevakafa, achiva iye wokutanga kumuka. 9 Naizvozvo, anova michero yokutanga kuna Mwari, achabatsira vanhu vose; avo vose vanotenda maari vachaponeswa. 10 Ezvo nokuda kworubatsiro rwavose, rwevanhu vose rwaakapa, vanhu vose vanouya kuna Mwari; naizvozvo, vanomira pamberi pake, kuti vatongwe naye maererano nechokwadi noutsvene huri maari. Saka, zvinodiwa nemutemo wakapiwa noUyo Mutsvene, zvinopa kurangwa kwakatogadzirirwa, kuri kuranga kwakatogadzirirwa iko kurangwa ikoko kwakasiyana norufaro rwunobva mukuteerera, kugutsa zvinodiwa zverudzikinuro 11 Nokuti zvinofanira, kuti pagare panokupikisana pane zvinhu zvose. Kana zvisina kudaro, dangwe rangu rokutanga murenje, utsvene hawaizokwanisa kuunzwa, kana kuipa, kana utsvene kana kusuwa, kana zvakanaka kana zvakaipa. Naizvozvo, zvinhu zvose zvinofanirwa kusangana kuve chinhu chimwechete; naizvozvo kana uri muviri mumwechete unofanirwa kuramba wakafa, usina upenyu kana rufu, kana kunyangadzwa kana kusanyangadzwa, rufaro kana kusuwa, kana kunzwa nekusanzwa. 12 Naizvozvo, chingadai chakasikirwa pasina; naizvozvo pangadai pakanga pasina chinangwa mukusikwa kwacho. Naizvozvo, chinhu ichi chinofanirwa kuparadza uchenjeri hwaMwari nezvinangwa zvake zvokusingaperi, uye zvakare nesimba, netsitsi, nokutonga kwakanaka kwaMwari. 13 Ezvo kana uchiti hakuna mutemo, uchatiwo hakuna zvivi. Kana uchiti hakuna chivi uchatiwo hakuna utsvene. Ezvo kana kusina utsvene hakuna rufaro. Kana kusina utsvene kana rufaro saka kunenge kusina kurangwa kana kusuwa. Ezvo kana zvinhu zvose izvi kusina hakuna Mwari. Kana kusina Mwari isu hatipo, kana nyika; nokuti kungadai kusina kusikwa kwezvinhu, zvekuita kana zvekuitirwa; naizvozvo, zvinhu zvose zvingadai zvakatsakatika. 14 Ezvo zvino, vanakomana vanhu, ndinotaura zvinhu izvi kuti mudzidze zvizokuyamurai; nokuti Mwari ariko, uye akasika zvinhu zvose, zvose denga nenyika, nezvinhu zvose zviri mazviri, zvose zvinoita nezvinoitirwa. 15 Ezvo kuti aunze zvinangwa zvake zvokusingaperi munguva yekupera kweupenyu hwevanhu, shure kwokunge asika vabereki vedu yokutanga, nemhuka dzesango neshiri dzedenga, zve muchidimbu zvinhu zvose zvakasikwa, paifanirwa kuti kuve nechaipikisa; ichi chaive muchero wairambidzwa uchipikisana nomuti woupenyu; mumwe wainaka mumwe uchivava. 16 Naizvozvo, Ishe Mwari akapa kumunhu kuti azviitire zvinhu zvake ega. Naizvozvo, munhu akanga asingakwanise kuzviitira zvinhu zvake ega 61 2 NEFI 2:17-28 asina kutsveterwa nechimwe chezviviri izvi. 17 Ezvo ini, Rehi, maererano nezvinhu zvandakaverenga, ndinofanirwa kufunga kuti ngirozi yaMwari, maererano neizvo zvakanyorwa, yakadonha kubva kudenga; naizvozvo, akava dhiabhorosi, akanga atsvaga zvakaipa pamberi paMwari. 18 Ezvo nokuti akanga adonha kubva kudenga, akava anosuwa nokusingaperi, akatsvaga kusuwisa marudzi ose. Naizvozvo, akati kuna Evha, hongu, kana iyo nyoka, inova dhiabhorosi, anova baba wenhema dzose, naizvozvo akati: Idya muchero unorambidzwa; hauzofi, asi uchava saMwari, uchiziva zvakanaka nezvakaipa. 19 Ezvo shure kwokunge Adharnu naEvha vatora muchero wairambidzwa vakatandwa mumunda weEdheni, kuti varime ivhu. 20 Ezvo vakabereka vana; hongu, iyo mhuri yenyika yose. 21 Ezvo mazuva evana vevanhu akawedzerwa, maererano nokuda kwaMwari, kuti vatendeuke vachiri munyama; naizvozvo, nguva yavo yakave nguva yokuedzwa, nguva yavo ikawedzerwa, maererano nemirairo iyo Ishe Mwari akapa kuvana vevanhu. Nokuti akapa mirairo yekuti vanhu yose vanofanirwa kutendeuka; nokuti akaratidza vanhu yose kuti vakarasika, nokuda kwechitadzo chavabereki yavo. 22 Ezvo zvino, tarirai, dai Adharnu asina kutadza angadai asina kupunzika, asi angadai akaramba ari mumunda weEdheni. Uye zvinhu zvose zvakasikwa zvingadai zvakaramba zvakaita sezvazvakanga zvakaita kubvira nguva yazvakasikwa; ezvo zvingadai zvakaramba zvakadaro nokusingaperi, uye hazvaipera. 23 Ezvo vangadai vasina vana; naizvozvo vangadai vakaramba vasina mhosva, vasina rufaro, nokuti vakanga vasingazive kusuwa; vasingaite zvakanaka, nokuti havaiziva chivi. 24 Asi tarirai, zvinhu zvose zvakaitwa muruzivo rwouyo anoziva zvinhu zvose. 25 Adhamu akapunzika kuti vanhu vavepo; uye vanhu varipo, kuti vave norufaro. 26 Ezvo Mesiya anouya mukukwana kwenguva, kuti anunure vana vevanhu pakupunzika. Uye nokuti vaponeswa pachitadzo ichi vava vakasununguka nokusingaperi, vachiziva chakanaka kubva pane chakaipa; kuita ivo kwete kuitirwa, kunze kwekurangwa nemurau pazuva guru rokupedzisira, maererano nemirairo yakapiwa naMwari. 27 Naizvozvo, vanhu vakasununguka maererano nenyama; zvinhu zvose zvakapiwa kwavari zvakanakira vanhu. Ezvo vanokwanisa kusarudza rusununguko neupenyu usingaperi, nenzira yoMuenzanisi mukuru wevanhu yose, kana kusarudza usungwa nerufu, maererano neusungwa nesimba radhiabhorosi; nokuti anotsvaga kuti vanhu yose vasuwe saiye. 28 Ezvo zvino, vanakomana vanhu, ndingade kuti mutarisire 2 NEFI 2:29-3:7 62 Muenzanisi mukuru, muteerere mirairo yake mikuru; nokuva munovimbisika kumazwi ake, musarudze upenyu husingaperi, maererano nokuda kweMweya wake Mutsvene; 29 Ezvo musasarudza rufu rwusingaperi, maererano nokuda kwenyama nokuipa kuri mairi, kunopa mweya wadhiabhori simba rokubata pfungwa, akudzikisei kugehena, kuti azokutongai muumambo hwake. 30 Ndataura mazwi mashoma aya kwamuri mose, vanakomana vangu, mumazuva ekupedzisira ekuedzwa kwangu; uye ndasarudza zvakanaka, maererano namazwi omuporofita. Uye handina chimwe chinangwa kunze kwemagariro akanaka emweya yenyu nokusingaperi. Ameni. CHITSAUKO 3 Josefa muIjipiti anoona maNefi muchiratidzo-Akaporofita pamusoro pajoseph Smith, muoni wamazuva ekupedzisira; nezvaMosesi, anozosunungura Isiraeri; nokuuya kweBhuku raMorimoni. Zvingangove makore 588 kusvika ku570 Kristu asati aberekwa. Ezvo zvino ndinotaura kwauri, Jowfa, gotwe rangu. Wakazvarirwa murenje mukati mematambudziko angu; hongu, amai vako vakakubereka mazuva ekutambudzika nekusuwa kwangu kukuru. 2 Uye Ishe ngaakupezve nyika iyi, inova nyika yakanaka zvikuru, senhaka yako neyembeu yako nevakoma vako kuti ive yenyu zvachose, kana muri machengetedza mitemo yeMutsvene weIsiraeri. 3 Ezvo zvino, Josefa, gotwe rangu, uyo wandakaburitsa kubva murenje mokutambudzika kwangu, Ishe akukomborere nokusingaperi, nokuti mbeu yako haichazoparadzwi zvachose. 4 Nokuti tarira, uri muchero wechiuno changu; ndiri wedzinza raJosefa uyo akatakurwa akaendeswa kuIjipiti muuranda. Ezvo zvibvumirano zvikuru zvakaitwa naIshe kuna Jowfa. 5 Naizvozvo, Jowfa zvechokwadi akaona zuva redu. Ezvo akawana vimbiso yaIshe, kuti kubva pamuchero wechiuno chake Ishe Mwari achakudza bazi dzvene kune veimba yaIsiraeri; bazi iroro rinenge risiri Mesiya, asi bazi rakanga richazotyorwa, nokudaro, kuti rizorangarirwa muzvibvumirano zvaIshe kuti Mesia azozviratidza kwavari mumazuva okupedzisira, musimba romweya, achivaunza kubva murima kupinda muchiedza-hongu, kubva murima rakavanzika nokubuda kubva muuranda kuenda murusununguko. 6 Nokuti Jowfa akapupura zvechokwadi, achiti: Muoni achamutswa naIshe Mtyari wangu, achazova muoni akasarudzwa kumichero yechiuno changu. 7 Hongu, Josefa zvechokwadi akati: Izvi ndizvo zvakataura Ishe kwandiri: Ndichamutsa muoni kubva pamuchero wechiuno chako; achave munhu 63 2 NEFI 3:8-17 anokudzwa pakati pemichero yechiuno chako. Ezvo kwaari ndichapa mirairo yokuti aite basa pakati pemichero yechiuno chako, hama dzake, richava rakakosha kwavari, uye kana kuunza kwavari ruzivo rwezvibvumirano zvandakaita namadzibaba ako. 8 Ezvo ndichamupa murairo iye wokuti asaita rimwe basa, kunze kwebasa randichamuraira ini. Ezvo ndichamupa mukuru mumaziso angu; nokuti achaita basa rangu. 9 Ezvo, achazova mukuru saMosesi, uyo wandati ndichamutsa kwamuri, kuti aponese vanhu vangu, vemba yaIsiraeri. 10 Ezvo ndichamupa Mosesi, kuti aburitse v anhu vako munyika yeIjipiti. 11 Asi muoni ndichamumutsa kubva pemuchero wechiuno chako; ezvo kwaari ndichapa simba nokuunza mazwi angu kumbeu yechiuno chako-kwete kungounza mazwi angu chete, Ishe anodaro, asi mukuvaita kuti vagutsikane pamusoro peshoko rangu, iwo anetenge atovepo kare pakati pavo. 12 Naizvozvo, muchero wechiuno chako uchanyora; muchero wechiuno chaJudha uchanyora; uye izvo zvichanyorwa nomuchero wechiuno chako, neizvo zvichanyorwa nomuchero wechiuno chaJudha, zvichakura pamwechete, zvigonyadzisa dzidziso dzenhema nokuisa pasi kusawirirana nokuunza runyararo pakati pemuchero wechiuno chako, nokuunza kwavari ruzivo rwamadzibaba avo mumazuva okupedzisira, uye noruzivo rwezvibvumirano zvangu, Ishe anodaro. 13 Ezvo mukusasimba achaitwa kuti asimbe, muzuva iro basa rangu richatangiswa pakati pavanhu vangu, mukudzoserwa kwenyu, vemba yaIsiraeri, Ishe anodaro. 14 Ezvo Josefa akaporofita, achiti: Tarirai, muoni uyo achakomborerwa naIshe; avo vose vachatsvaka kuti vamuparadze vachanyadziswa; nokuti chivimbiso ichi, chandakawana kubva kunaIshe, chomuchero wechiuno changu, chichazadzikiswa. Tarirai, ndine chokwadi pamusoro pokuzadzikiswa kwechivimbiso ichi; 15 Ezvo achadaidzwa zita rangu; richava zita rababa vake. Ezvo achazova seni; nokuti chinhu, chichaunzwa naIshe noruoko rwake, kuburikidza nesimba raIshe chichaunza vanhu vangu kuruponeso. 16 Hongu, uku kuporofita kwaJosefa: Ndine chokwadi nechinhu ichi, sezvo ndine chokwadi nevimbiso yaMosesi; nokuti Ishe akati kwandiri, ndichachengetedza mbeu yako nokusingaperi. 17 Ezvo Ishe akati: Ndichamutsa mumwe Mowsi; ndichapa simba kwaari riri mumudonzvo; ndichapa utongi kwaari hwakanyorwa. Asi handizosunungura rurimi rwake, kuti ataure zvakawanda, nokuti handimuite mukuru pakutaura. Asi ndichamunyorera mutemo wangu, nomunwe woruoko rwangu; ezvo ndichamupa anomutaurira. 2 NEFI 3:18-4:3 64 18 Ezvo Ishe akatiwo kwandiri: Ndichamumutsa kumuchero wechiuno chako; ndichamuitira mutauri wake. Ezvo ini, tarira, ndinoita kuti anyore pamusoro pezvomuchero wechiuno chako, kumuchero wechiuno chako; ezvo mutauri wemuchero wechiuno chako achazvidaidzira. 19 Izvo mazwi aachanyora anenge ari mazwi akanaka andinoona kuti akafanira kuenda kumichero yechiuno chako. Uye zvichaita sokunge muchero wechiuno chako wachema kwavari uri muguruva; nokuti ndinoziva kutenda kwavo. 20 Ezvo vachachema vari muvhu; hongu, kunyange kutendeuka kwehama dzavo, kunyange kwapfuura zvizvarwa zvakawanda. Ezvo zvichaiitika kuti kuchema kwavo kuchapera, kunyange nokupfavisisa kwamazwi avo. 21 Pamusana pokutenda kwavo mazwi avo achaenda mberi kubva mumuromo mangu kuhama dzavo dzinova muchero wechiuno chako; kushaya simba kwamazwi avo ndichaita kusimbe nokutenda kwavo, mukuyeuka zvibvumirano zvandakaita namadzibaba ako. 22 Ezvo zvino, tarira, mwanakomana wangu Jowfa, ndiko kuporofita kwaiita baba vangu makare-kare. 23 Saka, nokuda kwechibvumirano ichi makomborerwa; nokuti mbeu yako haichazoparadzwa, nokuti vachateerera kumazwi ebhuku. 24 Ezvo kuchamuka mukuru pakati pavo, achaita zvakanaka kwazvo, mukutaura nemukuita, ari mudziyo mumaoko aMwari, aine kutenda kukuru, kunoita kuti ashande minana, nokuita zvinhu zvikuru mumaziso aMwari, mukudzosera pakare zve imba yalsiraeri, nokumbeu yavakoma vako. 25 Ezvo zvino, wakakomborerwa iwe, Josefa. Tarira uri mudiki; naizvozvo teereresa mashoko omukoma wako, Nefi, zvichaitwa saizvozvo kwauri maererano namazwi andakataura. Rangarira mazwi ababa vako vave kufa. Ameni. CHITSAUKO 4 Relvi nnornirn nokukomnborern vezvizvnrwn zvnke zvnizotevernAnofn nokrrvigzun-Nefi nrrobmirlyn~rrrukuunkn kzvnMzvnri-Nefi nrloisn kuvimbn ]czunke kzvose rnurm Ishe nokusirzgnperi. Zviugnugove ~rrnkore 588 kusvikn ku570 Kristu nsnti aberekwn. Ezvo zvino ini, Nefi, ndinotaura nezvekuporofita uko kwakaitwa nababa vangu, pamusoro paJosefa, akatakurwa kuenda kuIjipiti. 2 Nokuti tarirai, zvechokwadi akaporofita pamusoro pembeu yake yose. Ezvo uporofita hwaakanyora, hakuna hwakawanda hunopfuura ihwohwo. Ezvo akaporofita nezvedu uye nezvevachatitevera; zvakanyorwa pamahwendefa endarira. 3 Naizvozvo, shure kwokunge baba vangu vapedza kutaura nezvekuporofita kwaJosefa, vakadaidza vana vaRamani, 65 2 NEPI 4:4-14 vanakomana vake, navanasikana vake, vakati kwavari: Tarirai, vanakomana vangu, navanasikana vangu, munova vanakomana navanasikana vedangwe ~angu, ndinoda kuti muteerere mazwi angu. 4 Nokuti Ishe Mwari ati: Mukuchengeta kwenyu mirairo yangu muchabudirira munyika; mukusachengeta mirairo muchabviswa pamberi pangu. 5 Asi tarirai, vanakomana vangu navanasikana vangu, handikwanise kuenda muguva mangu ndisina kusiya ndakukomborerai; nokuti tarirai, ndinoziva kuti mukakudzwa munzira yamunofanirwa kuteedza hamuzoisiya. 6 Naizvozvo, kana makatukwa, tarirai, ndinosiya chikomborero changu pamuri, kuti kutukwa uku kubviswe pamuri kupindurwe pamisoro yevabereki venyu. Naizvozvo, nokuda kwechikomborero changu Ishe Mtyari haazorega muchiparara; naizvozvo, achazove ane tsitsi nemi nokumbeu yenyu nokusingaperi. 8 Ezvo zvakaitika kuti shure kwokunge baba vangu vapedza kutaura kuvanakomana navanasikana vaRamani, vakaita kuti vanakomana navanasikana vaRemueri vaunzwe kwavari. 9 Ezvo vakataura kwavari, vachiti: Tarirai, vanakomana navanasikana vangu, munova vanakomana navanasikana vomwanakomana wangu wechipiri; tarirai ndinokusiirai chikomborero chandasiira vanakomana navanasikana vaRamani; naizvozvo, hamuchazoparadzwe mese; asi mbeu yenyu ichapedzisira yakomborerwa. 10 Ezvo zvakaitika kuti apo baba vangu vakapedza kutaura kwavari, tarirai, vakataura kuvanakomana vaIshimaeri, hongu, neimba yake yose. 11 Ezvo shure kwokunge vapedza kutaura kwavari, vakataura kuna Samu, vachiti: Wakakomborerwa iwe, nembeu yako; nokuti uchawana nhaka yenyika iyi somukoma wako Nefi. Uye mbeu yako ichaverengwa pamwe nembeu yake; uye uchazove somukoma wako, nembeu yako ichaita sembeu yake; uye uchazokomborerwa mazuva ako ose. 12 Ezvo zvakaitika shure kwokunge baba vangu, Rehi, vataura kune imba yavo yose, maererano nokunzwa kwomwoyo wavo noMweya waIshe wakanga uri mavari, vakachembera. Ezvo zvakaitika kuti vakafa, vakavigwa. 13 Ezvo zvakaitika kuti kusati kwapera mazuva akawanda shure kworufu rwavo, Ramani naRemueri navanakomana vaIshimaeri vakange vandishatirirwa pamusana pomashoko okuranga aIshe. 14 Nokuti ini, Neffi, ndakatunhwa kuti nditaure kwavari, maererano nezwi rake; nokuti ndakange ndataura zvinhu zvakawanda kwavari, pamwe nababa vangu, vasati vafa; zvizhinji zvacho zvakataurwa zvakanyorwa pamahwendefa angu mamwe; nokuti ngano zhinji 2 NEFI 4:15-28 66 dzakanyorwa pamahwendefa angu mamwe. 15 Ezvo pamahwendefa ano ndinonyora zvinhu zvomweya wangu, namagwaro ose ari pamahwendefa endarira. Nokuti mweya wangu unofadzwa namagwaro,mwoyo wangu unofungisisa pamusoro pawo, ndichizvinyora kuti vana wangu vave vanozvidzidza zvigovabatsira. 16 Tarirai, mweya wangu unofara muzvinhu zvaIshe; uye mwoyo wangu unogarofungisisa pamusoro pezvinhu zvandakaona nezvandakanzwa. 17 Zvisinei, nokuda kwokunaka kukuru kwaIshe, mukundiratidza mabasa ake makuru anoshamisa, mwoyo wangu unosheedzera: O ini wangu munhu asina basa! Hongu, mwoyo wangu unosuwa nokuda kwenyama yangu; mweya wangu unotambudzika nokuda kwokuipa kwangu. 18 Ndakatenderedzwa, nokuda kwezviedzo nezvivi zvinongondikunda nyore. 19 Ezvo kana ndoda kufara, mwoyo wangu unogomera nokuda kwezvivi wangu; zvisinei, ndinoziva uyo wandakavimba naye. 20 Mu~ari wangu ndiye anga ari musimboti wangu; akanditungamirira mumatambudziko angu ndiri murenje; akandichengeta apo ndange ndiri pamusoro pemvura dzakadzika. 21 Andizadza norudo rwake, kusvika pakuzadza nyama dzangu dzose. 22 Anyadzisa mhandu dzangu, akaita kuti vadedere pamberi pangu. 23 Tarirai, akanzwa kuchema kwangu masikati, uye akandipa ruzivo nenzira yezviratidzo usiku. 24 Ezvo kwakachena ndakava ndinoshinga mukunamata zvakasimba pamberi pake; hongu, izwi rangu ndairitumira kumusoro kudenga; ngirozi dzikauya pasi dzikandiparidzira. 25 Ezvo pamapapiro oMweya muviri wangu wakatakurwa kuenda kumakomo akareba zvikuru. Uye maziso angu akaona zvinhu zvinoshamisa, hongu, zvisingakodzere kuti zvizivikanwe nevanhu; nokudaro ndakarambidzwa kuti ndizvinyore. 26 Zvino, kana ndakaona zvinhu zvikuru kudai, kana Ishe mukizvideredza kwake kuvana vevanhu ashanyira vanhu mutsitsi dzakadai, ko zvino mwoyo wangu unochemerei mweya wangu uchitambudzika uri munhika rekusuwa, nyama yangu ichitsakatika, simba rangu richipera, nokuda kwokutambudzika kwangu? 27 Ezvo, ko ndinobvumirei kuedzwa, nokuda kwenyama yangu? Hongu, ko zvino ndinozviregererei ndichiedzwa, kuti uyo akaipa ave nenzvimbo mumwoyo mangu kuti aparadze runyararo rwangu nokutambudza mweya wangu? Ko sei ndakashatirwa nokuda kwemhandu yangu? 28 Muka, mweya wangu! Usakotamiswe nezvivi. Fara, mwoyo wangu, usape nzvimbo zve kumhandu yomweya wangu. 67 2 NEFI 4:29-5:4 29 Usashatirwe zvakare nokuda kwemhandu dzangu, usanete simba nokuda kwamatambudziko angu. 30 Fara, mwoyo wangu, ucheme kuna Ishe, uti. O Ishe, ndichakukudzai nokusingaperi; hongu, mweya wangu uchafara mamuri imi Mwari wangu, nedombo roruponeso rwangu. 31 O Ishe, mungaponesewo here mweya wangu? Mungandibvisewo here mumaoko emhandu dzangu? Mungandiitewo here kuti ndidedere ndaona chivi? 32 Masuwo apagehena ngaagare akapfigwa pamberi pangu, nokuti mwoyo wangu wakapfava uye mweya wangu hauzvikudzi! O Ishe, musandizaririrewo masuwo outsvene hwenyu pamberi pangu, kuti ndive ndinofamba munzira yakadzikira, ndishinge mukufamba munzira yakanaka. 33 O Ishe, mungandimoneredzewo here nenguo youtsvene hwenyu! O Ishe, mungandigadzirirewo here nzira yokutiza mhandu dzangu! Mungandiitirawo here kuti nzira wangu ive yakatwasanuka pamberi pangu! Musandiisirewo zvimhingamupinyi munzira mangu-asi kuti muzvibvisewo munzira mangu, uye musandizaririrewo nzira yangu, asi muzarire nzira dzemhandu dzangu. 34 O Ishe, ndavimba nemi, uye ndichavimba nemi nokusingaperi. Handiise kuvimba mumaoko enyama; nokuti ndinoziva kuti akatukwa uyo anovimba nemaoko enyama. Hnngu, akatukwa uyo anoisa kuvimba mumunhu kana kuita nyama ruoko rwake. 35 Hongu, ndinoziva kuti Mwari achapa zvakawanda kune uyo anokumbira. Hongu, Mwari wangu achandipa, ndikasakumbira zvisiriizvo; naizvozvo ndichakwidza izwi rangu kwamuri; hongu, ndichachema kwamuri, Mwari wangu, dombo routsvene hwangu. Tarirai, izwi rangu richakwira kwamuri nokusingaperi, dombo rangu naMwari wangu wokusingaperi. Ameni. CHITSAUKO 5 MaNefi anozvitsaura kubva kumaRamani, vochengeta mutemo waMosesi, nokuvakA temberi-Nemhaka yekusatenda kwavo, maRarnani anobviswa pamberi palshe, vakatzckwa vakave shamu kumaNefi. Zvingangove makore 588 kusvika ku559 Kristu asati aberekwa. TARIRAI, zvakaitika kuti ini, Nefi, ndakachema zvikuru kuna Ishe Mwari wangu, nenzira yehasha dzavakoma wangu. 2 Asi tarirai, hasha dzavo dzakakura kwandiri, zvekuti vakatsvaga kutora upenyu hwangu. 3 Hongu, vakatsutsumwa pamusoro pangu, vachiti: Munun'una wedu anofunga kutitonga; zve tatambudzika zvikuru nokuda kwake; naizvozvo, ngatimuurayei, kuti tisarambe tichinetswa namazwi ake. Nokuti tarirai, hatingade kuti ave mutongi wedu; nokuti ndezvedu, isu vakuru, kuti titonge vanhu ava. 4 Zvino handisi kunyora 2 NEFI 5:5-18 68 pamahwendefa aya mazwi ose okutsutsumwa kwavo pamusana pangu. Asi zvinondigutsa ini kuti nditi, vaida kuparadza upenyu hwangu. 5 Ezvo zvakaitika kuti Ishe akandiyambira, kuti ini, Nefi, ndinofanirwa kubva kwavari nditizire murenje, naavo vose vangaende neni. 6 Naizvozvo, zvakaitika kuti ini, Neffi, ndakatora mhuri yangu, uye zvakare Zoramu nemhuri yake, naSamu, mukoma wangu nemhuri yake, Jakobho naJosefa, vanun'una vangu, uye nehanzvadzi dzangu, naavo vose vaida kuenda neni. Ezvo avo vose vaida kuenda neni ndivo vaitenda pakuyambirwa nezvakazarurwa naMwari; naizvozvo, vakateerera mazwi angu. 7 Ezvo takatora matende edu nezvimwewo zvakanga zvakangofanirawo, tikafamba murenje kwamazuva akawanda. Ezvo shure kwemazuva mazhinji tichifamba takamisa matende edu. 8 Zve vanhu vangu vakati tidaidze nzvimbo iyi kuti Neffi; naizvozvo, takaidaidza kuti Neffi. 9 Ezvo avo vose yakanga vaineni vakazvidaidza kuti vanhu vaNefi. 10 Ezvo takachengetedza utongi, nemitemo, nemirairo yaIshe muzvinhu zvose, tichitevedza mitemo yaMosesi. 11 Ezvo ishe akanga anesu; takabudirira zvikuru; nokuti takadyara mbeu, tikakohwa zvakare zvakawandisa. Takatanga kuchengeta matanga ezvipfuyo zvemarudzi ose. 12 Ezvo ini, Neffi, ndakanga ndaunza zvinyorwa zvakanga zvakaiswa pamahwendefa endarira; nebhora, kana kuti chinongedzo, iyo yakagadzirirwa baba vangu noruoko rwaIshe, maererano nezvakanyorwa. 13 Ezvo zvakaitika kuti takatangisa kubudirira chaizvo, nokuwanda munyika iyi. 14 Ezvo ini, Neffi, ndakatora munondo waRabhani, ndikaita imwe minondo yakafanana nawo, kuti zvimwe vanhu vaida vonzi maRamani vangangoda kuzotiparadza; nokuti ndaiziva ruvengo rwakanga rwuri mavari pamusana pangu navana vangu naavo vainzi vanhu vangu. 15 Ezvo ndakadzidzisa vanhu vangu kuvaka dzimba, nokusevenza nenzira dzakasiyanasiyana nemiti, nesimbi, nemhangura, nendarira, negoridhe, nesirivha, nesimbi dzinokosha, idzo dzakanga dzakawanda zvikuru. 16 Ezvo ini, Neffi, ndakavaka temberi; ndakaivaka seyakanga yakavakwa naSoromoni chete iyi yakanga isina kuvakwa nezvinhu zvinokosha zvakawanda; nokuti zvakanga zvisimo munyika, saka, hayaivakwa setemberi yaSoromoni. Asfi kuvakwa kwacho kwakanga kwakafanana nekwetemberi yaSoromoni; kushandwa kwayo kwanga kwakanaka zvikuru. 17 Ezvo zvakaitika kuti ini, Neffi, ndakaita kuti vanhu vangu vave vanhu vanoshanda zvikuru, nokuti vashande nemaoko avo. 18 Ezvo zvakaitika kuti vakada kundiita mambo wavo. Asfi ini, 69 2 NEP15:19-33 Nefi, ndakanga ndisingade kuti vave namambo; zvisinei, ndakavaitira maererano nezvakanga zviri musimba rangu. 19 Ezvo tarirai, mazwi aIshe akanga azadzikiswa kuvakoma vangu, ayo aakanga ataura pamusoro pavo, kuti ndaifanirwa kuva mutongi nomudzidzisi wavo. Naizvozvo, ndakanga ndava mutongi wavo nomudzidzisi wavo, maererano nemirairo yaIshe, kusvikira panguva yavakada kuparadza upenyu hwangu. 20 Naizvozvo, izwi raIshe rakazadzikiswa iro akataura kwandiri, achiti: Kana vasingateerere kumazwi ako vachabviswa pamberi paIshe. Ezvo tarirai, vakabviswa pamberi pake. 21 Ezvo akanga aita kuti kutukwa kuuye pavari, hongu, kana katukwa kunorwadza, pamusana pekuipa kwavo. Nokuti tarisai, vakanga vaomesa mwoyo yavo kwaari, zvekuti vakanga vaita sedombo regwenya; saka, sezvo vakanga vari vachena, ezvo vakanaka chaizvo ezvo vachifadza, kuti vasatore mwoyo yevanhu vangu Ishe Mwarfi akakonzera ganda dema kuti riuye pavari. 22 Ezvo ndiko kutaura kunoita Ishe Mwarfi: Ndichaita kuti vave vasingambodiwa kuvanhu vako, kunze kwekunge vatendeuka mukuipa kwavo. 23 Ezvo ichatukwa mbeu yeuyo anosangana nembeu yavo; nokuti vachatukwa kana nekutukwa kumwecheteko. Uye Ishe akazvitaura, zvakaitwa. 24 Ezvo pamusana pekutukwa kwavo uko kwanga kuri pavari vakave vanhu vave nungo, vazere nokushereketa nokunyengedza, ezvo vakave vaitsvaka zvikara murenje. 25 Ezvo Ishe Mwari akati kwandiri: ~achave chirango kumbeu yako, kuvamutsa mukundirangarira; ezvo kana vasingandiyeuke ini, ezvo vachiteerera kumashoko angu, vachavaranga kana mukuparadzwa. 26 Ezvo zvakaitika kuti ini, Neffi, ndakagadza Jakobho naJosefa, kuti vave vafundisi nevadzidzisi pamusoro penyika yevanhu vangu. 27 Ezvo zvakaitika kuti takagara netsika yerufaro. 28 Ezvo makumi matatu emakore akanga apfuura kubvira panguva yatakabva muJerusaremu. 29 Ezvo Ini, Neffi, ndakanga ndachengetedza zvinyorwa pamahwendefa angu, ayo andakaita, evanhu vangu kusvika ipapo. 30 Ezvo zvakaitika kuti Ishe Mwarfi akati kwandiri: Gadzira mamwe mahwendefa; ezvo iwe uchanyora zvinhu zvizhinji izvo zvakanaka mumaziso mangu, zvinopundutsa vanhu vangu. 31 Saka, ini, Neffi, kuti nditeerere mirairo yaIshe, ndakaenda ndikanoita mahwendefa aya ayo andakanyora zvinhu izwi. 32 Ezvo ndakanyora icho chinofadza kuva Mwarfi. Ezvo kana vanhu vangu vachifadzwa nezvinhu zvaMwari vachafadzwa nezvangu zvinyorwa zviri pamahwendefa aya. 33 Ezvo kana vanhu vangu 2 NEFr 5:34-6:8 70 vachida kunzwa nezvechidimbu chakati cherungano rwevanhu vangu vakafanira kunzvera mamwe mahwendefa angu. 34 Ezvo zvinogutsa kwandiri kuti nditi makumi mana emakore akanga apfuura, ezvo takanga tatoita hondo nokupesana nehama dzedu. CHITSAUKO 6 Jakobho anoifazve nhoroondo yerungano rwemajudha: Kutapwa kuBhabhironi nekudzoka kwavo; ufundisi nekuroverwa kweMutsvene walsimaeri; ruyamuro rwakatambirwa kubva kuvaHedheni; nekuzodzorerwa kwemaJudha pakare mumazuva ekupedzisira vazotenda kuna Mesiya. Zvingangove makore 559 kusvika ku545 Kristu asati aberekwa. Mazm aJakobho, munin'ina waNefi, ayo aakataura kuvanhu vekwaNefi: 2 Tarisai, hama dzangu dzinodiwa, ini, Jaknbho, ndadaidzwa naMwari, ezvo ndikagadzwa netsika yake tsvene, ndakasimbiswa nemukoma wangu Nefi, uyo amunotarisa samambo kana kuti mudziviriri, ezvo uyo amunotarisira kuti akupei rugare, tarisai munoziva kuti ndataura zvinhu kwamuri zvakanyanya kuwanda. 3 Zvakadaro, ndinotaura kwamuri zvakare; nokuti ndinoda magariro akanaka ernweya yenyu. Hongu, kukutyirai kwangu kukuru; ezvo imi pachenyu munozviziva kuti zvagara zvakadaro. Nokuti ndakakukuru dzirai nesimba rangu rese; ezvo ndikakudzidzisai mazwi ababa vangu; ezvo ndikataura kwamuri maererano nezvinhu zvese zvakanyorwa, kubvira pakusikwa kwenyika. 4 Ezvo zvino, tarisai, ndingataure kwamuri maererano nezvinhu zviripo, ezvo zvichauya; nokudaro, ndichakuverengerai mazwi aIsaya. Ezvo mazwi anodiwa nemukoma wangu kuti ndiataure kwamuri. Ezvo ndinotaura kwamuri kuitira imi, kuti mudzidze mugorumbidza zita raMwari wenyu. 5 Ezvo zvino, mazwi andichaverenga ndiwo akataurwa naIsaya maererano nemba yese yaIsiraeri; nokudaro, angafananidzwe nemi, nokuti imi muri vemba yaIsiraeri. Ezvo kune zvinhu zvizhinji zvakataurwa naIsaya zvingafananidzwe nemi, nokuti muri vemba yaIsiraeri. 6 Ezvo zvino, aya ndiwo mazwi acho: Ndizvo zvinotaura Ishe Mwari: Tarisai, ndichasimudza ruoko rwangu kuvaHedheni, ezvo ndomisa rupawo rwangu kuvanhu; ezvo vachaunza vanakomana venyu mumaoko avo, ezvo vanasikana venyu vachavatakura pamapfudzi avo. 7 Ezvo madzimambo achave madzibaba ekukurerai, ezvo madzimambokadzi avo vachave madzimai ekukurerai; vachakotama kwamuri uso hwavo hwakaringa pasi, ezvo vagonanzva guruva retsoka dzenyu; ezvo imi muchaziva kuti ndini Ishev nokuti havazonyara avo vanondimirira. 8 Ezvo zvino ini, Jaknbho, 71 2 NEFI 6:9-18 ndinotaura maererano nemazwi aya. Nokuti tarisai, Ishe andiratidza kuti avo vakanga vari Jerusaremu, uko kwatakabva, vakauraiwa ezvo vakatakurwa senhapwa. 9 Zvakadaro, Ishe andiratidza kuti vachadzoka zvakare. Ezvo andiratidzawo kuti Ishe Mwari, Mutsvene waIsiraeri, achazviratidza kwavari munyama; mushure mekunge andiratidza vachamurova ezvo vagomurovera, maererano nemazwi engirozi yakaataura kwandiri. 10 Ezvo mushure mekuomesa mwoyo yavo ezvo vaomesa nemitsipa yavo kuMutsvene waIsiraeri, tarisai, kutonga kweMutsvene waIsiraeri kuchauya pavari. Ezvo zuva riri kuuya ravacharohwa nekutambudzwa. 11 Nokudaro, mushure mekunge vatinhwa uku nekoko, nokuti ndiko kutaura kwengirozi, vazhinji vachatambudzwa munyama, ezvo havazobvumirwa kutsakatika, nenzira yeminamato yevanotenda; vachaitwa chimwanda-mwanda, vagorohwa, ezvo vagovengwa; zvakadaro, Ishe achavaitira tsitsi, zvekuti kana vazove neruzivo rweMununuri wavo, vachaunganidzwa zvakare munyika dzenhaka yavo. 12 Ezvo vakaropafadzwa vaHedheni, avo vakanyorwa nezvavo nemuporofita; nokuti tarisai, zvikaitika kuti vachatendeuka ezvo vagorega kurwisana neZioni, ezvo vagorega kuzvibatanidza nezisangano guru riya ezvo rakaipa, vachaponeswa; nokuti Ishe Mtyari achazadzi kisa zvibvumirano zvake zvaakaita kuvana vake; nenzira yechikonzero ichi muporofita akanyora zvinhu izvi. 13 Nokudaro, avo vanorwisa Zioni nevanhu vechibvumirano chaIshe vachananzva guruva retsoka dzavo; ezvo vanhu vaShe havazonyara. Nokub vanhu vaShe ndiko vanomumirira; nokuti vachiri kumirira kuuya kwaMesiya. 14 Ezvo tarisai, maererano nemazwi emuporofita, Mesiya achazvimisa zvakare kechipiri kuti avatore; nokudaro, achazviratidza kwavari nesimba nekubwinya kukuru, mukuparadzwa kwevavengi yavo, kana zuva iro rasvika kana vave kutenda kwaari; ezvo hapana waanoparadza anotenda kwaari. 15 Ezvo avo vasingatende kwaari vachaparadzwa, zvose nemoto, nedutu, nekundengendeka kwenyika, nekudeurwa kweropa, nezvirwere, nenzara. Ezvo vachaziva kuti Ishe ndiMwari, Mutsvene waIsiraeri. 16 Ko nyama ingabvutirwe anesimba here, kana nhapwa dziri pamurau dzingasunungurwe here? 17 Asi ndiko kutaura kwaIshe: Kana nhapwa dzevanesimba dzichatorwa, ezvo nyama yevanotyisa ichasunungurwa; nokuti Mtyari Samasimba achasunungura vanhu vake vechibvumirano. Nokub ndiko kutaura kwaIshe: Ndicharwisana navo vanorwisana nemi 18 Ezvo ndichavapa kuuya avo vanokudzvinyirirai, nenyama yemidiri yavo; ezvo vachadha- 2 NEFI 7:1-11 72 kwa neropa ravo sekunge vanwa waini inotapira; ezvo yese nyama ichaziva kuti ini Ishe ndini Muponisi wenyu neMununuri wenyu, Samasimba waJakobho. CHITSAUKO Isaya anotaura samesiya-Mesiya achave nerurimi rwevakadzidzaAchapa musana wake kune vanorova-Haazovhiringwa-Enzanisai naIsaya 50. Zvingangove makore 559 kusvika ku545 Kristu asati aberekwa. HONGU, ndizvo zvinotaura Ishes Ndakakubvisa kwandiri here, kana kuti ndakakurasa zvachose here? Nokuti ndizvo zvinotaurwa naShe: Tsamba yokurambwa kwamai vako iripi? Ko ndakakupa kunani, kana ndekune upi pane vandiine chikwereti navo kwandakakutengesa? Hongu, ndakakutengesai kuna ani? Tarisai, nezvitadzo wenyu makazvitengesa mega, ezvo nenzira yekudarikira kwenyu amai wenyu vakarambwa. 2 Nokudaro, pandakauya, pakanga pasina munhu; pandakadaidza, hongu, pakanga pasina anodaira. Nhai imi vemba yaIsiraeri, ruoko hwangu rwapfupika chaizvo zvekuti harwuchagona kununura, kana kuti handina simba rekusunungura? Tarirai, nekutuka kwangu ndinoomesa gungwa, ndinoita kuti hova dzavo dzive renje nehove dzavo kuti dzinhuwe nokuti mvura inenge yaoma, ezvo dzinofa nenzira yenyota. 3 Ndinoshongedza matenga nekusviba, ezvo ndinoita kuti masaga ave chifukidzo chawo. 4 Ishe Mwari akandipa rurimi rwevakadzidza, kuti ndigoziva kuti ndinotaura sei mazwi nenguva kwamuri, imi vemba yaIsiraeri. Kana makaneta anokumutsai rungwanani rwega-rwega. Anoita kuti nzeve yangu inzwe senzeve yevakadzidza. 5 Ishe Mtyari akadziura nzeve yangu, ezvo handina kupanduka, zve handina kudzokera shure. 6 Ndakapira musana wangu kumurovi, ezvo matama angu kune avo vaidzura vhudzi. Handina kuviga uso hwangu mukunyadziswa nekusvipirwa. Nokuti Ishe Mtyari vachandiyamura, saka handizovhiringwa. Saka ndaita uso hwangu kuti huve segwenya, ezvo ndinoziva kuti handizonyara. 8 Ezvo Ishe ari pedyo, ezvo anondireverera. Ndiani achandirwisa? Ngatimirei tiri pamwechete. Nthani muvengi wangu? Ngaauye pedyo neni, ezvo ndichamurova nesimba remuromo wangu. 9 Nokuti Ishe Mtyari vachandiyamura. Ezvo yese avo vachandishora, tarisai, yese vachasakara senguo, ezvo vachapfukutwa. 10 Ndiani ari pakati penyu anotya Ishe, anoteerera izwi remuranda wake, anofamba murima ezvo asina mwenje? 11 Tarisai mese imi munobatidza moto, munozvikomberedza nezvibari zvemoto, fambai 73 2 NEFI 8:1-12 muchiedza chemoto wenyu nemuzvibari zvamatungidza. Izvi ndizvo zvamuchawana neruoko rwangu-mucharara pasi mukusuwa. CHITSAUKO 8 Mumazaava ekupedzisira, Ishe achanyaradza Zioni ezvo agounganidza Isiraeri-Vakanunurzua vachauya kuZioni pakati pemufaro mukuru-Erzzanisai nalsaya 51 ezvo 52:1-2. Zvingangove makore 559 kusvika ku545 Kristu asati aberekwa. TEERERAI kwandiri, imi munotevedza kururama. Tarisai kudombo ramakabva, nekumwena wegomba ramakacherwa. 2 Tarisai kuna Abhurahamu, baba wenyu, nekuna Sara, uyo akakuberekai, nokuti ndakamudaidza ari ega, ndikamuropafadza. 3 Nokuti Ishe achanyaradza Ziom, achanyaradza nenzvimbo dzake dzese dzakaparadzwa; ezvo achaita kuti renje rake rive seEdheni, ezvo gwenga rake riite sebindu raIshe. Mufaro nokuseka kuchawanikwamo, kutenda nezwi rinoimba zvinotapira. 4 Teererai kwandiri, vanhu wangu; ezvo mundipe nzeve, imi verudzi rwangu; nokuti murau uchabva kwandiri, ezvo ndichaita kuti kutonga kwangu kumbomira kuti kuve nechiedza kuvanhu. 5 Kururama kwangu kwave pedyo; ruponiso rwangu rwakaenda, ezvo ruoko rwangu rwuchatonga vanhu. Zvitsuwa zvichatarisira kwandiri, ezvo zvichavimba neruoko rwangu. 6 Simudzirai maziso enyu kumatenga, ezvo mugotarisa panyika iri pasi; nokuti matenga achanyangadika seutsi, ezvo nyika ichasakara sejira; ezvo avo vanogaramo vachafa netsika imwecheteyo. Asi ruponiso rwangu harwuperi narinhi, ezvo kururama kwangu hakuzoparadzwa. 7 Teererai kwandiri, imi munoziva kururama, vanhu vane mumwoyo mandakanyora murau wangu, musatye kusvika kwevanhu, zve musatye kukutukai kwavo. 8 Nokuti muchenje uchavadya sejira, ezvo makonye achavadya sewuru. Asi kururama kwangu ndokwarinhi, ezvo ruponiso rwangu nderwezvizvarwa nezvizvarwa. 9 Mukai! Mukm! Itai simba, imi ruoko rwaIshe; mukai semakare-kare. Hamuzimi here makacheka Rakabhi, mukaremadza chirombo? 10 Hamuzimi here makaomesa gungwa, mvura yemakadzama zvikuru; makaita udzame hwegungwa nzira yevakatsikinurwa kuti vapfuure? 11 Nokudaro, vakanunurwa vaIshe vachadzoka, ezvo vouya vachiimba kuZioni; ezvo kufara kusingaperi neutsvene zvichave pamisoro yavo; ezvo vachawana rufaro nokufara; kusuwa nekuchema zvichatiza. 12 Ndini iye; hongu, ndini iye anokunyaradzai. Tarisai, ndimi vana ani, vanotya vanhu, avo vachafa, ezvo mwanakomana wemunhu, vachaitwa seuswa? 2 NEFI 8:13-25 74 13 Ezvo unokanganwa here Ishe musiki wako, akatatamura matenga, ezvo akaita hwaro hwenyika, ezvo ari anotya mazuva ose, nenzira yehasha dzemudzvinyiriri, sekunge ange agadzirira kuparadza? Ezvo dziripi hasha dzemudzvinyiriri? 14 Nhapwa inokurumidza, kuti isunungurwe, ezvo nokuti isafire mugomba, ezvo nokuti isashaye kudya. 15 Asi ndini Ishe Mtyari wenyu, ane masai-sai akatinhira; Ishe weMauto ndiro zita rangu. 16 Ezvo ndaisa mazwi angu mumuromo wako, ezvo ndikakuputira nemumvuri weruoko rwangu, kuti ndidyare denga nokuisa hwaro hwenyika, ezvo ndoti kuna Ziom: Tarirai, muri vanhu vangu. 17 Mukai, mukai, simukai, imi Jerusaremu, makanwa muruoko rwalshe mukombe wehasha dzake-makanwa masese anodzedzerekesa emukombe wakasvinwa 18 Ezvo hapana wekumutungamirira pakati pevana vake vose vaakabereka; kana wekumubata ruoko, pavana vose vaakabereka. 19 Ava vanakomana vaviri vauya kwauri, ndiani achakunzwira tsitsi-kusuwa kwako nekuparadzwa, ezvo nzara nemunondo-ezvo ndinokunyaradza nani? 20 Vanakomana wako vakapfizuka, kunze kweava vaviri; vavete pakatangira migwagwa pose; segono remhuka yesango yabatwa mumambure, vazere nehasha dzaIshe, kutuka kwaMwari wako. 21 Saka zvino inzwai izvi, imi munotambudzwa, makararadza, ezvo kwete newaini: 22 Ndiko kutaura kwaIshe, Ishe ezvo Mwari wako anochemera nyaya dzevanhu vake; tarira, ndabvisa muruoko rwako mukombe wekundendemera, masese emukombe wehasha dzangu; hauchazounwa zvakare. 23 Asi ndichauisa mumaoko eavo vanokutambudza; vakati kumweya wako: Kotama, kuti tiende nepamusoro pako-ezvo wakarara pasi ukave nzira yeavo vakaenda nepamusoro pako. 24 Muka, muka, unza simba rako, iwe Zioni; pfeka nhumbi dzako dzinoyevedza, iwe Jerusaremu, guta dzvene; nokuti kubvira zvino mauri hamuchazouya vasina kudzingiswa ezvo kana vasina kuchena. 25 Zvizunze kubva muguruva; simuka, gara pasi, iwe Jerusaremu; zvisunungure mumajoto ari muhuro mako, iwe nhapwa mwanasikana weZioni. CHITSAUKO 9 MaJudha achaungana munyika dzavo dzose dzechipikirwa-Rudzikinuro rwunoripira vanhu kubva muKupunzika-Miviri yaavo vakafa ichan-mka kubva kumakuva, mweya yavo ichabva kugehena nomuparadhaisi-VachatongwaRudzikinuro rwunoponesa kubva parufu, gehena, dhiabhorosi, nokurwadziwa kusingaperi-Vatsvene vanozoponeswa muumambo 75 2 NEFI 9:I-9 hwaMwari-Kurangwa kzvezvivi kunopiwa-Mutsvene walsiraeri ndiye muchengeti wapamasuo. Zvingangove makore 559 kusvika ku545 Kristu asati aberekzva. Ezvo zvino, hama dzangu vadikani, ndaverenga zvinhu izvi kuti muzive maererano nezvibvumirano zvaIshe zvaakabvumirana neveimba yose yavaIsiraeri 2 Kuti akataura kumaJudha, nomuromo wovaporofita vake vatsvene, kubvira pakutangisa, kubva kuzvizvarwa nezvizvarwa, kusvikira panguva yazvichadzorerwa kusangano nedanga rechokwadi raMwari; apo vachaungana kumusha munyika yenhaka yavo, vachiiswa vose munyika dzavakavimbiswa. 3 Tarirai, hama dzangu dzinodiwa ndinotaura kwamuri zvinhu izvi kuti mufare, kuti musimudze misoro venyu nokusingaperi, nokuda kwamakomborero ayo Ishe Mwari achapa kuvana venyu. 4 Nokuti ndinoziva kuti matsvaga zvikuru, vazhinji venyu, kuti muzive zvinhu zvichauya; Saka ndinoziva kuti munoziva kuti nyama yedu ichaparadzwa igofa; zvisinei, nemiviri yedu tichaona Mtyari. 5 Hongu, ndinoziva kuti munoziva kuti mumuviri achazviratidza iye kuna avo vari Jerusaremu, kwatakabva; nokuti chinhu chinofanira kuitwa pakati pavo; nokuti zvinofadza Musiki mukuru kuti ave somunhu munyama, ezvo agofira vanhu vose, kuti vanhu vose vagova pasi pake. 6 Nokuti sezvo rufu rwuri pamunhu wose, kuti kuzadzikiswe kuronga kwetsitsi kwoMusiki, panofanirwa kunge pane simba rokumutswa kwavakafa, ezvo kumutswa kwavakafa kunofanirwa kuuya kumunhu nokuda kwechikonzero chokupunzika; kupunzika kwakauya nechikonzero chokutadza; ezvo nokuti munhu akapunzika akabviswa pamberi paIshe. 7 Saka, rudzikinuro rakafanira kunge rwuri rwakadzamaasi kana rudzikinuro rwusina kuperera harwungakwanise kuti kuora kusave kuora. Saka, kutongwa kwekutanga kwakauya kumunhu kwaifanira kugara nokusingapere. Ezvo kana zvakadaro, nyama iyi yakafanira kuora ichidzokera kuvhu kwayakabva, isingazomukazve. 8 O kuziva kwaMwari, tsitsi nenyasha dzake! Nokub tarirai, dai nyama ikasamuka zvakare mweya yedu ichava seyengirozi iya yakaputsika kubva kuna Mtyari Wokusingaperi, ikazova dhiabhorosi, kuti isazomuka zvakare. 9 Ezvo mweya yedu inenge yave kuna saiye, tave vana dhiabhorosi, ngirozi dzadhiabhorosi kunadhiabhorosi, kuti tipfigirwe kunge kubva kuna Mtyari wedu, tigogara nababa venhema, mukusuwa, saiye, hongu, kuna iye akanyengedza vabereki yedu vokutanga, anozvishandura akange achaita sengirozi yechiedza, anofurira vana vevanhu kupinda muzvikwata zvemuruvande zveumhondi nekuita ose mabasa akaipa erima. 2 NEPI 9:10-19 76 10 Mwari wedu akanaka sei, anotigadzirira nzira yokutiza nayo chipuka chinotyisa; hongu, chipuka ichi, rufu negehena, zvandinoti rufu rwomuviri, uye norufu rwomweya. 11 Ezvo nokuda kwekusunungurwa kwedu naMwari wedu, Mutsvene waIsiraeri, rufu urwu, rwandakataura pamusana parwo, rwuri rwenguva duku, rwuchaburitsa vakafa varwo; rufu rwacho rwuri guva. 12 Ezvo rufu urwu rwandataura, kunova kufa pamweya, rwuchaburitsa vakafa varwo; kufa pamweya uku igehena; naizvozvo, rufu negehena zvinofanira kuburitsa vakafa vazvo, gehena rinofanira kuburitsawo mweya yakabatwa pausungwa, guva rinofanira kuburitsawo miviri iri pausungwa, ezvo miviri nemweya yavanhu ichadzorerwa pakare; rinova simba rokumuka kuna vakafa kwakaitwa noMutsvene waIsiraeri. 13 Kuronga kwaMwari kukuru sei! Nokub kune rumwe rutivi, paradhaisi yaMwari inofanira kuburitsa mweya yevatsvene, guva richiburitsa miviri yevatsvene; mweya nemiviri ichadzorerwa pakare zvakare, ezvo vanhu vanenge vasisatadze kana kufa, vava mweya mipenyu, vaine ruzivo sezvatiri munyama, mutsauko uri wekuti ruzivo ~wedu rwunenge rwurirwuzere. 14 Saka, tichava noruzivo chairwo rwokutadza kwedu kwose, nokusachena kwedu, nokusasimira kwedu; uye vatsvene vachave noruzivo chairwo mukufara kwavo, Mutsvene hwavo, vachashongedzwa noutsvene, hongu, uye kana nguwo dzoutsvene. 15 Ezvo zvichaitika kuti kana vanhu vose vabva murufu rwokutanga kuenda muupenyu, ezvo vasisazofa, vanofanirwa kuuya pachigaro chokutongwa choMutsvene waIsiraeri; kwouya kutongwa, maererano nekutonga kutsvene kwaMwari. 16 Zvechokwadi, sokurarama kunoita Ishe, Ishe Mtyari akazvitaura, uye izwi rake risingaperi, iro risingafe, kuti avo vatsvene vachava vatsvene, avo vane tsvina vachava vane tsvina; naizvozvo, avo vane tsvina ndidhiabhorosi nengirozi dzake; vachaenda kumoto usingaperi; wakagadzirirwa ivo; kurwadziwa kwavo kunenge dziva romoto nematombo omoto, rimi racho rinokwira kudenga risingagumi. 17 O ukuru nokutonga kwakanaka kwaMwari wedu! Nokuti zvaanenge ataura nemuromo wake anozviita, ezvo zvakabva mumuromo make, uye mutemo wake unofanira kuzadzikiswa. 18 Asi, tarirai, vatsvene, vatendi veMutsvene waIsiraeri, avo vanotenda kune Mutsvene waIsiraeri, avo vakatsungirira nemichinjikwa yenyika, vakashora kunyadzisa kwavo, vachadya nhaka yeumambo hwaMwari, hwavakagadzirirwa kubvira pakutanga kwenyika, nokufara kwavo kuchave kwakazara nokusingaperi. 19 O kukura kwetsitsi dzaMwari wedu, Mutsvene waIsiraeri! 77 2 NEFI 9:20-31 Nokub anoburitsa vatendi vake kubva muchipuka chinotyisa chiya dhiabhorosi, nemurufu, nemugehena, nemudziva romoto nomatombo omoto kunova kurwadziwa kusingaperi. 20 O kukura kweutsvene hwaMwari wedu! Nokub anoziva zvinhu zvose, ezvo hapana chimwe chinhu chaasingazive. 21 Ezvo akauya panyika kuti aponese vanhu vose kana vachinge vateerera shoko rake; nokuti tarirai, anotora kurwadziwa kwevanhu vose, hongu, kurwadzwa kwechisikwa chose chipenyu, varume, vakadzi, nevana, vemhuri yaAdhamu. 22 Ezvo akabvuma kutambudzika uku kuti vanhu vagomuka kuvakafa, kuti vose vagomira pamberi pake musi wezuva guru rokutongwa. 23 Ezvo akaraira vanhu vose kuti vatendeuke, vagobhabhatidzwa muzita rake, vaine kutenda kuzere muMutsvene waIsiraeri, nokuti havangaponeswe muumambo hwaMwari. 24 Ezvo kana vasingatendeuke nokutenda muzita rake, nokubhabhatidzwa muzita rake, nokushingirira kusvikira kumagumo, vanofanirwa kuraswa; nokuti Ishe Mtyari, Mutsvene waIsiraeri, akazvitaura. 25 Naizvozvo, akavapa mutemo; ezvo pasina mutemo wapiwa hapana kurangwa; ezvo pasina kurangwa hapana kuraswa; apo pasina kuraswa tsitsi dzoMutsvene waIsiraeri dzichave pavari, nenzira yerudzikinuro; nokuti vakaponeswa nesimba rake. 26 Nokuti rudzikinuro rwunogutsa zvinodiwa nekutonga kwake kwakanaka kuna avo vose vasina kupiwa mutemo, kuti vachaponeswa kuchipuka icho chinotyisa, rufu negehena, nadhiabhorosi, nedziva romoto nematombo emoto, kunova kurwadziwa kusingaperi; ezvo vachidzorerwa kuna Mwari akavapa mweya wekufema, anova Mutsvene waIsiraeri. 27 Asi hero dambudziko kune akapiwa murawo, hongu, uyo ane mitemo yese yaMwari, sezvatakaita isu, agosaiteerera, ezvo agotambisa mazuva ake ekuedzwa, nokuti zvinhu zvake kuipa kwazvo kunotyisa! 28 O zano rokunyengedza kwowakaipa! O kushaya maturo, neurema hwavanhu! Kana vafunda vanofunga kuti vachenjera, havachateerera kuraira kwaMwari, nokuti vanobva vazviisa parutivi, vachifunga kuti ivovave kuziva, asika, kuziva kwavo hubenzi hakuna chakunovapa. Vachatsakatika. 29 Asi kudzidza kwakanaka kana vachiteerera kuraira kwaMwari. 30 Asi dambudziko riri kuvapfumi, avo vakapfuma muzvinhu zvenyika. Nokub vapfumi saka vanoshora varombo, ezvo vanotambudza vakapfava, uye mwoyo yavo iri papfuma yavo; saka, upfumi hwavo ndiye mwari wavo. Ezvo tarirai upfumihwavo huchaparara pamwe navo. 31 Ezvo hero dambudziko kumatsi dzisingadi kunzwa; nokuti dzichafa. 2 NEFI 9:32-44 78 32 Hero dambudziko kumapofu asingade kuona; nokuti achafawo. 33 Dambudziko kuna avo vasina kudzingiswa pamwoyo, nokuti ruzivo rwokutadza kwavo rwuchavarova pazuva rokupedzisira. 34 Hero dambudziko kumunyepi, nokuti achakandwa mugehena. 35 Hero dambudziko kune uyo anoponda achida, iyewo achafa. 36 Hero dambudziko kune avo vanoita upombwe, naivo vachakandwa mugehena. 37 Hongu, hero dambudziko kune avo vanonamata zvifananidzo, nokuti dhiabhorosi waanadhiaborosi vese anofara navo. 38 Ezvo, muchidimbu, dambudziko kuna avo vose vanofira muzvivi zvavo; nokuti vachadzokera kuna Mtyari, voona chiso chake, voramba vari muzvivi zvavo. 39 O, hama dzangu dzinodiwa, rangarirai dambudziko rinouya kana matadza pamberi paMwari Mutsvene, nenhamo yekunge mawira mumazano ewakaipa. Kufunga, zvenyama rufu, asi zvemweya kufunga upenyu husingaperi. 40 O, hama dzangu dzinodiwa, ipai nzeve kumazwi angu. Rangarirai ukuru hweMutsvene waIsiraeri. Musati ndakataura zvinhu zvakaoma kwamuri; nokuti mukadaro, munenge matuka chokwadi, nokuti ndataura mazwi oMusiki wenyu. Ndinoziva kuti mazwi echokwadi akaoma pane zvinhu zvese zvine tsvina; asi vatsvene havaatye kwete, nokuti vanoda chokwadi uye havazunguzuke. 41 Zvino, hama dzinodiwa, uyai kuna Ishe, Mutsvene. Rangarirai kuti nzira dzake itsvene. Tarirai, nzira yomunhu iduku, asi inofamba yakatwasanuka pamberi pake, ezvo muchengeti wapamusuwo ndiye Mutsvene waIsiraeri; uye haatore munhu anosevenza ipapo; uye hakuna imwe nzira kunze kwapamusuwo; nokuti haanganyengedzwi, nokuti Iske Mwari ndiro zita rake. 42 Ezvo uyo anogugudza, ndiye anozururirwa; vachenjeri, nevakadzidza, naavo vapfumi, vanozvikudza nokudzidza kwavo, nouchenjeri, noupfumi kwavo-hongu, ~vavo ndivo vaakashora; kunze kwokunge varasa zvinhu izvi, vozviita marema pamberi paMwari, nokuzviunza pasi-pasi nokuzvininipisa, haazovazururira. 43 Asi zvinhu zvavachenjeri nevanoziva zvichazovigwa kubva kwavari nokusingaperihongu, uyo mufaro wakagadzirirwa vatendi. 44 O, hama dzangu dzinodiwa, rangarirai mazwi angu. Tarirai, ndinobvisa nguwo dzangu, ndodzizunza pamberi penyu; ndinonamata kuna Mtyari woruponiso kuti anditarise neziso rakapinza; saka, muchaziva nezuva rokupedzisira, apo vanhu vose vachatongwa namabasa avo, kuti Mtyari waIsiraeri achapupura kuti ndakazunza kuipa kwenyu kubva pamweya wangu, zve kuti ndinomira 79 2 NEFI 9:45-54 nechiedza pamberi pake, ndisina ropa renyu. 45 O hama dzangu dzinodiwa, tendeukai kubva muzvivi zvenyu; zunzai ngetani idzo dzakakusungai; uyai kuna Mwari dombo roruponiso rwenyu. 46 Gadzirirai mweya yenyu zuva rokubwinya iro kutonga kwakanaka kuchaitwa kuvatsvene, kunyange zuva rokutongwa, kuti musazvipeta nokutya; kuti musarangarire kurasika kwenyu mune zvakakwana, mozotunhwa kuti mutaure muchiti: Kutsvene, kutsvene kutonga kwenyu kutsvene, O Ishe Mwari Unamasimba-asi ndinoziva kutadza wwnngu; ndakatadza mirairo yenyu, kutadza kwacho ndokwangu; dhiabhorosi akanditora, saka ndiri nyama yekuipa kwake. 47 Asi tarirai, hama dzangu, ko ndinofanira here kukumutsai kuti muone pachena zvinhu izvi? Ndingarwadzise here mwoyo yenyu kana pfungwa dzenyu dziri tsvene? Ndingataure zviri pachena here maererano nokutaura chokwadi dai manga makasununguka kubva muzvivi? 48 Tarirai, dai manga muri vatsvene ndaitaura kwamuri pamusana poutsvene; sezvo musiri vatsvene, muchitarisira kwandiri somudzidzisi, ndinofanira kukudzidzisai pamusana pedambudziko rechivi. 49 Tarirai, mweya wangu unovenga chivi, mwoyo wangu unofadzwa noutsvene, ezvo ndicharumbidza zita dzvene raMwari wangu. 50 Uyai, hama dzangu, uyo wose ane nyota, uyai kune mvura; uyo asina mari, uyai mutenge mudye; hongu, uyai mutenge waini nomukaka zvisina mari uye zvisina mutengo. 51 Saka, musaparadze mari pazvinhu zvisingakodzeri, kana simba renyu nezvisingagutsi. Teereresai nesimba kwandiri, murangarire mazwi andakataura; muuye kune Mutsvene waIsiraeri, muite mabiko kune icho chisingafi, kana kuipiswa, asi kuti mweya ufare mukukora. 52 Tarirai, hama dzangu dzinodiwa, rangarirai mazwi aMwari wenyu; namatai kwaari kusingaperi pazuva, nokutenda kuzita rake dzvene usiku. Mwoyo yenyu ngaifare. 53 Ezvo tarirai kuti zvibvumirano zvaIshe zvikuru sei, ezvo kukura kwekuzvideredza kwake kuvana vevanhu; nokuda kwoukuru hwake nyasha netsitsi dzake, akativimbisa kuti mbeu yedu haizoparadzwa zvachose, munyama, asi kuti achavachengetedza; zvizvarwa zvichauya zvichava bazi dzvene reimba yaIsiraeri. 54 Ezvo zvino, hama dzangu, ndingadai ndataura kwamuri zvakawanda, asi mangwana ndichataura mazwi andasiya nhasi. Ameni. CHITSAUKO 10 MaJudha acharovera pamuchinjikwa Mwari wavo-Vachapararira kudakc~ra vatangisa kutenda kwaari-America ichave nyika 2 NEFI 10:1-12 80 yerusununguko isina mambo anotonga-Wadzanai naMzvari ezvo mugowana ruponiso kuburikidza nenyasha dzake. Zvingangove makore 559 kusvika ku545 Kristu asati aberekwa. Ezvo zvino ini, Jakobho, ndinotaura kwamuri zvakare, hama dzangu dzinodiwa, pamusoro pebazi rakarurama iri randataura. 2 Nokuti tarisai, zvivimbiso zvatakawana zvivimbiso zvakaitwa kwatiri maererano nezvenyama; nokudaro, sezvo zvakaratidzwa kwandiri kuti ruzhinji rwevana vedu rwuchafira mune zvenyama nenzira yekusatenda, zvakadaro, Mtyari achanzwira tsitsi kuvazhinji; ezvo vana vedu vachaponeswa, kuti vazouya kune icho chichavapa ruzivo rwakakwana rwechokwadi rweMununuri wavo. 3 Nokudaro, sekutaura kwandaita kwamuri, zvinofanira kuti Kristu-nokuti mauro ngirozi yakandiudza kuti ndivo rakafanira kuve zita rakeanouya pakati pemaJudha, pakati peavo vakanyanya kuve vakaipa munyika; ezvo vachamurovera pamuchinjikwa-nokuti ndizvo zvinofadza Mtyari wedu, ezvo hakunazve rumwe rudzi panyika rwungarovere pamuchinjikwa Mtyari wavo. 4 Nokuti kana zvishamiso zvikuru zvakaitwa pakati pemamwe marudzi, vangatendeuke, ezvo vagoziva kuti ndiye Mtyari wavo. 5 Asi nenzira ufundisi husakarurama nezvitema, avo vari Jerusaremu vachaomesa mitsipa yavo vachimurwisa, kuti aroverwe pamuchinjikwa. 6 Nokudaro, nenzira yezvitema wavo, kuparadzwa, nzara, zvirwere, ezvo kudeuka kweropa kuchauya pavari; ezvo avo vasingazoparadzwa vachaparadzirwa pakati pemarudzi ose. Asi tarisai, ndivo kutaura kwaIshe Mwari: Kana zuva rasvika rekuti vatende mandiri, kuti ndini Kristu, saka ndakabvumirana nemadzibaba avo kuti vachadzorerwa munyama, pasi, kunyika yenhaka yavo. 8 Ezvo zvichaitika kuti vachaunganidzwa kubva kwavakanga vakapararira kwenguva huru, kubva muzvitsuwa zvegungwa, nemumativi mana enyika, ezvo marudzi evaHedheni achave makuru mumaziso angu, anodaro Mtyari, mukuvatakura vachienda navo kunyika dzenhaka. 9 Hongu, madzimambo evaHedheni ndivo vachave madzibaba ekuvarera, ezvo madzimambokadzi avo ndivo vachave vareri yavo; nokudaro, zvakavimbiswa naShe kuvaHedheni zvikuru, nokuti akazvitaura, ezvo ndiani angazvipokane? 10 Asi tarisai, nyika ino, anodaro Mtyari, ichave nyika yenhaka yenyu, ezvo vaHedheni vacharopafadzwa pamusoro payo. 11 Ezvo nyika ino ichave nyika yerusununguko kuvaHedheni, ezvo haichazove nemadzimambo enyika, vachamukirana nevaHedheni. 12 Ezvo ndichadzivirira nyika ino kune mamwe marudzi ose. 81 2 NEFr 10:13-24 13 Ezvo uyo anorwisa Zioni achafa, anodaro Mwari. 14 Nokuti uyo achamutsa mambo kuti andirwise achafa, nokuti ini, Ishe, mambo wedenga, ndichave mambo wavo, ezvo ndichave chiedza kwavari narinhi, avo vanonzwa mazwi angu. 15 Nokudaro, nenzira yezvizvi, kuti zvibvumirano zvangu zvizadzikiswe zvandakaita kuvana vevanhu, kuti ndinozozviita kwavari vari munyama, ndakafanira kuparadza mabasa akavanda erima, neekupondana, neekuipa. 1b Nokudaro, uyo acharwisa Zioni, kana muJudha ezvo kana muHedheni, musungwa neasina, murume kana mukadzi, vachafa; nokuti ivava ndivo pfambi dzepasi pose; nokuti avo vasiri kwandiri vari kurwisana neni, anodaro Mwari wedu. 17 Nokuti ndichazadzikisa zvandakavimbisa vana vevanhu, zvandakati ndinovaitira vachiri vapenyu 18 Nokudaro, hama dzangu dzinodiwa, ndiko kutaura kunoita Mwari wedu: Ndichatambudza mbeu yenyu neruoko rwevaHedheni; zvakadaro, ndichapfavisa mwoyo yevaHedheni, kuti vaite sababa kwavari; nokudaro, vaHedheni vacharopafadzwa ezvo vagoverengerwa pamwechete nevemba yaIsiraeri. 19 Nokudaro, ndichagadairira nyika ino mbeu yako, neavo vachaverengerwa kumbeu yako, narinhi, kuti ive nyika yenhaka yavo; nokuti inyika yakanaka, anodaro Mwari kwandiri, kupfuura dzimwe nyika dzose, nokudaro ndichaita kuti vese vanhu vanogaramo vandinamate, anodaro Mwari. 20 Ezvo zvino, hama dzangu dzinodiwa, sekuona kwatiri kuita kuti Mwari wedu wetsitsi atipa ruzivo rwukuru maererano nezvinhu izvi, ngatimurangarirei, tosendeka zvitema wedu, torega kutsikitsira pasi, nokuti hatina kutandwa; zvakadaro, takatinhwa tichibviswa munyika yenhaka yedu; asi takatungamirirwa kunyika iri nani, nokuti Ishe akaita gungwa rive nzira yedu, ezvo tiri pakatsuwa kegungwa. 21 Asi zvikuru zvakavimbiswa naIshe kune avo vagere pazvitsuwa zvegungwa; nokudaro sezvo zvichinzi zvitsuwa, zvinoreva kuti zvakawanda kupfuura apa, ezvo zvakagarwawo nehama dzedu. 22 Nokuti tarisai, Ishe Mwari nguva nenguva anotungamirira imba yaIsiraeri kwaanoda, maererano nezvinomufadza nekuda kwake. Ezvo zvino tarisai, Ishe anoyeuka vose vakatsauka, nokudaro anotiyeukawo nesu. 23 Saka, farai mumwoyo menyu, ezvo muyeuke kuti makasununguka kuita zvamunodakusarudza nzira yerufu rwusingaperi kana nzira yeupenyu hwokusingaperi. 24 Nokudaro, hama dzangu dzinodiwa, wadzanai nechido chaMwari, ezvo kwete kuda kwadhiabhori nekwenyama; ezvo muyeuke, mushure mekunge mawadzana naMwari, kuti 2 NEFI 10:25-11:8 82 chete nyasha dzaMwari ndidzo dzinoita kuti muponiswe. 25 Nokudaro, Mtyari angakumutsei kubva murufu nesimba rekumutswa kwavakafa, nemukufa kusingaperi nesimba rerudzikinuro, kuti mugogashirwa muumambo husingaperi hwaMwari, kuti mugomurumbidza kuburikidza nenyasha tsvene. Ameni. CHITSAUKO 11 jakobho akaona Mununuri zuakeMurau waMosesi mucherechedzo zuaKristu ezvo unoratidza kuti achauya. Zvingangove makore 559 kusvika ku545 Kristu asati aberekwa. Ezwo zvino, Jakobho akataura zvinhu zvizhinji kuvanhu vekwangu panguva iyoyo; zvakadaro zvinhu izvi ndizvo chete zvandaita kuti zvinyorwe, nokuti zvinhu zvandanyora zvinondikwanira. 2 Ezvo zvino ini, Nefi, ndinonyora mazwi mazhinji alsaya, nokuti mweya wangu unofadzwa nemazwi ake. Nokati ndichafananidza mazwi ake nevanhu vekwangu, ezvo ndigoatumira kuvana wangu vese, nokuti zvirokwazvo akaona Mununuri wangu, sekumuona kwandakamuita. 3 Nemunin'ina wangu, Jakobho, akamuonawo sokumuona kwandakaita; nokudaro, ndichatumira mazwi avo kuvana wangu kuti vaone kuti mazwi angu ndeechokwadi. Nokudaro, nemazwi evatatu, Mwari akati, ndichamisa shoko rangu. Zvakadaro, Mtyari anotumira vamwe vapupuri vakawanda, nekuzadzikisa mazwi ake ose. 4 Tarisai, mweya wangu unofara kuti ndiratidze kuvanhu vekwangu chokwadi chekuuya kwaKristu; nokuti, nenzira yechikonzero ichi kwakapiwa murau waMosesi; ezvo zvese zvinhu zvakapiwa naMwari kubvira pakutanga kwenyika, kuvanhu, zvinoratidza mucherechedzo wake. 5 Ezvo mweya wangu unofarawo nezvibvumirano zvaIshe zvaakaita kumadzibaba edu; hongu, mweya wangu unofadzwa nenyasha dzake, nemukutonga kwake kwakanaka, nesimba, netsitsi muzano guru nechirongwa chekubviswa murufu. 6 Ezvo mweya wangu unofadzwa mukuratidza vanhu vekwangu kuti kunze kwekunge Kristu auya vanhu vese vanofa. Nokuti kana kusina Kristu kana Mtyari hakuna; ezvo kana kusina Mtyari isu hatipo, nokuti hakwaikwanisa kuve nekusikwa. Asi kana Mtyari, ezvo ndiKristu, ezvo anouya nekukwana kwenguva yake. 8 Ezvo zvino ndave kunyora mamwe emazwi alsaya, kuti ani wake wevanhu vekwangu achaona mazwi aya vasimudze mwoyo yavo ezvo vagofara pamusana pemunhu wese. Zvino aya ndiwo mazwi, ezvo mungangoafananidza nemi nekune vamwe vanhu vese. 83 2 NBFI 12:1-14 CHITSAUKO 12 Isaya anoona temberi yemazuva ekupedzisira, kuunganidzwa kwaIsiraeri, nekutonga kwechiuru chemakore nerunyararo-Vanodada nevakaipa vachadzikiswa Mukuuya Kwechipiri-Enzanisai nalsaya 2. Zvingangove makore 559 kusvika ku545 Kristu asati aberekwa. Sxoxo iro rakaonekwa nalsaya mwanakomana waAmozi, riri maererano naJudha neJerusaremu: 2 Ezvo zvichaitika kuti mumazuva ekupedzisira, apo gomo remba yaShe richamiswa pamusoro pemakomo, ezvo richasimudzirwa pamusoro pezvikomo zvese, ezvo ese marudzi achayererera kwairi. 3 Ezvo vanhu vazhinji vachaenda ezvo vagoti, Uyai imi, tiende kugomo raIshe, kumba yaMwari waJakobho; ezvo achatidzidzisa nzira dzake, ezvo tichafamba mugwara rake; nokuti muZioni ndimo muchabva mutemo, neshoko raIshe kubva kuJerusaremu. 4 Ezvo achatonga pakati pemarudzi, ezvo achatsiura vanhu vazhinji: ezvo vachapfura minondo yavo kuti ive miromo yemagejo, ezvo mapfumo avo vachaaita ekukwanhurisa mitirudzi haruzosimudza munondo kubaya rwumwe rudzi, havazodzidza zvehondo zvakare. 5 Imi vemba yaJakobho, uyai imi ezvo tifambe muchiedza chaIshe; hongu, uyai, nokuti mese marasika, mumwe nomumwe munzira dzake dzakaipa. 6 Saka, imi Ishe masiya vanhu venyu, imba yaJakobho, nokuti yakazadzwa nezvekumabvazuva, ezvo vanoteerera zvinotaurwa nen'anga semaFirisitia, ezvo vanozvifadza nevana vevatorwa. Nyika yavowo izere nesirivha negoridhe, upfumi hwavo hauna magumo; nyika yavo izerewo nemahachi, kana ngoro dzavo hadziperi. 8 Nyika yavo izerewo nezvifananidzo; vanonamata zvavakaumba nemaoko avo, izvo zvakagadzirwa neminwe yavo. 9 Ezvo uyo munhu akazvidzika haakotamise musoro, ezvo munhu mukuru haazvirereke, Saka, musa muregerere. 10 Imi makaipa, pindai mudombo, ezvo muzvivige muguruva, nokuti kutya Ishe nokubwinya kweushe hwake kuchakurovai. 11 Ezvo zvichaitika kuti kuzvikudza kwemunhu kuchanyadziswa, nekuzvikakanyadza kwevanhu kuchakoromorwa, ezvo Ishe ega ndiye achakudzwa muzuva iroro. 12 Nokuti zuva raShe weHondo richasvika nokukurumidza kumarudzi ose, hongu, pamunhu wese; hongu, pane vanodada nevanozvikudza, nepane wese akasimudzirwa, achadzikiswa pasi. 13 Hongu, ezvo zuva raShe richasvika pamiti yemisida yese yeRebhanoni, nokuti yakareba nokukwirira; nepamusoro pemioku yese yeBhashani; 14 Ezvo pamakomo ese marefu, nepazvikomo zvese, 2 NEPI 12:15-13:9 84 nepamarudzi ese akasimudzirwa, nepavanhu vose. 15 Ezvo nepanharire refu yese, nepashongwe yose yakakomberedzwa. 16 Ezvo nekungarava dzose dzegungwa, nekungarava dzose dzeTarishishi, ezvo nepamifananidzo yese inofadza. 17 Ezvo kuzvikudza kwemunhu kuchadzikiswa pasi, nekuzvikakanyadza kwevanhu kuchaderedzwa; ezvo Ishe ega ndiye achakudzwa muzuva iroro. 18 Ezvo zvifananidzo achazvipfuudza zvachose. 19 Ezvo vachaenda mumwena yematombo, nemumapako epasi, nokuti kutya Ishe kuchavabata nekubwinya kweushe hwake kuchavarova, paachasimuka kuti azunze pasi! 20 Muzuva iroro munhu acharasira zvifananidzo zvake zvesirivha, nezvifananidzo zvake zvegoridhe, zvaakazviitira kuti azvinamate, kunhuta nekumiremwa-remwa; 21 Kupinda mumitswi yematombo, nepamusoro pemabwe akatsemuka, nenzira yekutya kuti Ishe achauya pamusoro pavo ezvo ushe hwembiri yake huchavarova, kana omuka kuzozunza nyika zvinotyisa. 22 Ibvai kumunhu, ane kufema kuri mumhuno dzake; nokuti ndepapi paachazivikanwawo? CHITSAUKO 13 Judha neJerusaremu dzicharangwa pamusana pekusateerera kwavoIshe anonyengetedzera ezvo ago tonga vanhu vake-Vanasikana vaZioni vanotukwa nekunetswa nenzira yekuda kwavo zvinhu zvenyika-Enzanisai nalsaya 3. Zvingangove makore 559 kusvika ku545 Kristu asati aberekwa. NoxuTr tarisai, Ishe, Ishe weHondo, anotorera Jerusaremu, naJudha, musimboti nemudonzvo, musimboti wose wezvekudya, newese wemvura 2 Gamba, nemurume wehondo, mutongi, nemuporofita, nevakachenjera, nevakuru; 3 Mutungamiri wemakumi mashanu, nemurume anokudzwa, nemakurukota, newemapipi, uye anogona kutaura. 4 Ezvo ndichavapa vana kuti vave machinda avo, ezvo vacheche vachavatonga. 5 Ezvo vanhu vachadzvinyirirwa, wese nomumwe, ezvo wese newaakavakidzana naye; mwana achizvikudza kuna vakuru, ezvo akazvidzwa achazvikudza pane vanokudzwa. 6 Apo munhu achabata hama yake yemumba mababa vake, ezvo agoti: Iwe une zvipfeko, iva mutongi wedu, ezvo usabvumire kuparara uku kuti kuuye iwe uripo 7 Mwiuva iroro achapika, achiti: Handiite kuve murapi; nokuti mumba mangu hamuna chingwa kana zvipfeko; regai kundiita mutongi wavanhu. 8 Nokuti Jerusaremu rava dongo, ezvo Judha yapunzika, nokuti miromo yavo nemabasa avo airwisana naIshe, kutsamwisa meso okubwinya kwake. 9 Kuratidzika kweusu hwavo 85 2 NEFI 13:10-26 kunoreva zvavari, ezvo kuchireva kuti chitema chavo chakafanana necheSodhomu, ezvo havangachivige. Dambudziko kumweya yavo, nokuti vazvipa vega mubairo wechakaipa! 10 Itai kune vakarurama zvakanaka kwavari; nokuti vachadya muchero wemabasa avo. 11 Dambudziko kune vakaipa, nokuti vachafa; nokuti mubairo wemabasa avo uchave pavari! 12 Ezvo vanhu vangu, vana vadiki ndivo vadzvinyiriri yavo, ezvo vanotongwa nemadzimai. Imi vanhu vangu, avo vanokutungamirirai vanoita kuti mutadze ezvo vopaza nzira yamunofamba nayo. 13 Ishe anosimuka kuvakumbirira, ezvo agosimukira kutonga vanhu. 14 Ishe achapinda mukutonga nevekare vevanhu vake nemachinda acho; nokuti makadya munzamviringa ezvo mukadya zvevarombo mudzimba dzenyu zvamakavatorera. 15 Munorevei imi? Makarova vanhu vangu mukavaita marengenya, ezvo mukakuya uso hwevarombo, anodaro Ishe Mwari weHondo. 16 Zvakare, Ishe anoti: Nenzira yekuti vanasikana veZioni vanozvikakanyadza, ezvo vachifamba vakazvuva mitsipa nemaziso eruchiva, vachifamba vachikunyungudza, ezvo vachirovanisa zvitsitsinho zvavo 17 Saka Ishe acharova nechirwere chegwembe panhongonya yemisoro yevanasikana veZioni, ezvo Ishe achafugu ra nzvimbo dzemiviri yavo dzekutsi. 18 Muzuva iroro Ishe achabvisa kusatya kwezvishongo zvavo zvavaifamba zvichirira, nenguwani, nemakoza akatenderera semwedzi. 19 Tungetani nemangwerengwa, nezvinomonerwa mumutsipa; 20 Tunguwani, nezvishongo zvemumakumbo, nezvinosungiswa mumisoro, nezvinonhuwira, nemhete dzemunzeve; 21 Mhete dzeminwe, nezvekuisa pamhuno; 22 Nguwo dzakawanda, nemadhuku, nezvipeneti zvevhudzi; 23 Zvioni-oni, nemachira anoyevedza, neemumusoro, nemambure. 24 Ezvo zvichaitika kuti, kunze kwekunhuwirira kwakanaka pachanhuwa kuora; ezvo kunze kwebhanire, kuchava nemundya; ezvo kunze kwevhudzi rakakamwa zvakanaka, kuchave nemhanza, ezvo kunze kwemudimuraura, kuchave nemundya wesaga; kutsva kunze kwerunako. 25 Varume venyu vachafa nokubaiwa ezvo ugamba hwavo huchapedzwa muhondo. 26 Ezvo masuwo ake achachema nokuhungudzika; ezvo achaita segwenga, ezvo agogara pasi muvhu. CHITSAUKO 14 Zioni nevanasikana vake achanunurwa nekucheneswa mumazuva ezviuru- zvamakore-Enzanisai 2 NEFI 14:1-15:6 86 nalsaya 4. Zvingangove makore 559 kusvika ku545 Kristu asati aberekwa. Ezvo muzuva iroro, vakadzi vanomwe vachabata murume mumwechete, vachiti: Tichazvitsvagira zvekudya, ezvo tigozvipfekedza; tinongoda kudaidzwa nezita rako chete kuti tisanyare. 2 Muzuva iroro vebazi raShe vachave vakanaka zvikuru nokubwinya; muchero wenyika uchave wakanakisisa nekusevenza kune avo vakapunyuka vaIsiraeri. 3 Ezvo zvichaitika kuti, avo vachasiiwa muZioni ezvo vachisara vari muJerusaremu vachadaidzwa kunzi vatsvene, wese akanyorwa pavapenyu vari muJerusaremu 4 Apo Ishe achinge ashambidza tsvina yevanasikana veZioni, ezvo achinge asuka ropa reJerusaremu pakati pavo nemweya wekutonga nemweya wekupisa. 5 Ezvo Ishe achaita kuti pamba pega-pega mugomo reZioni, nepaunganwa paro, paite gore reutsi masikati nekuita chenza chemoto usiku; nokuti pese panokubwinya kwaZioni pachadzivirirwa. 6 Ezvo pachave netende yemumvuri masikati kuchipisa, ezvo yovewo nzvimbo yokuvanda, ezvo mhepo nemvura. CHITSAUKO 15 Bindu remidzamviringa ralshe (Isiraeri) richave gwenga, ezvo vanhu vake vachaita barara-mhanya-Matambudziko achauya pavari mukurasika nekuparadzwa kwavo-Ishe achasimudza mureza ezvo ounganidza Isiraeri-Enzanisai nalsaya 5. Zvingangove makore 559 kusvika ku545 Kristu asati aberekwa. Ezvo zvino ndichaimbira mudiwa wangu rwumbo rwemudiwa wangu, rwezvebindu rake remidzamviringa. Mudiwa wangu ane bindu remidzamviringa muchikomo chine kudya kwazvo. 2 Ezvo akarikomberedza, akaunganidza matombo aivemo, akasima midzamviringa inonakisisa, ezvo ndokuvaka shongwe pakati paro, ezvo ndokuitawo pokusvinira waini makaremo, ezvo akatarisira kuwana mazambiringa, ezvo ikabereka madzamviringa emusango. 3 Ezvo zvino, imi vagari veJerusaremu, nemi varume veJudha, enzanisai, ndinokukumbirai, pakati pangu nebindu rangu remidzamviringa. 4 Chii chingadai chakaitwa kubindu rangu remidzamviringa chandisina kuita mariri? Nokudaro, pandakaritarisira kuita dzamviringa rakabereka dzamviringa dzemusango. 5 Ezvo zvino endai; ndichakuudzai zvandichaita nebindu rangu remidzamviringa-ndichabvisa ruzhowa, ezvo robva radyiwa; ezvo ndichapaza tsvingo, ezvo robva ratsikwa-tsikwa; 6 Ezvo ndichariita kuti rirarire; miti yaro haichekererwe kana kusakurirwa; asi muchamera 87 2 NEFI 15:7-24 rukato neminzwa; ndichaudzawo makore kuti asanaise mvura pariri. 7 Nokuti bindu remudzamviringa raIshe weHondo imba yaIsiraeri, ezvo varume vaJudha ndivo zvidyarwa zvake zvinofadza; ezvo akatsvaga kutongwa, ezvo tarisai, kudzvinyirirwa; kururama, asi tarisai, kuchema. 8 Dambudziko kune avo vanorumanidza dzimba kune dzimwe dzimba, kudakara pasisina mukana, yekuti dzimiswe padzo dzega pakati penyika! 9 Munzeve dzangu, Ishe weHondo akati, zvechokwadi dzimba zhinji dzichave matongo, ezvo maguta makuru ezvo anoyevedza achasara asina vanhu. 10 Hongu, gumi remaeka ebindu remudzamviringa richaburitsa bati rimwe chete, ezvo homeri imwechete (kana kuti masaga matatu) embeu achaburitsa efa imwechete. 11 Dambudziko kune avo vanomuka rungwanani, kuti vatevedze doro, vagorinwa kudakara usiku, ezvo vagodhakwa naro! 12 Ezvo rudimbwa, nezvipendani, nezvikwepa, ezvo waini ndizvo zviri mumabiko avo; asi havana hany'a nebasa raShe, kana kufunga nezvakaitwa nemaoko ake. 13 Naizvozvo, vanhu vekwangu vakaenda muutapwa, nokuti havana ruzivo; ezvo varume yavo vanokudzwa vanoziya, ezvo vazhinji yavo vaoma huro nenyota. 14 Naizvozvo, gehena razvikudza-kudza, ezvo rikazarura musiwo waro kuti haradada; ezvo mbiri yavo, nekuwanda kwavo, nekushamisira kwavo, neuyo anofara, vachadzika mariri. 15 Ezvo asina maturo achadzikisirwa, ezvo gamba richaturunurwa, ezvo ane maziso ari padenga achaturunurwa. 16 Asi Ishe weHondo achakudzwa pakutonga, ezvo Mwari uyo mutsvene vachaitwa kuti vave vatsvene mukururama. 17 Zvino hwayana dzichafura setsika yadzo, ezvo matongo evakakora achafurwa nevatorwa. 18 Dambudziko kune vanokakata kuipa netambo dzekuzvida, ezvo vagoita zvitema sekunge vakabata tambo yengoro. 19 Vanoti: Muregei akurumidze, basa rake richimbidzike, kuti tirione; ezvo regai kuraira kwoMutsvene waIsiraeri kusebere pedyo ezvo kuuye, kuti tigozviziva. 20 Dambudziko kune avo vanoti zvakaipa zvakanaka, ezvo vachitiwo zvakanaka zvakaipa, asi vachiisa rima muchiedza, ezvo vachiisa chiedza murima, vanoisa kuvava panotapira, nokuisa kutapira panovava! 21 Dambudziko kune avo vanozviona sevakachenjera neavo vanozviona sevakangwara! 22 Hondo kumagamba ekunwa doro, nevarume vave simba mukusanganisa doro rinodhaka; 23 Vanoreverera wakaipa nemubairo, ezvo vachitorera wakarurama kururama kwake! 24 Saka, sekupiswa kunoitwa mashanga nemoto, ezvo rimi rinopisa marara, midzi yavo 2 NEFI 15:25-16:5 88 ichave yakaora, neruva ravo richapupurutswa seguruva; nokuti vakarasa murau waIshe weHondo, ezvo vakashora shoko reMutsvene waIsiraeri. 25 Saka, hasha dzaIshe dzabatira kuvanhu vake, ezvo atambanudza ruoko rwake kwavari, ezvo akavarova; ezvo makomo akandengendeka, ezvo zvitunha zvavo zvaiputikira pakati pemigwagwa. Kana dai zvakadaro kushatirwa kwake hakuna kubviswa, asi ruoko rwake rwuchiri rwakatambanudzwa. 26 Ezvo achisimudzira mureza kumarudzi anobva kure, ezvo agovashinyirira vari kumagumo kwenyika; ezvo tarirai, vachauya nokukurumidza vachimhanya; hapana achaneta kana anopunzika pakati payo. 27 Hapana achabatwa nehope kana anokotsira; kana mabhanhire emuchiuno haasunungurwe, kana tambo dzeshangu dzavo hadzidamburwe; 28 Vane miseve inopinza, ezvo hwese uta hwavo hwakakombama, ezvo matsimba emabhiza avo achaonekwa segwenya, ezvo mavhiri avo achaita sechinyamupupuri, ezvo kutinhira kwayo kuchaita sekweshumba. 29 Vachadzvova seshumba dzichiri diki; hongu, vachadzvova, ezvo vagobata nyama yavo, ezvo vagoitakura vachienda nayo zvitsvene, ezvo hapana anoinunura. 30 Ezvo nezuva iroro vachavadzvovera sekutinhira kwegungwa; ezvo kana vakatarisa munyika, tarisai, rima nekusuwa, ezvo chiedza chichadzimwa kumatenga. CHITSAUKO 16 Isaya anoona Ishe-Zvitema zvaIsaya zvinoregererwa-Anodaidzwa kuti aporofite-Anoporofita kurambwa kwedzidziso yaKristu nemajudha-Vakasara vachadzoka-Enzanisai naIsaya 6. Zvingangove makore 559 kusvika ku545 Kristu asati aberekwa. MUGORE iro rakafa mambo Uziya, ndakaonao Ishe agere pachigaro cheushe, pamusoro ezvo pakasimudzirwa mudenga, ezvo magemenzi ake akazadza temberi. 2 Pamusoro payo pakanga pamire serafimi; imwe neimwe yadzo yaiva nemapapiro matanhatu; maviri akanga ari okufugidza kumeso kwayo, ezvo maviri achifugidza tsoka dzayo, ezvo maviri ndiwo ayaibururuka nawo. 3 Ezvo imwe yakachema kune imwe, ezvo ikati: Mutsvene, mutsvene, mutsvene, Ishe weHondo; pasi pose pazere nekubwinya kwake. 4 Mapango emusuo akazunguzuka pakunzwa izwi reuyo akachema, ezvo imba ikazara neutsi. 5 Zvino ini ndikati: Dambudziko rave kwandiri! nokuti ndaiswa pachena; nokuti ndiri munhu ane mukanwa makaipa; ezvo ndinogara pakati pevanhu vane mukanwa makaipa; nokuti maziso angu aona Mambo, Ishe weHondo. 89 2 NEFI 16:6-17:6 6 Zvino ndokubva imwe yeserafimi dziya yabururuka ichiuya kwandiri, iine bvunze remoto muruoko rwayo, raakanga atora nezvisimbi zvaiva paaritari; 7 Ezvo akariisa pamuromo pangu, ezvo akati: Tarisa, bvunze iri raguma muromo wako; ezvo kuipa wwako kwabviswa, ezvo zvitema wako zvasukwa. 8 Ndakanzwawo izwi raIshe, richiti: Ndiani andichatuma, ezvo ndiani angatiendere? Ndokubva ndati: Ndiri pano ini; nditumei. 9 Ezvo akati: Enda unotaurira vanhu ava-Nzwisisai chaizvo, asi havana kunzwa; onai chaizvo, asi havana kuona. 10 Ita kuti mwoyo yevanhu ava ikore, ezvo ugoita kuti nzeve dzavo dzireme, utsinzinyise maziso avo-nokuti vangazoona nemaziso avo, ezvo vakanzwa nenzeve dzavo, ezvo vakanzwisisa nemwoyo yavo, ezvo vagotendeuka nokuponeswa. 11 Zvino ini ndokuti: Ishe, kwenguva yakadii? Ezvo iye akati: Kudakara maguta asara asisina vanhu, ezvo dzimba dzisisina vanhu, ezvo nyika yasara yave gwenga chairo; 12 Ezvo Ishe abvisa vanhu avaisa kure-kure, nokuti kuchave nokutama kukuru pakati penyika. 13 Asi kuchazove nechikamu chegumi, chichadzoka, chichadyiwa, semuti wemuteiri semuoku uyo unenge uine kudya kwakakwana panguva yaunodonha mashizha; saka mbeu tsvene ndiyo ichave kudya kwayo. CHITSAUKO 17 Efuremu naSiria vanoita hondo naJudha-Kristu achaberekwa nemhandara-Enzanisai nalsaya 7. Zvingangove makore 559 kusvika ku545 Kristu asati aberekwa. Ezvo zvakaitika kuti mumazuva aAhazi mwanakomana waJotamu, mwanakomana waUziya, mambo waJudha, kuti Rezini, mambo weSiria, naPeka mwanakomana waRemaria, mambo waIsiraeri, vakaenda kuJerusaremu vachida kunoirwisa, asi vakatadza kuikunda. 2 Ezvo zvakataurirwa vemba yaDhavidhi, zvichinzi: Siria yafurirana naEfuremu. Ezvo mwoyo wake wakapepetwa, nemwoyo yevanhu vakewo, sekupepetwa kunoitwa miti nemhepo musango. 3 Zvino Ishe akati kuna Isaya: Enda iye zvino unosangana naAhazi, iwe naShearijashubhi mwanakomana wako, pakaperera mugero unobva muchidziva chekumusoro mumugwagwa wekumunda kwemusuki wenhumbi; 4 Ezvo woti kwaari: Chenjera, ezvo unyarare; usatye, zve usarohwe nehana pamuso o pezvitsiga zvemoto zviri :upfungaira, nekushatirwa ku~lotyisa kwaRezini achishatirirw~ Shia, nemwanakomana waRemaria. 5 Nokuti Shia, Efurernu, nemwanakomana waRemaria, vapakwa zvakaipa nezvako, vachiti: 6 Hendei kumaJudha tinovanetsa, tigozviitira muganhu wedu 2 NEFI 17:7-25 90 imomo, ezvo tigoisa mambo pakati pavo, hongu, mwanakomana waTabheeri. 7 Ndizvo zvinotaura Ishe Mwari: Hazvimire, zve hazvizoitika. 8 Nokuti musoro weSiria iDhamasiko, ezvo musoro weDhamasiko, ndiRezini; ezvo mukati memakore makumi matanhatu ane makore mashanu vaEfuremu vatyorwa-tyorwa zvekuti vanenge vasisiri vanhu. 9 Ezvo musoro wevaEfuremu vaSamaria, ezvo musoro wemaSamaria mwanakomana waRemaria. Kana mukasatenda chokwadi hamungasimbiswe. 10 Zvakare, Ishe akataura zve kuna Ahazi, achiti: 11 Kumbira iwe chiratidzo kuna Ishe Mwari wako; chikumbire chero kune zvakadzama pasi, kana kune zviri muchadenga. 12 Asi Ahau akati: Handikumbire kwete, zve handiedze Ishe. 13 Ezvo akati: Inzwai zvino imi, vemba yaDhavidhi; chinhu chiduku here kuti munetse vanhu, asi mungade kunetsa Mtyari wanguwo here? 14 Saka, Ishe pachake achakupai chiratidzo-Tarirai, mhandara ichabata pamuviri, ezvo igobereka mwanakomana, achadaidzwa zita rake kunzi Imanueri. 15 Ruomba neuchi ndizvo zvaachadya, kuti agoziva kuramba zvakaipa ezvo achisarudza zvakanaka. 16 Nokuti mwana asati asvika pakuramba chakaipa nokusarudza chakanaka, nyika yamakavenga inenge yatosiiwa nemadzimambo ayo maviri. 17 Ishe achaunza pauri, nekuvanhu vekwako, nemumba mababa vako, mazuva asati ambovako kubvira musi wakabva vaEfuremu muna Judha, mambo weAsiria. 18 Ezvo zvichaitika kuti muzuva iroro Ishe acharidzira muridzo nhunzi iri kumusoro soro kweIjipiti, nenyuchi iri munyika yeAsiria. 19 Ezvo dzichauya, ezvo ndichazorodza dzese mumanhika asina chinhu, nemumwena yematombo, nepaminzwa yose, nepamakwenzi ese. 20 Muzuva rakarero Ishe achaveura nechisvo chakumbirwa, navari mhiri kwerukova, namambo weAsiria, musoro, nemvere dzemumakumbo; ezvo chichabvisawo ndebvu. 21 Ezvo zvichaitika kuti muzuva iroro, murume achapfuya mhou ichiri diki nehwai mbiri; 22 Ezvo zvichaitika kuti, nenzira yekuwanda kwemukaka wazvichamupa achadya ruomba; nokuti ruomba neuchi ndizvo zvichadyiwa nemunhu wese anosara ari munyika. 23 Ezvo zvichaitika kuti muzuva iroro, pese-pese, pange paine minzamviringa yange ichikwana chiuru ichikosha chiuru chesirivha, pachasara pave nerukato neminzwa. 24 Varume vachauyako nemiseve neuta, nokuti yose nyika inenge yangove rukato neminzwa. 25 Ezvo wese zvikomo zvicharimwa nemapadza, hapazove 91 2 NEFi 18:1-15 nekutya rukato neminzwa; asi muchave mokusairira ngavi, nokutsikwa-tsikwa nedzimwe mombe diki. CHITSAUKO 18 Kristu achava sedombo rinogumbura ezvo sebwe rekugumburaTsvagai Ishe, kwete kuve varoyi vanoita zvekudongorera-Dzokerai kumurau nekuuchapupu kuti mutungamirwe-Enzanisai nalsaya 8. Zvingangove makore 559 kusvika ku545 Kristu asati aberekwa. ZVAKARE, izwi raIshe rakati kwandiri: Mugotora hwati huru, ezvo mugonyora mairi nechinyoreso chemunhu, pamusoro paMaheri-sharari-hashi-bhazi. 2 Ezvo ndakatora vapupuri vakatendeka kuti vanyore, Uriya mufundisi, naZekaria mwanakomana waJebherekia. 3 Ezvo ndakaenda kumuporofita wechikadzi; ezvo akatora pamuviri akabereka mwana mukomana. Zvino Ishe akati kwandiri: Mudaidzei zita rake kuti Maheri-sharari-hashi-bhazi. 4 Nokuti tarisa, mwana uyu haasvike pakuziva kuchema achiti, Baba vangu, kana amai vangu, upfumi hweDhamasiko nezvakapambwa zveSamaria zvisati zvatorwa zvichiiswa pamberi pamambo weAsiria. 5 Ishe akataurawo kwandiri zvakare achiti: 6 Sezvo vangu ava vachiramba mvura yemuna Shiroa inoerera zvakapfava, ezvo vachifarira Rezini nemwanakomana waRemaria; Zvino naizvozvo, tarisa, Ishe anounza mvura yerukova pamusoro pavo, yakasimba ezvo yakawanda, kana mambo weAsiria nokubwinya kwake; ezvo rwuchazadza netwukova twarwo twese, ezvo igofashukira nekunze. 8 Ezvo rwuchapfuura nemunyika yaJudha; rwugozara ezvo rwuchifashukira, mvura ichazara kusvika muhuro; ezvo kutambanuka kwemapapiro arwo kuchazadza upamhi hwenyika yako, Iwe Imanueri. 9 Wadzanai pachenyu, imi vanhu, ezvo muchadimurwa-dimurwa; ezvo teererai imi venyika dziri kure; zvisungei zviuno, ezvo muchadimurwa-dimurwa; zvisungei zviuno, ezvo muchadimurwa-dimurwa. 10 Ranganai pamwechete, ezvo hapana chinobuda; taurai shoko, ezvo harizomira; nokuti Mwari anesu. 11 Nokuti Ishe akataura neni zvine simba, akandidzidzisa kuti ndisafambe munzira dzevanhu ava, achiti: 12 Imi musati, Chirangano, kuve avo vose vachanzi nevanhu ava, Chirangano; kana kutya kutya kwavo, musatye. 13 Itai kuti Ishe weHondo ave mutsvene pachake, ezvo ngaave iye amunotya, ezvo ave iye amunozeza. 14 Ezvo agove nzvimbo yenyu tsvene; asi rigove dombo rinogumbura, ezvo rigove ibwe rekutsamwisa dzese imba mbiri dzaIsiraeri, richave riva nemusungo kuvagari vejerusaremu. 15 Ezvo vazhinji mukati mavo 2 NEFI 18:16-19:7 92 vachapiringishwa ezvo vachipunzika, ezvo vachityoka, ezvo vachiteyewa, ezvo vachibatwa. 16 Sungai uchapupu, momisa mutemo pakati pevadzidzi vangu. 17 Ezvo ndichamirira Ishe, uyo ari kuvanza chiso chake kune vemba yaJakobho, ezvo ndichamutsvaka. 18 Tarisai, ini nevana vandakapiwa naIshe tiri vezviratidzo neminana muIsiraeri zvinobva kuna Ishe weHondo, uyo agere muGomo reZioni. 19 Ezvo kana voti kwamuri: Tsvagai kune vanosvikirwa, nekuvauki vanodongorera nokugunun'una-vanhu havafanire kubvunza kuna Mwari wavo here kuti vapenyu vanzwe kuvakafa? 20 Kumutemo neuchapupu; ezvo vakasataura maererano neshoko iri, imhaka yekuti hamuna chiedza mavari. 21 Vachafamba nenyika vakasuwa vane nzara, zvichaitika kuti kana vava nenzara vachaita hasha, ezvo vachatuka mambo wavo naMwari wavo, ezvo vakatarisa kudenga. 22 Ezvo vachatarisa panyika ezvo vagoona dambudziko, nerima, kudzimaidzwa nekurwadziwa kukuru, ezvo vagoiswa murima. CHITSAUKO 19 Isaya anotaura nezvamesiya-Vanhu vari murima vachaona chiedza chikuru-Tinozvarirwa mwanaAchave Jinch rellunyararo ezvo agotonga agere pachigaro cheushe chaDhavidhi-Enzanisai nalsaya 9. Zvingangove makore 559 kusvika ku545 Kristu asati aberekwa. ZVISINEI, kudzimaidzwa hakuzoita sekwakange kuri mukutambudzika kwake, apo pakutanga zvaakangonyaikira chete kunetsa nyika yaZebhuroni, nenyika yeNafutari, ezvo mushure mezvo akazotambudza zvinorwadza nekuGungwa Dzvuku mhiri kwaJorodhani muGarirea yemarudzi. 2 Vanhu vaifamba murima vaona chiedza chikuru; avo vanogara munyika yemumvuri werufu, pavari chiedza chapenya. 3 Imi mawanza rudzi, ezvo mukapamhidzira mufaro-vanofara pamberi penyu maererano nemufaro wepanguva dzekukohwa, ezvo sekufara kunoita varume kana vachigovana zvinhu zvavapamba. 4 Nokuti matyora joki rekudzvinyirirwa kwake, netsvimbo yairova mapfudzi ake, mubhadha wemudzvinyiriri wake. 5 Nokuti kwese kurwa kwemurwi kune ruzha rwunokanganisa, nezvipfeko zvaumburudzwa muropa; asi izvi zvichave nekubvira nekuve huni dzinobvirisa moto. 6 Nokuti kwatiri mwana azvarwa, kwatiri tapiwa mwanakomana, ezvo kutonga kuchave pamapfudzi ake; ezvo zita rake richadaidzwa kuti Anoshamisa, Mupiwezano, Mtyari Mukuru, Baba Wokusingaperi, Jinda reRunyararo. 7 Zve kupamhidzirwa kwe- 93 2 NEFI 19:8-20:2 kutonga nerunyararo hadvina magumo, pachigaro cheumambo hwaDhavidhi, nemuumambo hwake, nekuhumisa nekutonga nekururama kubvira iye zvino, kusvika nokusingaperi. Kuda kwaIshe Wehondo kuchaita kuti zviitike. 8 Ishe akatumira shoko rake kuna Jakobho ezvo rajekesa kuna Isiraeri. 9 Ezvo wese vanhu vachaziva, kana Efuremu nevanhu veSamaria, vanotaura nekudada nekuzvikudza kwemwoyo: 10 Zvidhinha zvakoromoka, asi tichavaka nematombo akavezwa; mionde yatemwa, asi tichaipindura kuti ive misidha. 11 Nokudaro Ishe achamutsira Rezini vavengi, agobatanidza vavengi yake pamwechete; 12 VaSiria pamberi ezvo vaFirisitia shure; ezvo vachamedza Isiraeri nemuromo wakashama. Nokub hasha dzake hadzina kudzoswa, asi ruoko rwake rwuchakangosimudzwa. 13 Nokuti vanhu havatendeukire kune uyo anovarova, kana Ishe Wehondo havamutsvake. 14 Saka Ishe achadimura vaIsiraeri musoro nemuswe, bazi nenhokwe muzuva rimwechete. 15 Harahwa, ndiyo musoro; ezvo muporofita anodzidzisa nhema, ndiye muswe. 16 Nokuti vatungamiri vevanhu ava ndiyo vanoita kuti vatadze; ezvo avo vanotungamirwa navo vanoparadzwa. 17 Nokudaro Ishe haachazove nerufaro nemajaya avo, haazove netsitsi kune vasina baba wavo neshirikadzi; nokuti mumwe nomumwe wavo munyengedzi nemuiti wezvakaipa, ezvo wese muromo unotaura nhema. Nezvose izvi hasha dzake hadzina kudzoswa, asi ruoko rwake ruchakatambanudzwa. 18 Nokuti kuipa kunobvira semoto; uchapisa rukato neminzwa, ezvo uchabatira mumasango akapfita, ugokwira semhute yeutsi. 19 Nehasha dzaIshe weHondo nyika inoita rima, ezvo vanhu vachaita sehuni dzaiswa muchoto; hakuna munhu acharegerera hama yake. 20 Achabvuta nekurudyi agoshoshera ezvo agonzwa nzara; ezvo achadya neruboshwe ezvo vagosaguta; wese munhu achadya nyama yeruoko rwake 21 Manase, Efuremu; ezvo Efuremu, Manase, ivava pamwechete vacharwisa Judha. Nokudaro hasha dzake hadzina kudzoswa, asi ruoko rwake rwuchakatambanudzwa. CHITSAUKO 20 Kuparadzwa kweAsiria mufananidzo wekuparadzwa kwevakaipa Pakuuya Kwechipiri-Vanhu vashoma vachasara mushure mekudzoka kwaIshe zvakare-Vakasara vemba yaJakobho vachadzoka musi iwoyo-Enzanisai nalsaya 10. Zvingangove makore 559 kusvika ku545 Kristu asati aberekwa. HExo dambudziko kune avo vanomisa mitemo isina kururama, nekunyora zvakaipa zvekudzvinyirira. 2 Kurambidza varombo kuti 2 NEFI 20:3-16 94 vasasvike pakutongwa kwakarurama, nokutorera varombo vevanhu vekwangu zvakafanira kuve zvavo, kuti vagopamba zve chirikadzi, ezvo vagorozva nherera dzisina madzibaba! 3 Ezvo muchaitei muzuva rokushanyirwa, nemudambudziko richabva kure? muchatizira kuna ani kuti muyamurwe? Ezvo muchasiya kupi pfuma yenyu? 4 Ndisisipo ini vachazvipeta pakati pevasungwa, ezvo vachapunzikira muzvitunha. Zvakadaro hasha dzake hadzina kudzorwa, asi ruoko rwake rwuchakangotambanudzwa. 5 Iwe muAsiria, mubhadha wehasha dzangu, ezvo mudonzvo uri muruoko rwavo kushatirwa kwavo. 6 Ndichamutumira kundorwisa vanhu vanonyengedza, nokuvanhu vanorwisana nehasha dzangu ndichamupa simba rokutora zvinhu zvavo, ovatora, nokuvatsika-tsika sematope mumigwagwa. Asi izvi hazvizizvo zvaanoda kuna, kana mwoyo wake hazvizizvo zvaunofunga; asi zvaanoda nemwoyo wake kuparadza nokuuraya marudzi akawanda. 8 Nokuti anoti: Ko machinda angu ose haazi madzimambo here? 9 Ko Karino haina kuna seKarikemishi here? Ko Hamati haina kuna seAripadhi here? Ko Samaria haina kuna seDhamasiko here? 10 Sezvo ruoko rwangu rwakasi.